RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 34 p. 202-p. 205 ndim. 4
  • Zvinokurudzira uye Zvakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinokurudzira uye Zvakanaka
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Kurukurirano Inovaka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mavandudzirwo Ounyanzvi Hwokukurukurirana
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Iva Anovaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Taura Zvinokurudzira Uye Zvakanaka
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 34 p. 202-p. 205 ndim. 4

CHIDZIDZO 34

Zvinokurudzira uye Zvakanaka

Unofanira kuitei?

Pane kuti urambe uchifunga zvinhu zvisingabatsiri, taura zvinhu zvinobatsira chimwe chinhu kana kuti zvinopa chivimbo.

Nei zvichikosha?

Vanhu vaona ndondo nenyika isina rudo. Vakawanda vane zvinetso zvavo voga zvakakomba. Shoko reBhaibheri kana rikataurwa zvakanaka, rinosiya vanhu vane mwoyo yakatendeseka vava netariro.

SHOKO ratakanzi tiparidze mashoko akanaka. Jesu akati: “Mashoko akanaka anofanira kutanga aparidzwa kumarudzi ose.” (Mako 13:10) Jesu akaratidza muenzaniso wokuparidza “mashoko akanaka oumambo hwaMwari. (Ruka 4:43) Zvakaparidzwa nevaapostora zvinonziwo “mashoko akanaka aMwari” uye “mashoko akanaka pamusoro paKristu.” (1 VaT. 2:2; 2 VaK. 2:12) Mashoko akadaro anokurudzira uye akanaka.

Maererano nokuziviswa kwe“mashoko akanaka asingaperi” ne‘ngirozi yaibhururuka nepakati pedenga,’ tinokurudzira vanhu kuti: “Ityai Mwari mumupe mbiri.” (Zvak. 14:6, 7) Tinoudza vanhu kwose kwose nezvaMwari wechokwadi, zita rake, zvaari zvinofadza, mabasa ake anoshamisa, chinangwa chake chorudo, ndiye watinofanira kuzvipindurira kwaari, uye zvaanoda kwatiri. Mashoko akanaka anosanganisira kuti Jehovha Mwari achaparadza vakaipa, vanomuzvidza uye vanokanganisa upenyu hwevamwe vanhu. Asi hazvisi kwatiri kuti titonge vanhu vatinoparidzira. Chido chedu chomwoyo wose ndechokuti vakawanda sevanokwanisa vateerere shoko reBhaibheri kuitira kuti rive mashoko akanaka kwavari.—Zvir. 2:20-22; Joh. 5:22.

Zvinhu Zvisingafadzi Ngazvive Zvishoma. Chokwadi muupenyu mune zvinhu zvisingafadzi. Hativhari maziso edu kwazviri. Kuti mutange kukurukurirana, ungataura dambudziko riri kufungwa nezvaro nevari mundima yako morikurukura zvishomanana. Asi hapana zvinonyanyobatsira kutaura zvizhinji nezvaro. Vanhu vanonzwa nhau dzinoodza mwoyo kakawanda, saka kutaura zvinhu zvisingafadzi kungaita kuti vavhare suo ravo kana kuti nzeve dzavo. Pakutanga-tanga mukukurukurirana kwenyu, edza kuisa pfungwa pamashoko anozorodza echokwadi chiri muShoko raMwari. (Zvak. 22:17) Zvadaro, kunyange kana munhu wacho asingadi kuti murambe muchikurukurirana, unenge wamusiyira chimwe chinhu chinokurudzira chokufunga nezvacho. Izvi zvingamuita kuti ade kuteererazve pane imwe nguva.

Saizvozvowo, kana ukakokwa kuti uzopa hurukuro, usawanze mashoko ezvakaipa pamusana pokuti mashoko acho haasi enhamo. Kana mukurukuri akanyanya kutaura nezvokukundikana kwevatongi vevanhu, mishumo yemhosva dzinoparwa uye chisimba, uye unzenza hunotyisa hwakapararira, zvinogona kuodza mwoyo. Muhurukuro, taura nezvezvakaipa bedzi kana zvine chinangwa chokubatsira. Mashoko mashomanana akadaro angaratidza kuti hurukuro yako yauya panguva. Angaratidzawo zvinhu zvikuru zvinokonzera mamiriro ezvinhu aripo zvadaro oshandiswa kuratidza kuti nei kupedzwa kwedambudziko racho sezviri muBhaibheri kuri iko kunoshanda. Kana zvichiita, iva akananga usinganyanyotauri zvinhu zvakaipa.

Kazhinji hazvibviri uye hazvisiri izvo zvinodiwa kuti tobva tabvisa mashoko ose asingafadzi muhurukuro. Chinodiwa kugona kukurukura zvakanaka nezvakaipa nenzira inoita kuti pakupedzisira zvose zvinge zvichikurudzira. Kuti uite izvi, unofanira kusarudza zvokukurukura nezvokusiya, uye pokusimbisa. PaMharidzo yepaGomo, Jesu akarayira vateereri vake kusaita sezvaiita vanyori nevaFarisi vaitsvaka kuzvifadza, uye akataura mifananidzo mishomanana yokuonesa zvaaireva. (Mat. 6:1, 2, 5, 16) Zvisinei, pane kurambira pamienzaniso yakaipa yevatungamiriri vezvitendero ivavo, Jesu akasimbisa kunzwisisa nzira dzechokwadi dzaMwari ndokurarama maererano nadzo. (Mat. 6:3, 4, 6-15, 17-34) Izvi zvakaguma nokuva zvinokurudzira zvikuru.

Matauriro Ako Ngaave Anokurudzira. Kana ukapiwa hurukuro muungano yenyu pamusoro pebasa rakati rechiKristu, edza kuva anokurudzira pane kutsoropodza. Iva nechokwadi chokuti uri kuita zvaunokurudzira vamwe kuita. (VaR. 2:21, 22; VaH. 13:7) Zvaunotaura ngazvikurudzirwe norudo kwete nokushatiriswa. (2 VaK. 2:4) Kana uchivimba kuti vashumiri pamwe newe vanoda kufadza Jehovha, zvaunotaura zvichabudisa chivimbo ichocho, uye izvi zvichabatsira. Ona kuti muapostora Pauro akataura sei chivimbo ichocho, sezviri pana 1 VaTesaronika 4:1-12; 2 VaTesaronika 3:4, 5; uye Firimoni 4, 8-14, 21.

Padzimwe nguva zvinova zvakakodzera kuti vakuru vanyevere pamusoro pomufambiro une ngozi. Asi kuzvininipisa kuchavabatsira kubata nehama dzavo nounyoro. (VaG. 6:1) Nzira inotaurwa nayo zvinhu inofanira kuratidza kuti vaya vari muungano vanoremekedzwa. (1 Pet. 5:2, 3) Bhaibheri rinokurudzira kunyanya varume vaduku kufunga izvi. (1 Tim. 4:12; 5:1, 2; 1 Pet. 5:5) Kana zvakakodzera kutsiura, kuranga, kururamisa, izvi zvinofanira kuitwa maererano nezvinotaurwa neBhaibheri. (2 Tim. 3:16) Magwaro haafaniri kumanikidzwa kana kuti kukoneswa kuti atsigire imwe pfungwa iyo mukurukuri angave achida. Kunyange kana zano rokururamisa richidiwa, mataurirwo ehurukuro yacho anogona kuramba akanaka kana kusimbisa kukanyanya kuiswa panzira dzokusapinda muzvakaipa, nzira dzokugadzirisa zvinetso, kukurira zvakaipa, kururamisa nzira dzakaipa, uye madzivirirwo atinoitwa nezvinodiwa naJehovha.—Pis. 119:1, 9-16.

Pakugadzirira hurukuro yako, nyatsofunga kuti uchagumisa sei pfungwa huru imwe neimwe uye hurukuro yose zvayo. Zvaunogumisira kutaura kazhinji ndizvo zvinoyeukwa kwenguva refu. Zvichava zvakanaka here?

Pakutaura Nevaunonamata Navo. Vashumiri vaJehovha vanoonga mikana yokuwadzana pamisangano yechiKristu. Idzi inguva dzokuzorodzwa nemashoko anokurudzira. Bhaibheri rinoti tifunge nezvoku‘kurudzirana’ patinoungana panzvimbo dzatinonamatira. (VaH. 10:25) Izvi hazvingoitwi nehurukuro uye kupindura panenge pachiitwa misangano asiwo nokukurukurirana misangano isati yatanga uye yapera.

Kunyange zviri zvomuzvarirwo kuti tikurukure nezvoupenyu hwezuva nezuva, kukurudzira kukuru kunobva pakukurukura zvinhu zvine chokuita nokunamata. Izvi zvinosanganisira zviitiko zvinotinakidza mubasa dzvene. Kuratidza kufarirana kwakanaka kunokurudzirawo.

Tinofanira kungwarira pamusana pezvinoitwa nenyika yakatipoteredza. Paainyorera vaKristu muEfeso, Pauro akati: “Saka, zvino zvamakabvisa nhema, mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake.” (VaEf. 4:25) Kutaura chokwadi pane nhema kunosanganisira kusarumbidza zvinhu uye vanhu vanonamatwa nenyika. Saizvozvowo, Jesu akanyevera nezve“simba rinonyengera repfuma.” (Mat. 13:22) Saka pakutaurirana, tinofanira kuchenjerera kuti hatitsigiri unyengeri ihwohwo nokurumbidza kuva nepfuma.—1 Tim. 6:9, 10.

Pakupa zano rokudiwa kwokukurudzira, muapostora Pauro anotikurudzira kusatonga kana kuzvidza hama ingarega zvimwe zvinhu pamusana pokusava ne“simba mukutenda kwake,” kureva kuti pamusana pokuti haanzwisisi zvakakwana rusununguko rwechiKristu. Chokwadi, kuti kukurukurirana kwedu kukurudzire vamwe, tinofanira kufunga nezvezvavari uye ukuru hwavo mukuziva Mwari. Zvaizosuruvarisa sei kuisa “chigumbuso kana chinoparira kugumburwa pamberi pehama” kana kuti hanzvadzi!—VaR. 14:1-4, 13, 19.

Somuenzaniso, vaya vanorarama vachitambura nezvinetso zvakakomba—zvakadai sechirwere chisingaperi—vanoonga kukurukurirana kunokurudzira. Munhu akadaro angatoita zvokutamburira kuti apinde misangano. Vaya vanoziva zvaari vangabvunza kuti: “Muri kunzwa sei?” Hapana mubvunzo kuti achaonga kuva nehanya kwavo. Zvisinei, utano hwake hausi ihwo nyaya yaanganzwa ichikurudzira kwazvo kutaura nezvayo. Mashoko okuongwa nokurumbidzwa angaita zvakawanda kuti afare. Unoona uchapupu hwokuti anoramba achida Jehovha uye hwokutsungirira kwake pamamiriro ezvinhu akaoma here? Unokurudzirwa paanopindura here? Zvinganyanya kukurudzira here kana ukataura nezvezvakanaka zvake uye zvaanoita muungano pane kutaura nezvourema hwake?—1 VaT. 5:11.

Kuti kukurukurirana kwedu kukurudzire, zvinonyanya kukosha kufunga maonero aJehovha zviri kukurukurwa. MuIsraeri yekare, vaya vaitaura zvakaipa nezvevamiririri vaJehovha vachinyunyuta nezvemana vakatsamwirwa zvikuru naMwari. (Num. 12:1-16; 21:5, 6) Tinoratidza kuti takabatsirwa nemienzaniso iyoyo patinoremekedza vakuru nokuonga zvokudya zvinotisimbisa pakunamata zvinopiwa nokuboka romuranda akatendeka, akangwara.—1 Tim. 5:17.

Kuwana zvinhu zvinobatsira zvokutaura nezvazvo patinenge tiine hama dzedu dzechiKristu kazhinji hakunetsi. Zvisinei, kana mashoko omumwe ari okunyanyotsoropodza, iwe tanga kuchinja nyaya kuti mutaure zvinokurudzira.

Tingave tichipupurira vamwe, tichitaura tiri pachikuva, kana kuti tichitaura nevatinonamata navo, ngatiratidze kuti tinonzwisisa kuti tibudise papfuma yemwoyo yedu “shoko rose rakanaka nokuda kwokuvaka sezvingave zvichidikanwa, kuti ape zvinofadza kuvanonzwa.”—VaEf. 4:29.

MAITIRWO AZVO

  • Ramba uchifunga kuti basa redu nderokuparidza mashoko akanaka.

  • Iva anokurudzira pane kutsoropodza.

  • Iva nemaonero akanaka vaya vaunotaura navo.

  • Pakukurukurirana, funga kuti zvaunotaura zvingaitei pane wauri kutaura naye.

BASA ROKUITA: Shanyira mumwe munhu akaremara kana kuti asingakwanisi kubva pamba pake. Tanga kukurukura naye zvinokurudzira. Ratidza kuti unonzwira tsitsi, asi zvaunotaura ngazvirambe zvichikurudzira. Fanoronga kuti uite izvi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe