Ratidza Kurangarira Vamwe—Rutivi 1
1 Tinofara kuona kubudirira kwavanhu vaJehovha, uko kwakaguma nenhamba inokura yeungano. Mune dzimwe nharaunda, zvikurukuru mumaguta makuru zvikuru, Horo dzoUmambo dzave dzichishandiswa zvikurusa, pane dzimwe nguva kuchida kuti ungano dzinoverengeka dzishandise Horo yoUmambo imwe cheteyo. Mamirire iwaya ezvinhu anoda kurangarira kwakawedzerwa kwavose vanobatanidzwa.
2 Ungano imwe neimwe inoshandisa Horo yoUmambo inofanira kuisiya iri mumugariro wakatsvinda noune nhevedzano nokuda kwehama dzinotevera. Zvigaro zvinofanira kurongwa, mabhuku api naapi ari pakaunda anofanira kubviswa, uye zvinhu zvomunhu oga zvipi nezvipi zvinosiyiwa muHoro yoUmambo zvinofanira kutorwa. Zvimbudzi zvinofanira kusiyiwa zvakatsvinda, muchiva nechokwadi chokuti sipo, matauro, uye migove yamapepa zvaiswazve uye kuti mabhini abviswa zvinhu.
3 Apo mumwe musangano unorongwa kuti utange nokukurumidza, avo vanosarira pashure pomusangano wapakuvamba havafaniri kunonozeka zvisiri madikanwa, vachidzongonyedza gadziriro dzomusangano unotevera. Kurukurirano refu dzokutandara dzingaguma nokumanikidzana munzvimbo inosvikira vaenzi ndokunonotsa hama mukuronga zvinhu zvomusangano unotevera. Nzvimbo yokumisa motokari paHoro yoUmambo ingava duku, uye ungava mutsa kukurumidza kubva kuitira kuti avo vanouya vachava nenzvimbo yokumisa motokari. Kuno rumwe rutivi, avo vanopinda musangano unotevera havafaniri kunyanyokukurumidza zvikuru kusvika, vachiparira kumanikidzana kusiri madikanwa munzvimbo inosvikira vaenzi, yokuchengetera mbatya, uye nzvimbo yokumisa motokari.
4 Uko ungano dzinoverengeka dzinobatanidzwa, pane dikanwo chaiyo yokusanobatira pamwe mukuita gadziriro dzokucheneswa kweHoro yoUmambo kwevhiki nevhiki. Kazhinji kazhinji, ungano dzinoita madzoro kwenhambo yakagoverwa. Apo ungano yenyu inenge ine basa iroro, iva nechokwadi chokuti kuchenesa kunosanoitwa uye nokukurumidza. Dzimwe ungano dzinoshandisa horo yacho ipapo hadzizovi nechikonzero chokunyunyuta.
5 Panhambo nenhambo pane dikanwo yokuti ungano imwe neimwe ichinje nguva dzayo dzemisangano, zvakadai saapo mutariri wedunhu anoshanya. Kana imwe ungano ichitapurwa, vakuru vacho vanofanira kuzivisa imwe ungano pachine nguva mberi zvikuru kuitira kuti vagone kuzivisa vaparidzi vavo nokukurumidza zvikuru sezvinobvira. Uyewo, kana mubato wakati unotenderwa, wakadai seChikoro cheBasa Roupiyona, musangano wavakuru vedunhu, kana kuti muchato, ukarongwa, dzimwe ungano uyewo vatariri vamatunhu vapi navapi vanotapurwa vanofanira kuziviswa pachine nguva mberi zvikuru; nokudaro havasati vachizoronga kushandiswa kweHoro yoUmambo panguva imwe cheteyo.
6 Pane nhamba yakati yehoro dzinoshandiswa neungano dzakagoverwa kumatunhu akasiyana-siyana. Kunokosha kuti vatariri vanofambira vanoshanyira horo idzodzi varambe vachizivisana pamusoro peshanyo dziri mberi dziri kurongwa. Chinjo dzakamwe-kamwe kana kuti zvimwe zvinetso zvinogona kuvapo apo vatariri vaviri vanofambira vanoronga shanyo mukati mevhiki imwe cheteyo.
7 Kurangarira vamwe kworudo, kurukurirano yakanaka, kuronga pachine nguva mberi, uye batira pamwe zvichabetsera kuchengeta ukama hwakanaka pakati peungano uye zvichasimbisa kuti “zvinhu zvose zvinoitika nenzira yakanaka uye kupfurikidza negadziriro.”—1 VaK. 14:40, NW.