RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/06 p. 1
  • Mushandirapamwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mushandirapamwe
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Mashoko Akafanana
  • Paradzira Zvakafara Mashoko oUmambo Turakiti Nha. 35
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • “Mireniyumu Itsva—Nguva Yemberi Yakakuchengeterei?”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • “Zvizhinji Zvokuita Mubasa raShe”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mushandirapamwe Wokuparadzira Turakiti October 20–November 16!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 9/06 p. 1

Mushandirapamwe

waOctober 16–November 12!

1 “Kuguma Kwechitendero Chenhema Kwava Pedyo!” Ndiwo musoro weturakiti reMashoko oUmambo Nhamba 37, richaparadzirwa mupasi rose kutanga mwedzi unouya. Muhafu yokutanga yomwedzi waOctober, tichagovera Nharireyomurindi neAwake! Kutanga nomusi woMuvhuro October 16, kusvikira musi weSvondo, November 12, tichaita basa guru rokuparadzira turakiti reMashoko oUmambo Nhamba 37. Patinenge tichiita mushandirapamwe wacho kupera kwevhiki, tichariparadzira pamwe chete nemagazini anenge achigoverwa mwedzi iwoyo.

2 Vangaita Basa Racho: Vaparidzi vose vemashoko akanaka vachaita basa iri. Vamwe vanogona kuita upiyona hwebetsero. Une vana here kana kuti vanhu vaunodzidza navo Bhaibheri vari kufambira mberi mune zvokunamata? Vabatsire kuti vataure nevakuru kuti vaone kana vachigona kuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa. Vakuru vanofanira kutaura nevaparidzi vasingachaiti basa kuti vavakurudzire kuitawo basa iri, zvimwe vachishanda nevaparidzi vane ruzivo.

3 Turakiti reMashoko oUmambo Nhamba 37 richatumirwa kuungano dzose kuitira kuti vaparidzi nemapiyona vawane anenge 50 mumwe nomumwe. Vanhu vanofarira vasati vava vaparidzi mumwe nomumwe angapiwa mashanu kuti ape nhengo dzemhuri yake neshamwari. Vose vanofanira kuchengeta nhamba yematurakiti avanenge vagovera voinyora kuseri kwemishumo yavo yebasa romumunda pakupera kwaOctober naNovember. Munyori achabatanidza nhamba yose yakagoverwa neungano oitumira kuhofisi yebazi kupera kwemwedzi mumwe nomumwe. Anenge asara panopera mushandirapamwe wacho angashandiswa mune humwe ushumiri hwose.

4 Zvokutaura: Iva nemharidzo pfupi sezvo izvi zvichaita kuti uparadzire mashoko aya kune vakawanda. Ungati: “Ndiri kuitawo basa riri kuitwa munyika yose rokuparadzira mashoko anokosha, iri ibasa rinobatsira vanhu vose. Herino turakiti renyu. Ndapota riverengei.” Zvingave zvakanaka kusatakura bhegi remabhuku pakupupurira paimba neimba. Iva nechokwadi chokuti unonyora vanhu vose vanenge vafarira vaunosangana navo.

5 Kushanda Kwamungaita Ndima Yenyu Yose: Pane kuparadzira turakiti reMashoko oUmambo mubasa romumugwagwa, edza kuriparadzira zvikuru paimba neimba uye mundima yenyu yebhizimisi sezvinobvira. Nyora vose vanenge vasiri pamba, wozoedza kudzokerazve pane imwe nguva kana kuti rimwe zuva revhiki yacho. Kutanga musi woMuvhuro, November 6, turakiti racho rinogona kusiyiwa padzimba dzinenge dzisina vanhu. Zvisinei, kana ungano iine ndima yakakura kupfuura yainokwanisa kupedza panguva yomushandirapamwe wacho, vakuru vangasarudza kana turakiti reMashoko oUmambo richifanira kusiyiwa padzimba dzinenge dzisina vanhu.

6 Kuparadzwa kwe“Bhabhironi Guru” kuri kuramba kuchiswedera pedyo. Vanhu vanofanira kubuda mariri risati raparadzwa zvachose. (Zvak. 14:8; 18:8) Ronga iye zvino kuti uitewo mushandirapamwe uyu womunyika yose kuti vanhu vose vazive kuti kuguma kwechitendero chenhema kwava pedyo!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe