“Zvizhinji Zvokuita Mubasa raShe”
1 Zvirokwazvo tine rudungwe rwakazara rwemibato youbati ushe hwaMwari yokukarira mukati maApril naMay! Pana April 14 tichachengeta Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Vanhu vakawanda sezvinobvira vanofanira kukurudzirwa kuvapo nokuda kwenhambo iyoyo inokosha: vazikanwi vebhizimisi, hama dzokunyama, vekuchikoro biyedu, vanhu vachangobva kufarira, uye vadzidzi veBhaibheri. Ita ndaza yaavo unoronga kukoka kuitira kuti pasava navanopotswa.
2 Vhiki inotevera tichakurudzira vose avo vakapinda Chirangaridzo kunzwa hurukuro chaiyo yavose pana April 23, pamusoro unoti “Mugumo Worudzidziso Rwenhema Wava Pedyo.” Kunokarirwa kuti vanhu vazhinji vanofarira vanonzwa iri shoko rakananga vachaona kudikanwa kwokusonganirana neungano nguva dzose, kwete chete panhambo chaidzo.
3 Mashoko oUmambo Chaiwo Achabudiswa: Pfundo guru remusangano pana April 23 richava kubudiswa kwaMashoko oUmambo Nha. 34 akakodzera nguva ane mapeji mana ayo achaparadzirwa zvikuru kusvika pana May 14. Haubvumi here kuti kuchava ne“zvizhinji zvokuita mubasa raShe” mukati momwaka uno weChirangaridzo?—1 VaK. 15:58.
4 Mugove weMashoko oUmambo uchatumirwa kuungano imwe neimwe. Makatoni ane Mashoko oUmambo anofanira kuchengetwa munzvimbo yakakotsekana uye haafaniri kuvhurwa kutozosvikira pamugumo wepurogiramu pana April 23. Panguva iyoyo Mashoko oUmambo achawanikwa nokuda kwokuparadzirwa kuhama nekuvanhu vose. Pamugumo wemisangano yeungano, magungano edunhu, kana kuti purogiramu dzezuva chairo regungano pana April 23, avo varipo muvapindi vateereri mumwe nomumwe achagamuchira kopi kuitira kuti vagogona kuva vakarovedzana nezviri mukati mawo ndokuva vakashongedzerwa nokuda kwokuparadzirwa kwayo.
5 Vakuru Vachava Nezvizhinji Zvokuita: Pakuvamba mwedzi uno mutumbi wavakuru unofanira kusangana kuti ukurukure udzame hwenhimbe chaiyo. Ungano dzinofanira kuedza kufukidza ndima yadzo yose yakagoverwa. Nhimbe isati yaguma, itai nhamburiko chaiyo yokushanda ndima idzo dzisina kufukidzwa mumwedzi mitanhatu yakapfuura. Nemhaka yokukosha kwebasa, tichada kutsaura nguva yakawanda seinobvira youshumiri. Pasina kupokana vaparidzi vakawanda kupfuura nguva dzose vachanyoresa samapiyona ebetsero. Sezvingabvira zvikuru vadzidzi veBhaibheri vazhinji vachavawo vachitikumbanira savaparidzi vasina kubhapatidzwa vachangobva kubvumirwa. Tichava nenguva inofadza zvakadini sezvatinoshanda pamwe chete mubasa raShe!
6 Vaitisi veFundo dzeBhuku dzeUngano vanofanira kuita gadziriro chaidzo dzokupupurira kweboka paZvitanhatu napamaSvondo. Munhu ari wose weboka unofanira kukurudzirwa kuva negoverano yokushingaira. Mukuwedzera kumubato pakupera kwevhiki, kupupura kwamadekwana kunofanira kurongwa kanenge kamwe pavhiki mukati menhimbe. Vamwe vangada kusangana nokuda kwebasa pashure pechikoro kubetsera vadzidzi vangada kuva negoverano yomuraudzo.
7 Misangano yebasa romumunda inofanira kurongwa kuitira kuti vaparidzi namapiyona vagogona kukurumidza kutanga muushumiri zuva rimwe nerimwe. Misangano iyi inofanira kuva mipfupi. Mumwe nomumwe unofanira kusimbisa mharidzo yakapfava yaMashoko oUmambo. Misangano yamasikati yebasa ingabatanidza chikarakadzo chimwe kana zviviri zvokuita shanyo dzedzokerero pana avo vakagamuchira Mashoko oUmambo. Zvisinei, vamwe vaparidzi vangasarudza zvavo kupinda mukuparadzira pose pari paviri mangwanani nemasikati. Nokuda kwechinangwa ichocho, mutariri webasa achada kuva nechokwadi chokuti ndima yakakwana inowanika. Zita nekero zvomunhu ari wose anoratidza fariro zvinofanira kunyorwa pachinyorwa chapaimba neimba. Mapfundo makuru ekurukurirano pfupi angabatanidzwa muchikamu chamashoko. Ikoku kuchagadzirira nzira shanyo yedzokerero gare gare muvhiki yacho kana mwedzi.
8 Kana ungano imwe ichibetsera imwe kufukidza ndima yayo, mazita nekero zvavanhu vanofarira zvinofanira kupiwa kuungano ine ndima yacho.
9 Vabereki, vana venyu vari kushandira kuva vaparidzi vasina kubhapatidzwa here? Kwakacherechedzwa kuti mune dzimwe ungano, vana vanozvibata vakaperekedza vabereki vavo vakazvitsaurira muushumiri kwamakore akati, uye vana vacho vanoita zvakanaka zvikuru, kunyange zvazvo vasati vava vaparidzi vamashoko akanaka. Vabereki vanofanira kurangarira kana vana vavo vachikwanirisa chaizvoizvo nokuda kweropafadzo iyi. Vaviri vavakuru vanogona kukurukura zvinhu zvose nomusoro wemhuri ndokusarudza kana mwana wacho achigona kuverengwa somuparidzi asina kubhapatidzwa.—om-CA mapeji 99-100.
10 Vaparidzi vapi navapi vari mundima yeungano yenyu havachashingairi mukupa chibayiro cherumbidzo kuna Jehovha here? (VaH. 13:15) Vamwe vasingashingairi vangave vakakurirwa nokuodzwa mwoyo kana kuti nefunganyo dzoupenyu, kunyange zvazvo vachipfuurira kuomerera kumipimo yeBhaibheri yetsika. Shanyo yeushamwari inoitwa nomumwe wavakuru ingavasunda kuti vadzokere kusonganirano yenguva dzose neungano uye, panguva yakakodzera, kumubato wakamutsidzirwa muushumiri.
11 Vose Vanokwanirisa Vanogona Kugoverana Muiri Basa Rinofadza: Vamwe venyu imi vana kana kuti vechiduku munokuwana kwakaoma here kugoverana muushumiri hwapaimba neimba? Zvakadiniko nemi vatsva mune ruzivo rwokuzviwanira mubasa rokuparidza rwakaganhurirwa zvikuru? Muchawana kushanda neaya Mashoko oUmambo chaiwo kuva kunofadza zvikurusa! Mharidzo yakapfava ndiyo chete inodikanwa.
Ungataura chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Mwedzi uno tiri kuparadzira shoko rinokosha munyika 232 kupota nyika. Shoko racho rinokosha nemhaka yokuti rinotipa zvikonzero zvakasimba zvokudavira kuti kune mhinduro kuzvinetso zvatinotarisana nazvo nhasi. Tingada kuti imi muve nekopi yenyu mumene.”
Kana kuti ungaedza uku:
◼ “Mwedzi uno vazvipiri vanenge mamiriyoni mashanu vari kuparadzira shoko rinokosha mumitauro yakawanda. Rakagadzirirwa vanhu vangada kuona mugumo wezvinetso izvo tose zvedu tinotarisana nazvo nhasi. Iyi ikopi yenyu pachenyu.”
Iyi mharidzo yakapfava ingakukodzera:
◼ “Tiri kukurudzira munhu ari wose kurava iri shoko rinokosha rine musoro unoti [rava musoro waMashoko oUmambo]. Cherechedzai charinotaura pano papeji 2 pamusoro pezvinetso zvinowedzera zve . . . [rava mutsetse wakasarudzwa womuMashoko oUmambo]. Tine chokwadi chokuti muchafarikanya kurava rasara rose reshoko iri rakakodzera nguva. Iyi ikopi yenyu.”
12 Iva nefariro yomunhu oga mumumwe nomumwe anogamuchira Mashoko oUmambo. Taura zvishoma nezvishoma uye zvakajeka; hapana dikanwo yokukurumidzisa mharidzo yako. Tinoda kuva vanosanofukidza ndima yedu ndokuona kuti vose vanoratidzira fariro mukurava Mashoko oUmambo vanopiwa kopi yavo pachavo. Pakunenge kusina munhu ari pamba, sanonyora pachinyorwa chako chapaimba neimba kuitira kuti ugogona kudzoka panguva yakakodzera kuzogovera Mashoko oUmambo kuna saimba. Aya Mashoko oUmambo angashandiswa mukupupura mumugwagwa apo mumwe munhu anoratidza fariro mukurava mashoko acho. Makopi haafaniri kungopiwa nokusasarudza sokunge mahendibhiri. Panzvimbo pezvo, svika vapfuuri, uye tsanangura ukoshi hweshoko riri kusimbiswa. Shandisa Mashoko oUmambo mukupupurira kwamasanga, zvakadai sepakufamba, kana kuti kupupura kuvashandi biyako mukati menguva dzenyu dzezvokudya. Avo vakapfigirwa kana kuti zvimwe vanorwara vangaagovera kuvashanyi, vanachiremba navanamukoti, kuvatengesi, uye kuvamwe vanouya kumba kwavo.
13 Uchaita shanyo ngani dzedzokerero mukati menhimbe? Pasina kupokana dzakawanda zvikuru, sezvo avo vose vakafarira Mashoko oUmambo vachifanira kushanyirwazve. Pashanyo yokutanga, kwakanakisisa kusimbisa Mashoko oUmambo bedzi. Ipapo, apo unodzoka, ita tsinhiro shomanene pamusoro pokukodzera nguva kweshoko riri mumaMashoko oUmambo. Teerera nokungwarira sezvo saimba anotaura mufungo wake pane zvaakarava. Tsinhiro dzake dzichakubetsera kuziva chokugovera mumagazini azvino uno uye zvichida nzira yokugadzirira nayo dzimwe kurukurirano. Kana ukawana mhinduro yakanaka pashanyo yedzokerero, edza kutanga fundo yeBhaibheri.—1 VaK. 3:6, 7.
14 “Kubata Kwenyu Hakungavi Pasina munaShe”: Basa iri rose richava rakafanira here? Pauro akavimbisa vaKorinte, kuti: “Kubata kwenyu hakungavi pasina munaShe.” (1 VaK. 15:58) Mumakore apfuura, nhamburiko dzedu dzokuparadzira Mashoko oUmambo dzakakomborerwa zvikuru. Vamwe varoorani vakanga vachitamira mufurati yakanga isina munhu vakawana kopi yekare yaMashoko oUmambo mudhirowa. Ndicho chaiva chinhu bedzi chakanga chasara mufurati yacho yose. Pashure pokuirava, vakaonana neungano yomunzvimbomo ndokukumbira fundo yeBhaibheri. Vakavamba kupinda misangano yose uye gare gare vakataura chishuvo chokubhapatidzwa. Zvichida kopi yaunosiya ichaunza migumisiro yakafanana!—onawo Awake!, November 8, 1976, peji 15.
15 Tine basa guru mberi kwedu. Nharidzano yedu ndeyokuti ungano imwe neimwe ifukidze mugove wayo wendima panosvika May 14 kana kuti panosvika kupera kwemwedzi kana kuri madikanwa kutambanudza nguva yokuparadzirwa kwaMashoko oUmambo. Migove yakaitwa kuitira kuti piyona wenguva dzose napiyona webetsero mumwe nomumwe agamuchire makopi 125 eMashoko oUmambo. Muparidzi weungano mumwe nomumwe achawana anosvika makopi 25. Maturakiti achaita 10¢ rimwe uye vaparidzi namapiyona vanofanira kugamuchira bedzi makopi akawanda avachakwanisa kuparadzira. Tapota cherechedzai, zvisinei, kuti hatizokumbiri voruzhinji nokuda kwomupiro. Batira pamwe yakanaka muna ikoku ichavimbisa kuparidzirwa kukurusa kunobvira kweiri shoko rinokosha. Kana nemhaka yokuva nomugove mukuru wendima dzimwe ungano dzikasafukidza ndima yadzo panosvika pakati paMay uye makopi achiri kuwanika, kungava kunoshanda kukumbira ungano dzepedyopo kubetsera. Mune dzimwe ungano chinodikanwa chingaitwa munzvimbomo kana vaparidzi vakawedzera mubato wavo nokunyoresa samapiyona ebetsero kana kuti nokupinda muushumiri kakawanda zvikuru.
16 Kuzvipira kwomwoyo wose kuna Jehovha kuchadikanwa kana tichizopedza basa redu. (VaK. 3:23) Upenyu hunobatanidzwa. Vanhu havagoni kutsunga kufuratira revo yamamirire ezvinhu zvenyika nhasi. Nguva iri kupera. Vanofanira kutarisana neidi rokuti munhu haana mhinduro kuzvinetso zvenyika ino. Mwari anayo. Avo vanoda kuwana chikomborero chaMwari vanofanira kuita chiito chakasimba, pasina kunonoka, mutsinhirano nezvinodikanwa.
17 Pamugumo wenhimbe chaiyo pana May 14, ticharega here ruoko rwedu ruchizorora? Kwete! Ticharamba takabatikana mutsinhirano nezano rakafuridzirwa raPauro.