Kuwana Vanofarira Kupfurikidza Nokupupurira Mumugwagwa Kunobudirira
1 Jesu akaraidza vadzidzi vake kutsvaka vakafanirwa nokunzwa mashoko akanaka oUmambo. (Mat. 10:11) Bva, munharaunda zhinji nhasi, kuri kuva kwakaoma zvikuru kuonana navanhu pamisha yavo. Naizvozvo, chii chinogona kuitwa kusvika vakafanirwa vangapotswa?
2 Kupupurira mumugwagwa kunogona kuva nzira inobudirira yokuwana nayo vanhu vanopotswa mubasa rapaimba neimba. Tinogona kuita kupupurira mumugwagwa panomira mabhazi, pedyo nemafurati akachengetedzwa zvikuru, uye mune dzimwe nzvimbo umo vanhu vanoita mabasa avo ezuva nezuva.
3 Apo kupupurira mumugwagwa kunodudzwa, vamwe vanova nemirangariro yorutyo. Vangazengurira kugoverana mubasa iroro nemhaka yokunyara kana kuti vanokarira kunyombwa navanhu vanoshatirirwa shoko roUmambo. Funganyo idzodzi dzinowanzova dzisina hwaro. Avo vane ruzivo rwokuzviwanira mumubato iwoyu vanoshuma kuti hauna kuoma zvikuru kupfuura kupupurira pasuo nesuo. Kutaura idi, ivo vakawana kuti vanhu vazhinjisa vakarovedzana nokusvikwa vari mumugwagwa nokuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana, uye vamwe vangava vanoda zvikuru kukurukura kana kuti kuteerera kupfuura zvavaizova kana tikagogodza pasuo ravo. Naizvozvo kana ‘tikawana ushingi,’ tingashamiswa nemiuyo inofadza.—1 VaT. 2:2.
4 Basa romumugwagwa ringaitwa sei nenzira inobudirira zvikurusa? Kunokosha kusanogadzirira. Rava magazini pachine nguva mberi, uye sarudza pfundo rimwe kana kuti maviri okukurukura aunorangarira kuti achafadza vanhu vaunosangana navo. Mharidzo yemasekondi 30 yakafanira. Sezvo nharidzano iri kuonana navamwe pahwaro hwomunhu oga, sarudza nzvimbo uko chiverengero chakati kuti chavanhu chinogaropfuura. Kunyange zvazvo kungava kuno mufungo kuva nomumwe muparidzi pedyo, kunowanzova kwakanakisisa kushanda makaparadzana. Vaparidzi vanomira pamwe chete vangapfuudza nguva vachikurukura nomumwe nomumwe ndokusangwarira vanhu vaye vangave vachifarira kuteerera shoko roUmambo.
5 Kumira munzvimbo imwe chete nokungoratidzira chete magazini hakubudiriri sokutanga kusvika vanhu vamwe navamwe. Edza kutanga kutarisa. Iva ane mbavarira, ane ushamwari, uye akananga sezvaunoedza kutanga kurukurirano. Mune zvimwe zvinoitika, ungafanira kufamba nhano shomanene nomunhu wacho uchitaura naye. Kana achifarira, govera magazini. Kana magazini akarambwa, ungada kugovera turakiti.
6 Kunowanzova kwakanakisisa kugadzirira mharidzo pfupi inomutsa mubvunzo kana kuti kutaura shoko kuchamutsa fariro. Kana pane mhinduro yakakodzera, edza kuwana zita romunhu wacho, kero, uye zvichida kunyange nhamba yerunhare rwake kuti ugogona kutevera fariro yacho. Ungati: “Kana mungada kudzidza zvizhinji, ndaizofara kukushanyirai pamusha penyu kana kuti kuita gadziriro yokuti chimwe Chapupu chidaro.”
7 Mumwe mukuru aipupurira mumugwagwa akasvika mumwe mukadzi ndokuziva kuti iye akanga asina kutongova nebanza rokukurukura neZvapupu pamusha pake. Akagamuchira bhuku ndokubvuma kuti imwe hanzvadzi imushanyire mumusha make panguva yakakodzera. Vamwe vazhinji vakafanirwa vanogona kuwanikwa zvirokwazvo ndokubatsirwa kana tiri vanobudirira mukupupurira mumugwagwa.—Mab. 17:17.