“Mireniyumu Itsva—Nguva Yemberi Yakakuchengeterei?”
1 Mubvunzo iwoyo wave uchifungwa navanhu pasi pose. Kunyange zvazvo vanhu vakaita zvakawanda mumazana emakore apfuura, vanhu vakaora mwoyo nemhaka yokuti zvinetso zvikuru zvakarwadza vanhu kwemamireniyumu akawanda zvichiripo. (Jobho 14:1; Pis. 90:10) Vanhu vangawana kupi zororo?
2 Mumwedzi yaOctober naNovember, tichava nomukana chaiwo wokupa vavakidzani vedu mhinduro yomubvunzo iwoyo. Sei? Nokuparadzira Mashoko oUmambo Nha. 36. Rine musoro unoti “Mireniyumu Itsva—Nguva Yemberi Yakakuchengeterei?” Muhafu yokutanga yaOctober, tichagovera magazini eNharireyomurindi neMukai! Ipapo kubva noMuvhuro, October 16, kusvika Chishanu, November 17, tichabatikana mubasa guru rokuparadzira Mashoko oUmambo Nha. 36. Panoitwa basa iri, tichada kunyanya kugovera Mashoko oUmambo Nha. 36 pakati pevhiki. Pakupera kwevhiki, ticharigovera pamwe chete namagazini azvino.
3 Uchashandawo Zvakazara Here? Vakuru, vashumiri vanoshumira, uye mapiyona vachada kutungamirira mubasa iri, sezvo varivo vari pamberi mubasa racho. Vaparidzi vakawanda vakachinja mamiriro avo ezvinhu kuti vaite upiyona hwebetsero mwedzi mumwe kana kuti yose yokuparadzira kwacho. Vamwe vanoronga kupedza nguva yakawanda muushumiri hwacho kupfuura zvavanosiita.
4 Vaitisi veChidzidzo Chebhuku Cheungano vangabatsira kukurudzira nhengo dzose dzeboka ravo kuti dzishandewo zvakazara mukuparadzira Mashoko oUmambo Nha. 36. Pangava navamwe vaparidzi vangave vasingachaiti basa rokuparidza. Vakuru vanofanira kushanyira ivava kuti vaone kuti chii chingaitwa kuti vavabatsire. Zvichida zvingarongwa kuti mumwe muparidzi ane unyanzvi aende mumunda nomunhu mumwe nomumwe asingachaiti basa mumwedzi iyi. Mharidzo iri nyore yeMashoko oUmambo Nha. 36 ingava ndiyo inongodiwa kuita kuti vaparidzi ava vaitezve basa.
5 Uyu uchavawo mukana wakanaka wokuti vadzidzi veBhaibheri vava kuda kupedza bhuku rinonzi Zivo uye vanokwanisa kuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa vatange kushanda muushumiri. Kunyange vechiduku vangashandawo zvakaisvonaka mubasa iri rinofadza.
6 Mharidzo iri nyore ndiyo inongodiwa. Ungati:
◼ “Ndakapa nguva yangu kuti ndibatsire kuparadzira shoko iri rinokosha zvikuru kumhuri dzose dziri [zita reguta kana dunhu]. Heino kopi yenyu. Ndapota iverengei.” Zvingave zvakanaka kusatakura bhegi ramabhuku pakuparadzira Mashoko oUmambo Nha. 36.
7 Misangano Yebasa Romumunda Yakanyatsogadzirirwa: Vakuru vanofanira kuona kuti gadziriro dzokupupurira hadzina kuoma uye dzinoshanda. Mutariri webasa zvikurukuru anofanira kuva nechokwadi chokuti pane ndima yakakura yepaimba neimba uye yebhizimisi kuitira kuti vanhu vose vagone kushanda zvakazara mubasa racho. Chero pazvinobvira, panofanira kurongwa misangano yebasa yezuva revhiki rimwe nerimwe, yokupera kwevhiki, uye yemanheru. Pangaitwa gadziriro dzokusangana zuva rava kuda kuvira kuitira vadzidzi vokuchikoro, vashandi vanoita basa remashifiti, nevamwe.
8 Zvokuita Navasiri Pamusha: Vavariro yedu ndeyokutaura navanasaimba vakawanda sevanobvira. Kana pamusha pasina munhu paunoshanya, nyora kero yacho wozoshanya panguva yakasiyana yezuva. Kana panosvika vhiki yokupedzisira yebasa racho usina kubudirira kuonana navanasaimba ava, ungavasiyira kopi yeMashoko oUmambo Nha. 36 pasingaonekwi navanopfuura nenzira. Vakuru vomuungano vangarayiridza ungano kusiya kopi yeMashoko oUmambo Nha. 36 pane vasiri pamusha pavanotanga kushanya kana vachishanda nharaunda dzokumamisha uye nharaunda dzine ndima yakakura kudarika ingapedzwa munguva yebasa racho.
9 Ngatibatikanei! Ungano dzinofanira kuedza kupedza ndima dzadzo basa racho risati rapera musi waNovember 17. Kana ndima yenyu yakakura zvikuru, vamwe vaparidzi vangashanda voga kwazvinoita uye kwakachengeteka. Gadziriro iyi ichaita kuti zvive nyore kuona vakafanirwa vakawanda sevanobvira. Iva nechokwadi chokuchengeta chinyorwa chakanaka chokufarira kwose kwaunenge wawana.
10 Vakuru vanofanira kufanofunga kuti magazini mangani okuwedzera achadiwa neungano voodha zvinoenderana. Hapana chikonzero chokuodha Mashoko oUmambo Nha. 36, sezvo mugove uri kutumirwa kuungano imwe neimwe. Mapiyona chaiwo, enguva dzose, uye ebetsero achapiwa makopi 250 mumwe nomumwe kuti aparadzire, nepo vaparidzi veungano vachapiwa makopi 50 mumwe nomumwe. Saka wagadzirira uye unoda kubatikana mubasa chairo iri here? Takaropafadzwa zvakadini kuita kuti vavakidzani vedu vose vazive zvakavimbiswa naMwari zvenguva iri mberi yava pedyo!