NYAYA YEKUDZIDZA 34
Dzidza Pauprofita hweBhaibheri
“Vaya vane njere vachanzwisisa.”—DHAN. 12:10.
RWIYO 98 Magwaro Akafuridzirwa naMwari
ZVICHADZIDZWAa
1. Chii chingatibatsira kuti tinakidzwe nekudzidza uprofita hweBhaibheri?
IMWE hama yechidiki inonzi Ben inoti, “Ndinoda chaizvo kudzidza uprofita hweBhaibheri.” Ndiwo manzwiro aunoitawo here? Kana kuti unoona sekuti uprofita hweBhaibheri hwakanyanya kuoma kuti uhunzwisise here? Ungatonzwa sekuti kudzidza uprofita hakunakidzi. Asi paunodzidza zvikonzero zvakaita kuti Jehovha aite kuti uprofita hunyorwe muShoko rake unogona kutanga kuhufarira.
2. Tichakurukurei munyaya ino?
2 Munyaya ino tichakurukura kuti nei tichifanira kudzidza uprofita hweBhaibheri uye kuti tingahudzidza sei. Tichabva taongorora uprofita huviri huri mubhuku raDhanieri kuti tione kuti kuhunzwisisa kungatibatsira sei iye zvino.
NEI TICHIFANIRA KUDZIDZA UPROFITA HWEBHAIBHERI?
3. Tinofanira kuitei kuti tinzwisise uprofita hweBhaibheri?
3 Kana tichida kunzwisisa uprofita hweBhaibheri, tinofanira kukumbira kubatsirwa. Funga nezvemuenzaniso uyu. Ngatitii uri kushanyira nzvimbo yausingazivi asi shamwari yako yauri kufamba nayo inonyatsoziva nzvimbo yacho. Inoziva pamuri uye kuti nzira imwe neimwe inosvika kupi. Zviri pachena kuti unofara kuti shamwari yako yabvuma kukuperekedza. Saizvozvowo, Jehovha anoziva patiri kana tichitarisa kufamba kuri kuita nguva uye anoziva zviri mberi. Saka kuti tinzwisise uprofita hweBhaibheri, tinofanira kukumbira Jehovha kuti atibatsire.—Dhan. 2:28; 2 Pet. 1:19, 20.
Kudzidza uprofita hweBhaibheri kunogona kutibatsira kuti tigadzirire zviitiko zvichaitika mune ramangwana (Ona ndima 4)
4. Nei Jehovha akaita kuti uprofita hunyorwe muShoko rake? (Jeremiya 29:11) (Onawo mufananidzo.)
4 Sezvinoita mubereki wese akanaka, Jehovha anoda kuti vana vake vave neramangwana rakanaka. (Verenga Jeremiya 29:11.) Asi kusiyana nemubereki chero upi zvake, Jehovha anokwanisa kutaura zvichaitika mune ramangwana uye zvichitozoitika. Akaita kuti uprofita hunyorwe muShoko rake kuitira kuti tigone kuziva zvinhu zvinokosha zvisati zvaitika. (Isa. 46:10) Uprofita huri muBhaibheri zvipo zvakanaka zvinobva kuna Baba vedu vekudenga. Asi ungava sei nechokwadi chekuti uprofita hweBhaibheri huchazadzika?
5. Wechidiki angadzidzei pane zvakaitika kuna Max?
5 Kuchikoro, vechidiki vedu vanowanzosangana nevanhu vasinganyanyi kuremekedza Bhaibheri kana kuti vasingatomboriremekedzi zvachose. Zvavanotaura uye maitiro avo zvinogona kuita kuti wechidiki ari Chapupu asava nechokwadi nezvaanotenda. Ona zvakaitika kune imwe hama inonzi Max. Anoti, “Pandaiva kuchikoro, ndakatanga kusava nechokwadi kana zvandaidzidziswa nevabereki vangu zvaiva zvechokwadi uye kuti Bhaibheri rakafemerwa naMwari.” Vabereki vake vakaitei? Anoti, “Vakataura neni vakadzikama kunyange zvazvo ndaiziva kuti vainetseka.” Vabereki vaMax vakapindura mibvunzo yake vachishandisa Bhaibheri. Max anewo zvaakaita. Anoti, “Ndakadzidza ndega uprofita hweBhaibheri uye ndakakurukura zvandainge ndadzidza nevamwe vechidiki.” Zvakaguma nei? Max anoti, “Izvi zvakaita kuti ndive nechokwadi chekuti Bhaibheri rakafemerwa naMwari!”
6. Unofanira kuitei kana usina chokwadi, uye nei uchifanira kudaro?
6 Kana ukatanga kusava nechokwadi nezvinotaurwa neBhaibheri sezvakaita Max haufaniri hako kunzwa uine mhosva. Asi unofanira kuita chimwe chinhu. Kusava nechokwadi kwakafanana nengura. Kana ikaregwa iripo, inogona kuparadza chinhu chinokosha. Kuti ubvise ngura pakutenda kwako, unofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndinotenda zvinotaurwa neBhaibheri nezveramangwana here?’ Kana usina chokwadi, unofanira kubva wadzidza uprofita hweBhaibheri hwakatozadzika. Izvozvo ungazviita sei?
KUDZIDZA KWAUNGAITA UPROFITA HWEBHAIBHERI
Kuti tivimbe naJehovha sezvaiita Dhanieri, tinofanira kunyatsodzidza uprofita hweBhaibheri tichizvininipisa uye tiine vavariro yakanaka (Ona ndima 7)
7. Dhanieri akaratidza muenzaniso upi panyaya yekudzidza uprofita? (Dhanieri 12:10) (Onawo mufananidzo.)
7 Dhanieri akatisiyira muenzaniso wakanaka panyaya yekudzidza uprofita. Aidzidza uprofita nevavariro yakanaka yekuziva chokwadi. Dhanieri aizvininipisa, achiziva kuti Jehovha achapa kunzwisisa kune vaya vanomuziva uye vanomuteerera. (Dhan. 2:27, 28; verenga Dhanieri 12:10.) Dhanieri akaratidza kuti aizvininipisa nekuvimba naJehovha kuti amubatsire. (Dhan. 2:18) Ainyatsodzidzawo Magwaro. Aitsvaga mhinduro muzvikamu zveMagwaro ainge aripo panguva yaakararama. (Jer. 25:11, 12; Dhan. 9:2) Ungatevedzera sei Dhanieri?
8. Vamwe vanhu vanodzidza uprofita hweBhaibheri nechikonzero chei, asi chii chatinofanira kuita?
8 Ongorora vavariro yako. Unodzidza uprofita hweBhaibheri nekuti unonyatsoda kuziva chokwadi here? Kana zvakadaro, Jehovha achakubatsira. (Joh. 4:23, 24; 14:16, 17) Asi vamwe vanodzidza uprofita hweBhaibheri nekuda kwezvimwewo zvikonzero. Vamwe vanoita izvozvo vachitarisira kuwana uchapupu hwekuti Bhaibheri harina kufemerwa naMwari. Pavanoita izvozvo vanoona sekuti vane chikonzero chakanaka chekusarudza vega kuti zvakanaka ndezvipi kana kuti zvakaipa ndezvipi uye vorarama maererano naizvozvo. Asi tinofanira kuva nevavariro yakanaka yekudzidza Bhaibheri. Uyewo pane humwe hunhu hunokosha hunodiwa kuti tinzwisise uprofita hweBhaibheri.
9. Unhu hupi hunodiwa kuti tinzwisise uprofita hweBhaibheri? Tsanangura.
9 Zvininipise. Jehovha anovimbisa kuti achabatsira vanozvininipisa. (Jak. 4:6) Saka tinofanira kunyengeterera kubatsirwa naye kuti tinzwisise uprofita hweBhaibheri. Tinofanirawo kubvuma kuti tinoda kubatsirwa nemuranda akatendeka uyo ari kushandiswa naJehovha pakutipa zvekudya zvekunamata panguva yakakodzera. (Ruka 12:42) Jehovha ndiMwari akarongeka, saka zvine musoro kuti aizoshandisa nzira imwe chete kuti atibatsire kunzwisisa chokwadi chiri muShoko rake.—1 VaK. 14:33; VaEf. 4:4-6.
10. Tinodzidzei pane zvakaitika kuna Esther?
10 Nyatsotsvakurudza. Sarudza uprofita hunokunakidza wotanga kutsvakurudza nezvahwo. Ndizvo zvakaitwa neimwe hanzvadzi inonzi Esther. Aifarira uprofita hunotaura nezvekuuya kwaMesiya. Esther anoti: “Pandaiva nemakore 15 ndakatanga kutsvaga uchapupu hwekuti uprofita uhwu hwakanyorwa Jesu asati auya panyika.” Zvaakadzidza paakaverenga nezvemagwaro akawanikwa muGungwa Rakafa zvakaita kuti ave nechokwadi. Anoti: “Mamwe acho akanyorwa Kristu asati auya panyika, saka uprofita hurimo hwakanga hwabva kuna Mwari.” Esther anoenderera mberi achiti: “Ndaifanira kuverenga zvinhu izvi kakawanda kuti ndizvinzwisise.” Asi anofara kuti akashanda nesimba zvakadaro. Pashure pekunyatsodzidza uprofita hwakati kuti hweBhaibheri, akati: “Ndakanyatsozvionera ndega kuti Bhaibheri nderechokwadi!”
11. Tinobatsirwa sei kana tikazvionera tega kuti Bhaibheri nderechokwadi?
11 Patinoona kuzadzika kwakaita humwe uprofita huri muShoko raMwari, tinovimba naJehovha zvikuru uye nenzira yaanoshandisa kutitungamirira. Uyewo uprofita hweBhaibheri hunotibatsira kuti tirambe tiine tariro yeramangwana, pasinei nematambudziko atiri kutarisana nawo iye zvino. Ngatikurukurei muchidimbu uprofita huviri hwakanyorwa naDhanieri huri kuzadzika iye zvino. Kuhunzwisisa kunogona kutibatsira kuti tiite zvisarudzo zvekuchenjera.
NEI UCHIFANIRA KUZIVA NEZVETSOKA DZESIMBI NEVHU?
12. Tsoka ‘dzesimbi yakasangana nevhu remuumbi’ dzinomiririrei? (Dhanieri 2:41-43)
12 Verenga Dhanieri 2:41-43. Muhope dzaMambo Nebhukadhinezari dzakadudzirwa naDhanieri, tsoka dzechifananidzo chakaonekwa namambo dzaiva ‘dzesimbi yakasangana nevhu remuumbi.’ Patinoenzanisa uprofita uhwu nehumwe huri mumabhuku aDhanieri naZvakazarurwa, tinogona kuona kuti tsoka dzinomiririra mubatanidzwa weBritain neAmerica, hurumende dzine simba kupfuura dzimwe dzese mazuva ano. Achitaura nezvesimba iri renyika, Dhanieri anoti, “umambo hwacho huchava nepamwe pakasimba nepamwe pasina kusimba.” Nei akataura nezvepamwe pasina kusimba? Nekuti vanhu, avo vanomiririrwa nevhu remuumbi, vanohutadzisa kunyatsoshandisa simba rahwo rakaita sesimbi.b
13. Ichokwadi chipi chinokosha chatinodzidza pauprofita uhwu?
13 Kubva patsanangudzo yaDhanieri yechifananidzo chakaonekwa muhope kunyanya tsoka dzacho, tinodzidza zvinhu zvakati kuti zvinokosha. Chekutanga, Britain neAmerica dzakaratidza simba radzo mune dzimwe nzira. Semuenzaniso, dzaiva pakati penyika dzakakunda muHondo yeNyika I uye muHondo yeNyika II. Asi simba renyika idzi raderedzwa uye riri kuramba richideredzwa nekupikisana kunoitika pakati pevanhu vadzo. Chechipiri, mubatanidzwa uyu ndiwo uchava simba renyika rekupedzisira, Umambo hwaMwari husati hwagumisa umambo hwese hwevanhu. Kunyange zvazvo dzimwe nyika dzichimbopikisa Britain neAmerica, hadzizotsivi umambo uhwu. Tinoziva izvozvo nekuti “dombo” iro rinomiririra Umambo hwaMwari richapwanya tsoka, kureva chikamu chechifananidzo chinomiririra mubatanidzwa weBritain neAmerica.—Dhan. 2:34, 35, 44, 45.
14. Kunzwisisa uprofita hune chekuita netsoka dzesimbi nevhu kunotibatsira sei kuti tiite zvisarudzo zvekuchenjera?
14 Une chokwadi chekuti uprofita hwaDhanieri uhwo hunotaura nezvetsoka dzesimbi nevhu ndehwechokwadi here? Kana zvakadaro, zvichaoneka nemararamiro aunoita. Hauzoedzi kutsvaga mari nezvinhu zvakawanda munyika yaunoziva kuti ichaparadzwa nekukurumidza. (Ruka 12:16-21; 1 Joh. 2:15-17) Kunzwisisa uprofita uhwu kuchakubatsirawo kuona kukosha kwebasa rekuparidza uye rekudzidzisa. (Mat. 6:33; 28:18-20) Pashure pekudzidza uprofita uhwu, zvibvunze mubvunzo uyu, ‘Zvisarudzo zvandinoita zvinoratidza here kuti ndine chokwadi chekuti Umambo hwaMwari huchaparadza hurumende dzese dzevanhu nekukurumidza?’
NEI UCHIFANIRA KUZIVA ‘NEZVAMAMBO WEKUCHAMHEMBE’ UYE “MAMBO WEKUMAODZANYEMBA”?
15. Ndiani “mambo wekuchamhembe” uye “mambo wekumaodzanyemba” mazuva ano? (Dhanieri 11:40)
15 Verenga Dhanieri 11:40. Dhanieri chitsauko 11 chinotaura nezvemadzimambo maviri kana kuti masimba ezvematongerwo enyika anokwikwidzana pakutonga nyika yese. Tikaenzanisa uprofita uhwu nehumwe huri muBhaibheri tinogona kuona kuti “mambo wekuchamhembe” iRussia nenyika dzinoitsigira, uye “mambo wekumaodzanyemba” iBritain neAmerica.c
Tinogona kusimbisa kutenda kwedu torega kuzvidya mwoyo kana tikaziva kuti kupikiswa kwatinoitwa ‘namambo wekuchamhembe’ ‘namambo wekumaodzanyemba’ kunozadzisa uprofita hweBhaibheri (Ona ndima 16-18)
16. Matambudziko api anosangana nevaya vanogara munyika dzinotongwa ‘namambo wekuchamhembe’?
16 Vanhu vaMwari avo vanogara munyika dzinotongwa ‘namambo wekuchamhembe’ vari kutsungirira kutambudzwa namambo uyu. Zvimwe Zvapupu zvinorohwa uye zviri kuiswa mumajeri pamusana pekutenda kwazvo. Pane kuti zviri kuitwa ‘namambo wekuchamhembe’ zvityisidzire hama dzedu, zviri kutosimbisa kutenda kwadzo. Nei zvakadaro? Nekuti hama dzedu dzinoziva kuti kutambudzwa kwevanhu vaMwari kunozadzisa uprofita huri mubhuku raDhanieri.d (Dhan. 11:41) Kuziva izvozvo kunogona kutibatsira kuti tirambe tiine tariro yakasimba uye takaperera kuna Jehovha.
17. Vanhu vaMwari vanogara munyika dzinotongwa ‘namambo wekumaodzanyemba’ vanosangana nematambudziko api?
17 Kare, “mambo wekumaodzanyemba” akatambudzawo vanhu vaJehovha. Semuenzaniso pairwiwa Hondo yeNyika I uye Hondo yeNyika II, hama dzakawanda dzakaiswa mumajeri nekuti dzaisava nedivi radzaitsigira uye vamwe vana vaiva Zvapupu vaidzingwa chikoro nechikonzero ichocho. Asi mumakore ano vashumiri vaJehovha vanogara munyika dzinotongwa namambo iyeye vari kusangana nemiedzo isiri pachena yekuvimbika kwavo kuUmambo hwaMwari. Semuenzaniso, panguva iyo vezvematongerwo enyika vanenge vachitsvaga vatsigiri, muKristu angaedzwa kuti atsigire rimwe bato kana kuti mumwe mutungamiriri. Angasasvika hake pakuvhota, asi mupfungwa dzake nemumwoyo anogona kuva nedivi raanofarira. Saka zvinokosha kuti tirambe tisina divi ratinotsigira mune zvematongerwo enyika kwete nezvatinoita chete asiwo mupfungwa dzedu nemumwoyo medu!—Joh. 15:18, 19; 18:36.
18. Kurwisana ‘kwamambo wekuchamhembe’ ‘namambo wekumaodzanyemba’ kunoita kuti tiite sei? (Onawo mufananidzo.)
18 Vaya vasina kutenda muuprofita hweBhaibheri vangazvidya mwoyo pavanoona “mambo wekumaodzanyemba” ‘achitungana’ ‘namambo wekuchamhembe.’ (Dhan. 11:40, mashoko emuzasi) Madzimambo acho ari maviri ane zvombo zvenyukiriya zvinokwanisa kuparadza zvinhu zvese zvipenyu zviri panyika. Asi tinoziva kuti Jehovha haazoregi izvozvo zvichiitika. (Isa. 45:18) Saka pane kuti kurwisana ‘kwamambo wekuchamhembe’ ‘namambo wekumaodzanyemba’ kuite kuti tinetseke, kunotosimbisa kutenda kwedu. Kunoratidza kuti mugumo wenyika ino wava pedyo.
RAMBA UCHIFUNGA NEZVEUPROFITA
19. Chii chatinofanira kubvuma nezveuprofita hweBhaibheri?
19 Hatizivi kuti humwe uprofita hweBhaibheri huchazadzika sei. Kunyange muprofita Dhanieri aisanzwisisa zvimwe zvinhu zvaakanyora. (Dhan. 12:8, 9) Asi kusanyatsonzwisisa kuti humwe uprofita huchazadziswa sei hakurevi kuti hahuzozadziki. Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achatizivisa zvatinofanira kuziva panguva chaiyo yakakodzera sezvaaiita kare.—Amo. 3:7.
20. Uprofita hupi hweBhaibheri hwatichaona huchizadzika nekukurumidza, uye tinofanira kuramba tichiitei?
20 Kuziviswa kwemashoko ekuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana” kuchaitwa. (1 VaT. 5:3) Hurumende dzenyika dzichabva dzapandukira chitendero chenhema dzochiparadza. (Zvak. 17:16, 17) Dzichabva dzazorwisa vanhu vaMwari. (Ezek. 38:18, 19) Zviitiko izvi zvichatungamirira kuhondo yekupedzisira yeAmagedhoni. (Zvak. 16:14, 16) Tinogona kuva nechokwadi chekuti zviitiko izvi zvichaitika munguva pfupi iri kuuya. Asi panguva ino ngatirambei tichiratidza kuonga kwatinoita Baba vedu vekudenga vane rudo nekufungisisa uprofita hweBhaibheri uye nekubatsira vamwe kuti vaitewo izvozvo.
RWIYO 95 Chiedza Chiri Kuramba Chichijeka
a Pasinei nekuipa kungaita zvinhu munyika, tinogona kuva nechivimbo chekuti zvinhu zvichanaka mune ramangwana. Tinogona kuva nechivimbo ichocho nekudzidza uprofita hweBhaibheri. Nyaya ino ichataura kuti nei tichifanira kudzidza uprofita hweBhaibheri. Tichaongororawo muchidimbu uprofita huviri hwakanyorwa naDhanieri uye tichaona kuti isu pachedu tinobatsirwa sei kana tikahunzwisisa.
b Ona nyaya inoti, “Jehovha Anozivisa ‘Zvinhu Zvinofanira Kukurumidza Kuitika,’” iri muNharireyomurindi yaJune 15, 2012 ndima 7-9.