RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 1/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Mhuka
    Mukai!—2015
  • Mhuka Dzinoenda Kudenga Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 1/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Sei vanhu vakawanda vachiti kune Musiki?

Amai vari kufarira mwana wavo

Upenyu pachahwo chishamiso

Makore anenge 3 000 akapfuura, mumwe mudetembi akanyora kuti: “Ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa.” (Pisarema 139:14) Paunofunga kukura kunoita mwana kubva pasero rimwe chete, hazviiti kuti ushamisike here? Vanhu vakawanda vanoti zvinhu zvipenyu zvakaitwa kuti zvivepo neMusiki.​—Verenga Pisarema 139:13-17; VaHebheru 3:4.

Musiki wezvinhu zvose uyo akaita kuti panyika pagarike ndiyewo akasika upenyu. (Pisarema 36:9) Akataura nevanhu achitiudza nezvake.​—Verenga Isaya 45:18.

Takabva kumhuka here?

Miviri yedu yakafanana neyemhuka pane zvakawanda. Chikonzero chacho ndechekuti Mwari akasika vanhu nemhuka kuti zvirarame panyika. Akasika munhu wekutanga kubva kuguruva, kwete kumhuka.​—Verenga Genesisi 1:24; 2:7.

Vanhu vakasiyana nemhuka pazvinhu zviviri zvinokosha. Chekutanga, vanhu vanokwanisa kuziva Musiki, kumuda, uye kumuremekedza. Chechipiri, vanhu ndivo vakasikwa kuti vararame nekusingaperi, kwete mhuka. Asi iye zvino vanhu vose vanofa, nekuti munhu wekutanga akaramba kutungamirirwa neMusiki.​—Verenga Genesisi 1:27; 2:15-17.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 1 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Riripowo pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe