RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 8/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Akatisika Aine Chinangwa Chei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Donzo Chairoiro Roupenyu
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 8/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Upenyu hwedu hune chinangwa here?

Murume akwegura nekamwana vakatarisa kure

Unomboona sekuti upenyu hwedu hupfupi here?

Wakambozvibvunza here kuti pane zvimwe zvatinoraramira kunze kwekungotamba, kushanda, kuroorana, kurera mhuri, uye kuchembera? (Jobho 14:1, 2) Bhaibheri rinoratidza kuti kunyange vanhu vakachenjera chaizvo vakatombofungawo nezvenyaya iyi.—Verenga Muparidzi 2:11.

Upenyu hwedu hune chinangwa here? Tinofanira kutanga taziva kuti upenyu hwakavapo sei. Pashure pekuongorora zvakaita uropi uye muviri wose wemunhu, vakawanda vakasvika pakutenda kuti kune Musiki akachenjera akatisika. (Verenga Pisarema 139:14.) Saka haana kutisikira pasina! Kana tikaziva kuti akatisikirei tinenge tava kuziva chinangwa cheupenyu.

Vanhu vakasikirwei?

Mwari akakomborera vanhu vaviri vokutanga uye akavapa basa rinofadza. Chinangwa chake chaiva chokuti vazadze nyika, vaiite paradhiso uye vararame nekusingaperi.—Verenga Genesisi 1:28, 31.

Chinangwa chaMwari chakambovhiringidzwa vanhu pavakaramba kutongwa naye. Asi Mwari haana kubva atirasa kana kuchinja chinangwa chake. Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari ari kushanda kuti aponese vanhu vakatendeka uye kuti achazadzisa zvaakasikira nyika. Saka Mwari anoda kuti uve neupenyu hwaaida kuti vanhu vave nahwo paakavasika. (Verenga Pisarema 37:29.) Dzidza kubva muBhaibheri kuti ungabatsirwa sei nechinangwa chaMwari.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 3 chebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Riripowo pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe