PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 11-15
Jobho Aitenda Zvakasimba Kuti Vakafa Vachamutswa
Jobho akataura nezvekutenda kwaaiita kuti Mwari ane simba rekumumutsa
Jobho akataura achishandisa mufananidzo wemuti kuti aratidze chivimbo chaaiva nacho chokuti Mwari aikwanisa kuzomumutsa. Zvimwe Jobho aifunga nezvemuti wemuorivhi
Muorivhi une midzi yakawanda inotambarara ichienda kure zvokuti kunyange hunde yacho ikatemwa, muti wacho unogona kutungirazve chero bedzi midzi yacho iri mipenyu
Mvura painozonaya pashure penguva yakareba isinganayi, chigutsa chakaoma chemuorivhi chinovazve chipenyu, nhungirwa padzinotanga kubuda pamidzi yacho, dzichiita mapazi “somuti mutsva”