Mashoko oUmambo Akakodzera Nguva Anofanira Kuparadzirwa Munyika Yose
1 PaSvondo, April 23, hurukuro chaiyo ichakurukurwa panhau inoorora inoti “Mugumo Worudzidziso Rwenhema Wava Pedyo.” Pamhedziso yomusangano wacho zuva iroro, Mashoko oUmambo anonyandura kufunga emapeji mana achabudiswa. Shoko rakakodzera nguva raanawo richagoverwa panyika yose mukati menhambo yevhiki nhatu kuvambira pana April 24 kusvikira May 14.
2 Mumativi ose enyika, vanhu vakavhiringidzika. Pasinei zvapo nokwavanogara, ivo vanotambudzwa nezvinetso. Mashoko oUmambo achava efariro chaiyoiyo kuna avo vanoitira hanya zvapachokwadi pamusoro pezviri kuitika, sezvo achavanangidzira kuShoko raMwari semanyuko asingakundikani enhungamiro yomunhu. (Pis. 119:105) Tose zvedu tinokarira kukuwana kopi yeMashoko oUmambo apo inobudiswa pana April 23. Munguvayi, kune zvakawanda zvokuita mukugadzirira nhimbe huru yevhiki nhatu idzodzi.
3 Kurudzira Vose Kuva Negoverano Yokushingaira: Ndiani angagoverana mubasa racho? Zvirokwazvo ari wose atori muparidzi achadisisa kuita kudaro! Zvakadiniko nevadzidzi veBhaibheri avo vanogaropinda misangano yeungano? Vamwe vakasonganira nesu kwenguva yakati kuti uye vari kuita fambiro mberi inopfuurira. Kana ivo vakatsinhiranisa upenyu hwavo nenheyo dzaMagwaro, ivo vanokwanirisa kuverengwa savaparidzi voUmambo here? Muparidzi anoitisa fundo yeBhaibheri angakurukura nhau yacho nomudzidzi, uye kana mudzidzi wacho achishuva kugoverana mubasa romumunda, vakuru vaviri vachahwirudzura naye mashoko ari pamapeji 98 ne 99 ebhuku raTakarongwa Kupedza Ushumiri Hwedu. Ikoku kunofanira kuitwa nokukurumidza sezvinobvira kuitira kuti avo vanokwanirisa kuva vaparidzi vasina kubhapatidzwa vagova negoverano izere munhimbe yacho. Vadzidzi veBhaibheri vachigere kukwanirisa kuti vaverengwe savaparidzi vasina kubhapatidzwa vachingori vangakurudzirwa kugoverana aya Mashoko oUmambo akakodzera nguva navazivikanwi kana kuti mitezo yemhuri.—Ona Nharireyomurindi, November 15, 1988, peji 17, ndima 8.
4 Basa irori harisati riri rakaoma; munhu ari wose anogona kuva negoverano. Vabereki vangabatanidza marusando erovedzo neMashoko oUmambo sorutivi rwefundo yeBhaibheri yemhuri yevhiki nevhiki zvokuti mitezo yose yemhuri ichasanogadzirira kuagovera paimba neimba. Mharidzo yakapfava inowanzova yakanakisisa. Pashure pesumo pfupi, govera Mashoko oUmambo kuna saimba, uye mukurudzire kuarava. Apo vana saimba vanoratidza fariro, ita chinyorwa kuitira kuti ugone kudzokera kuzosakurira fariro yacho. (1 VaK. 3:6, 7) Chinokosha kukubudirira ndechokuva nemharidzo yakapfava, yakasanogadzirirwa.
5 Kuchava ne“zvizhinji zvokuita” mukati maApril naMay. Muchinyorwa chomwedzi unotevera choUshumiri Hwedu hwoUmambo, mamwe mashoko achagoverwa muwedzero ine musoro unoti “Zvizhinji Zvokuita Mubasa raShe.”—1 VaK. 15:58, NW.