RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/94 p. 2
  • Vaduku Vanoda Muenzaniso Wakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vaduku Vanoda Muenzaniso Wakanaka
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Zvinhu Izvi Zvipe Varume Vakatendeka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Koshesa Simba Rine Vechidiki
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Koshesa Hama Nehanzvadzi Dzedu Dzakura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Kuisvonaka Kwomusoro Wachena
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 7/94 p. 2

Vaduku Vanoda Muenzaniso Wakanaka

1 Tinofara kuva nechiverengero chinokura chavanhu vaduku vari ‘kurumbidza zita raJehovha.’ (Pis. 148:12, 13) Vazhinji vavo vachiri vaduku zvikuru mumakore. Fambiro mberi yavo inopesvedzerwa zvikurukuru nerovedzo nomuenzaniso zvinogoverwa navabereki vavo navamwe vakura vari muungano. Isingafaniri kufuratirwa, zvisinei, ipesvedzero inoshandiswa navamwe vanhu vaduku, zvikurukuru vechiduku vati kurei navakura vaduku. Kana iwe uri muboka rezera irori, idzi tsinhiro dzingakubetsera.

2 Vanhu vaduku vasati vayaruka vanodisa kutevedzera vechiduku vati kurei. Vane chishuvo chomuzvarirwo chokuva vakafanana navasonganiri vapedyo vavanoyemura. Vanoda kuyemura dzimwe pwere dzati kurei uye idzo dzinoratidzika kuva dzinoziva uye dzafambira mberi. Somuuyo, vangatevedzera kutaura kwako nomufambiro pamwe chete nokuonga kwako zvinokosha zvomudzimu nokutora rutivi kwako mumibato yeungano.

3 Sowechiduku ati kurei, une ropafadzo pamwe chete nomutoro unorema. Zvino chaiye, sezvingabvira muenzaniso wako uri kupesvedzera shamwari dzako duku zvikuru. Zvibvunze umene kuti, ‘Rudzii rwepesvedzero yandinoshandisa pavaduku? Ndiri anokoshesa zvinhu here, anodzivisa upenzi no“kuchiva kwoujaya” kwakaipa? Ndinoratidzira teerero noruremekedzo kuvabereki vangu, vakuru, uye vamwe vanhu vakura here?’ (2 Tim. 2:22; VaK. 3:20) Chaunotaura nokuita chingava chisakiso chikuru kufambiro mberi yomudzimu yavamwe vaduku vanocherechedza zviito zvako.

4 Kuparidzira shoko roUmambo ndiro basa guru reungano. Kudisisa kwako nokugarogoverana kunogona kukurudzira shamwari dzako kuva dzinoshingaira zvikuru. Kana uchigona kutora basa roupiyona, shamwari dzako dzichasundwa nenzira yakafanana. Kutsinhira pamisangano nokuzvipira kupa betsero yako mukuita mibato yakafanira paHoro yoUmambo kungagadzawo muenzaniso wakanaka.

5 Kunyange zvazvo Timotio akanga asichiri wechiduku apo Pauro akamupa zano rinotevera, imi vechiduku munogona kurishandisa: “Uitire vanotenda makwara, pashoko napamufambire, naparudo, napakutenda, napakuchena kwomwoyo.” (1 Tim. 4:12) Kutora rutivi kwako kwembavarira uye kwomwoyo wose mubasa raJehovha kunogona kusunda shamwari dzako navacherechedzi vaduku zvikuru nenzira inovaka, kuchivabetsera kuita fambiro mberi kukuva varume vakura zvizere mumudzimu. (VaEf. 4:13) Vechiduku vari rutivi rwemhuri dzichangobva kutanga kufunda vangakweverwa kuzvokwadi neizvo vanoona mauri.

6 Chinotokosha zvikuru, shingairo yako mukuratidzira mavara oumwari inoratidzira mbiri kuna Jehovha nokusangano rake. (Zvir. 27:11) Vacherechedzi vapachokwadi vachashamiswa nomusiyano unoshamisa uri pakati pako navanhu vaduku venyika. Naizvozvo une banza rechienzi rokubetsera vaduku apo unenge uchipa mupiro unokosha kurumbidzo yaJehovha.—Pis. 71:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe