Iva Anovaka
1 Sezvo tichirarama mu“nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo,” tose zvedu tinoda kurudziro. (2 Tim. 3:1, NW) Achiziva zvikuru nezveiyi dikanwo kunyange muzuva rake, Pauro akanga achidisa kushandisa songaniro nehama dzake semikana ye“kurudziro.” Iye akakurudzira hama dzake ku“tsvaka zvinhu . . . zvadzingasimbisana nazvo.” (VaR. 1:11, 12; 14:19) Idzi nhamburiko dzakabudirira muku“simbisa mweya yavadzidzi, vachivarayira kuti vatsungirire pakutenda.” (Mabasa 14:22) Tinoda zvikuru rudzi irworwo rwekurudziro nhasi.
2 Tinogona kuva vanovaka kuvamwe kupfurikidza nezvatinotaura. Apo anoshandiswa nomutoo wakafanira, mashoko edu anogona kuva se“matamba endarama mumidziyo yesirivha.” (Zvir. 25:11) Kupfurikidza nokutora rutivi mumisangano, tiri ku“rayirana.” (VaH. 10:25) Rurimi rwedu runogona kushandiswa nenzira yakanaka apo tinogoverana zvakaitika, kupa rumbidzo, kana kuti kukurukura nhau dzomudzimu. Kushandiswa kwakadaro kwakanaka kworurimi ‘kwakanaka nokuda kwokuvaka, kunopa zvakanaka kuvanzwi.’—VaEf. 4:29.
3 Taura Pamusoro Pezvinhu Zvinovaka: Pana VaFiripi 4:8, Pauro akagovera nhungamiro dzinobetsera dzokutaura kwedu. Iye akati tinofanira kurangarira zvinhu zvipi nezvipi zviri zvazvokwadi, zveitiro hanya yakakomba, zvakarurama, zvakachena, zvinodiwa, zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, zvakanaka, uye zvinorumbidzwa. Nguva dzose tinogona kuva nechokwadi chokuti zvatinotaura zvichava zvechokwadi uye zvinobetsera kuvamwe kana zvakavakirwa paShoko raMwari. (Joh. 17:17) Tsauriro yedu yechiKristu, zvatinodzidza pamisangano yeungano, nzira yatinoita nayo zvizere ushumiri hwedu, uye dzimwe nhau dzakadaro zvinhu zveitiro hanya yakakomba. Kurukurirano dzakanaka pamusoro pemipimo uye nheyo dzeShoko raMwari zvine chokwadi chokutibetsera kuva “vakachenjerera ruponeso.” (2 Tim. 3:15, NW) Tinogona kutaura kuonga kwedu mufambiro wakachena unoshandiswa wakaitwa neavo vari musangano rakachena raJehovha. Tinogona kurumbidza mabasa orudo omutsa anoitwa nehama dzedu. (Joh. 13:34, 35) Zvinhu zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo zvinobatanidza mavara akanaka echiKristu okutenda, mufaro, rugare, uye mwoyo murefu ayo tinocherechedza muhama dzedu. Kurukurirano pamusoro pezvinhu zvakadaro zvakanaka nezvinorumbidzwa ‘yakanaka nokuda kwokuvaka’ vamwe.—VaR. 15:2.
4 Zuva riri rose, tinonangana nefunganyo dzinoodza mwoyo dzenyika. Kunozorodza sei kuisa izvi zvinhu parutivi ndokugoverana songaniro yorudo nehama dzedu! Nguva inokosha yatinokwanisa kupedza pamwe chete ipfuma inofanira kukosheswa. Kana nguva dzose tichikurudzira uye kuvaka, vamwe vachataura zvapachokwadi nezvedu kuti: “Ivo vakazorodza mweya wangu.”—1 VaK. 16:18.