RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 9/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Umambo hwaMwari Huri Kutonga!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • The Bible—Accurate History, Reliable Prophecy
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Dzidza Pauprofita hweBhaibheri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Uporofita Hwakazadzika
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 9/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Nei muBhaibheri muine uprofita?

Jesu ari kutaura nevamwe vevaapostora vake paGomo Remiorivhi

Sei Bhaibheri richitsanangura zviri kuitika mazuva ano?—Ruka 21:10, 11.

MuBhaibheri mune uprofita hwakawanda hunonyatsotaura zvinhu semaitikiro azvichaita. Asi hapana munhu anogona kudonongodza zvichaitika mune ramangwana. Saka kuzadziswa kweuprofita hweBhaibheri kunoratidza zviri pachena kuti Bhaibheri iShoko raMwari.—Verenga Joshua 23:14; 2 Petro 1:20, 21.

Uprofita hweBhaibheri hwakatozadziswa kare hunosimbisa kutenda kwedu muna Mwari. (VaHebheru 11:1) Hunotipawo chivimbo chokuti zvakanaka zvakavimbiswa naMwari zvichaitika. Saka uprofita hweBhaibheri hunotipa tariro yakasimba.—Verenga Pisarema 37:29; VaRoma 15:4.

Uprofita hweBhaibheri hunotibatsira sei?

Humwe uprofita hunonyevera vashumiri vaMwari kuti vaite chimwe chinhu. Somuenzaniso, vaKristu vekare pavakaona humwe uprofita huchizadziswa, vakabuda muJerusarema. Guta racho rakazoparadzwa nekuti vanhu vazhinji vaivamo vakanga varamba Jesu. Asi vaKristu vakapona nekuti vakanga vatova kure neguta racho.—Verenga Ruka 21:20-22.

Mazuva ano, uprofita hwakazadzika hunoratidza kuti munguva pfupi iri kuuya, Umambo hwaMwari huchabvisa umambo nehurumende dzevanhu. (Dhanieri 2:44; Ruka 21:31) Saka munhu wese anofanira kuona zvekuita iye zvino kuti afarirwe naJesu Kristu, Mambo akagadzwa naMwari.—Verenga Ruka 21:34-36.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 2 chebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Riripowo pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe