RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w17 November pp. 18-19
  • ‘Munhu Ane Rupo Achakomborerwa’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Munhu Ane Rupo Achakomborerwa’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Mashoko Akafanana
  • “Basa Iguru”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Ratidza Kuti Unoonga Rupo rwaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Zvakawanda Zvavanazvo Zvinozadzisa Kushaya Kwevamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Jehovha Anokomborera Vanhu Vane Mwoyo Unoda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
w17 November pp. 18-19
Hana aunza Samueri kutebhenekeri

‘Munhu Ane Rupo Achakomborerwa’

ZVIBAYIRO zvakabvira kare zvichikosheswa pakunamata kwechokwadi. VaIsraeri vaipa zvibayiro zvemhuka, uye vaKristu vagara vachizivikanwa nekupa “chibayiro chokurumbidza.” Asi pane zvimwe zvibayiro zvinofadza Mwari zvikuru. (VaH. 13:15, 16) Zvibayiro izvi zvinounza mufaro nemakomborero sezvinoratidzwa nemienzaniso inotevera.

Hana, mushumiri waJehovha ainge akatendeka, aida chaizvo kuva nemwanakomana asi aisakwanisa kubereka vana. Akanyengetera achipika kuna Jehovha kuti kana akabereka mwanakomana, ‘aizomupa Jehovha mazuva ese eupenyu hwake.’ (1 Sam. 1:10, 11) Hana akazova nepamuviri ndokubereka mwanakomana ainzi Samueri. Samueri paakarumurwa, Hana akamuendesa kutebhenekeri sezvaakanga apika. Jehovha akakomborera kuzvipira kwaHana. Hana akava nevamwe vana 5, uye Samueri akava muprofita uye munyori weBhaibheri.​—1 Sam. 2:21.

Kufanana naHana naSamueri, mazuva ano vaKristu vane ropafadzo yekushandisa upenyu hwavo pakushumira Musiki wavo. Jesu akavimbisa kuti chero kuzvipira kwatinoita kuti tinamate Jehovha kuchakomborerwa.​—Mako 10:28-30.

Panguva yevaKristu vekutanga, mumwe mukadzi wechiKristu ainzi Dhokasi aizivikanwa chaizvo ‘nemabasa akanaka ekupa zvipo zvekunzwira ngoni.’ Asi akarwara ndokufa, uye izvi zvakaita kuti ungano yacho isuruvare zvikuru. Vadzidzi pavakanzwa kuti Petro aiva munharaunda yacho, vakamukumbira kuti akurumidze kuuya. Fungidzira kufara kwavakaita Petro paakauya akamutsa Dhokasi. Urwu ndirwo rumuko rwekutanga runozivikanwa rwakaitwa nemuapostora. (Mab. 9:36-41) Mwari akanga asina kukanganwa kuzvipira kwaDhokasi. (VaH. 6:10) Mabasa ake erupo akanyorwa muShoko raMwari semuenzaniso wekuti titevedzere.

Muapostora Pauro akaratidzawo muenzaniso wakanaka zvikuru pakushandisa nguva yake uye pakuratidza kuti aiva nehanya nevamwe. Paainyorera hama dzake dzaiva muKorinde, Pauro akati: “Ini ndichafara kwazvo kushandisa zvinhu zvose uye kushandiswa zvizere nokuda [kwenyu].” (2 VaK. 12:15) Pauro akadzidza pane zvakaitika kwaari kuti kana munhu akazvipira achiitira vamwe zvakanaka anogutsikana zvikuru uye chinonyanya kukosha ndechekuti anokomborerwa uye anofarirwa naJehovha.​—Mab. 20:24, 35.

Zviri pachena kuti Jehovha anofadzwa nazvo patinoshandisa nguva yedu uye simba redu pakutsigira Umambo uye kubatsira vatinonamata navo. Asi pane dzimwe nzira here dzekutsigira nadzo basa rekuparidza Umambo? Hongu! Kuwedzera pamabasa anoratidza rudo, tinogona kukudza Mwari nekupa zvipo. Zvipo izvi zvinoshandiswa pakutsigira basa rekuparidza rinoitwa pasi rese, iro rinosanganisira kutsigira mamishinari uye vamwe vashumiri chaivo venguva yakazara. Uyewo kugadzirwa nekushandurwa kwemabhuku nemavhidhiyo, kubatsira panoitika njodzi, uye kuvakwa kweDzimba dzeUmambo, zvese zvinotsigirwa nezvipo zvatinopa. Tinogona kuva nechokwadi chekuti ‘munhu anopa achakomborerwa.’ Uyewo patinopa zvinhu zvedu zvinokosha kuna Jehovha, tinenge tichimukudza.​—Zvir. 3:9; 22:9.

Zvinoitwa Nevamwe Pakutsigira Basa Remunyika Yese

Sezvaiitwa mumazuva emuapostora Pauro, vakawanda mazuva ano ‘vanotsaura chimwe chinhu’ kana kuti mari yavanozoisa mumabhokisi ezvipo akanzi “Basa Remunyika Yese.” (1 VaK. 16:2) Mwedzi wega wega, ungano dzinotumira mari iyi kuhofisi yeZvapupu zvaJehovha inoona nezvebasa remunyika yadzinenge dziri. Unogonawo kutumira chipo chako kusangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha munyika yaunogara. Kana uchida zita resangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha munyika mako, tapota nyorera kana kuti fonera hofisi yebazi remunyika yako. Kero yehofisi yebazi inowanika pawww.pr2711.com. Zvichienderana nemamiriro ezvinhu emunyika mako, zvipo zvaunogona kutumira wega ndeizvi:

ZVIPO ZVAUSINGATARISIRI KUZODZORERWA

  • Kupa mari uchiibvisa muakaundi yako yekubhengi uchiiendesa muakaundi yebazi renyu, kana kuti kushandisa kadhi rekubhengi. Mune dzimwe nyika, munhu anogona kupa mari achishandisa jw.org kana kuti imwewo website yakasarudzwa.

  • Kupa mari, zvishongo, kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha. Tumira pamwe chete netsamba inotaura kuti hautarisiri kuzozvidzorerwa.

CHIRONGWA CHEKUPA UCHIZODZORERWA

  • Munhu anogona kupa mari kuti ishandiswe asi achizoidzorerwa kana ava kuida.

  • Tumira pamwe chete netsamba uchiratidza kuti unoda kuzoidzorerwa.

HUMWE URONGWA HWEKUPA

Pane dzimwewo nzira dzekupa nadzo zvipo zvekutsigira basa reUmambo remunyika yese. Nzira dzacho dziri pasi apa. Pasinei nekuti uri kuda kupa nenzira ipi, tapota tanga wataura nehofisi yebazi remunyika yako kuti rikuudze kuti panzira dziri pasi apa ndedzipi dzinoshanda munyika yako. Sezvo mitemo ichisiyana munyika nenyika, zvinokosha kuti utange wabvunza vanhu vane ruzivo rwezvemitemo nemitero usati wasarudza kuti wopa chipo uchishandisa nzira ipi.

Inishuwarenzi Uye Mari Yemudyandigere: Munhu angaita kuti sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha rizopiwa mari yake yeinishuwarenzi yeupenyu kana kuti yemudyandigere.

Maakaundi Ekubhengi: Munhu angaita kuti mari iri mumaakaundi ake ekubhengi izopiwa sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha kana afa, zvichienderana nezvinodiwa nemabhengi munyika yacho.

Masheya (Stocks) Uye Magwaro Anoratidza Mari Yakakwereteswa (Bonds): Munhu anogona kusarudza kupa sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha masheya ake emubhizinesi kana magwaro anoratidza mari yaakakweretesa, kana kuti anogona kuronga kuti zvizopiwa sangano racho kana afa.

Zvivako Nenzvimbo: Zvivako kana nzvimbo inotengeseka zvingapiwa sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha. Kana iri imba iri kugarwa, anenge apa wacho anogona kuramba achigaramo paanenge achiri mupenyu.

Wiri: Munhu anganyora pawiri yake kuti anoda kuti sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha risiyirwe zvivako kana mari. Urongwa uhwu hunogona kuita kuti munhu aderedzerwe mutero.

Zvipo zvakadai zvinoda kuti ari kupa wacho anyatsoronga. Pane kabhuku kari mumutauro weChirungu nechiSpanish kanonzi Charitable Planning to Benefit Kingdom Service Worldwide kakaitirwa kuti kabatsire vanhu vanoda kutsigira basa reZvapupu zvaJehovha remunyika yese. Kabhuku kacho kanotsanangura nzira dzakasiyana-siyana dzekupa zvipo iye zvino kana kuti munhu wacho paanenge afa. Mashoko ari mukabhuku aka angasanyatsoshanda kwauri pamusana pemitemo yemitero kana kuti mimwewo mitemo yemunyika yauri kugara. Vachishandisa nzira idzi dzekupa, vakawanda vakatsigira basa rechitendero chedu uye rekubatsira vanhu pasi rese, uye zvakaita kuti vakwanise kuderedzerwa mitero yavanobhadhara. Kana kabhuku aka kachiwanika munyika yako, unogona kukakumbira kumunyori weungano yako.

Kana uchida mamwe mashoko nyorera kana kuti fonera hofisi yebazi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe