Kuzvipa Timene Nomwoyo Wose
1 Wezvamapisarema Dhavhidhi akaporofita kuti vanhu vaJehovha “vachazviisa nomwoyo wose”; ndiko kuti, se“vazvipiri vanokurumidza.” (Pis. 110:3, mashoko omuzasi, NW) Zvirokwazvo ikoku kuri kuzadzikwa pakati pesangano redu renyika yose rehama. Mukati merimwe nerimwe ramakore ebasa mana apfuura, vanhu vaJehovha vakapa maawa anopfuura bhiriyoni kukuparadzira mashoko akanaka oUmambo. Uye kune nzira dzakawanda, mukuwedzera kubasa rokuparidza nokuita vadzidzi, dzatinogona kuzvipa timene nokudisa kubetsera vamwe.
2 Nzira Dzatinogona Kuratidza Nadzo Kudisa Kwedu: Vamwe vari muungano vangada betsero yokusvika kumisangano. Huregererei kuzvipira kuenda navo? Vamwe vangave vachirwara, ndonda, kana kuti vaiswa kuchipatara. Ungagona here kutanga kuvashanyira kana kuti kubetsera neimwe nzira? Pangave pane munhu kana kuti mhuri inoda kurudziro. Wakafunga kukoka vakadaro kuti vave mufundo yako yemhuri panhambo nenhambo here? Piyona kana kuti muparidzi angada muperekedzi muushumiri. Huregererei kuzvipa kushanda pamwe chete mubasa? Idzi dzimwe dzenzira idzo tinogona kuita nokuzvidira nadzo kuavo vane ukama nesu mukutenda.—VaG. 6:10.
3 Hama dzinogona kuratidza kudisa kwadzo kushandiswa musangano raJehovha kupfurikidza nokuvavarira zvikwaniriso zvavakuru navabatiri vanoshumira. (1 Tim. 3:2-10, 12, 13; Tito 1:5-9) Sezvo tinopfuurira kukura munhamba, kune kudikanwa kwehama dzinokwanirisa dzinodisa kutungamira mukuparidzira nokudzidzisa uye mukufudza ungano.—1 Tim. 3:1.
4 Zvichida vamwe vedu tinogona kuzviita timene vanowanika nokuda kwebasa raJehovha kuukuru hukuru kupfurikidza nokunyoresa samapiyona ebetsero panguva nenguva. Ipapo zvakare, negadziridzo shomanene dzinomufungo murudungwe rwedu, tingakwanisa kuita kudaro nguva dzose kana kuti kunyange kutora basa roupiyona hwenguva dzose. Mamiriro ezvinhu edu akadaro zvokuti tinogona kutamira kunharaunda ine dikanwo huru yebetsero here? Tingagona kuzviita timene vanowanika kubatira paBheteri uye nokudaro kubetsera zvakananga fambiro mberi yebasa remunyika yose here? Zvizhinji zviri kuitwawo mukuvakwa kweHoro dzoUmambo, Horo dzaMagungano, uye zvivako zvemapazu kupote nyika, umo kudisa kushanda kuri kudikanwa zvikuru. Avo vakazvipa vamene nokuda kweaya mabasa akaisvonaka vanoongwa zvikuru kwazvo, uye vakakomborerwa zvikuru!—Ruka 6:38.
5 Idzi inguva dzinofadza. Jehovha, kupfurikidza nemudzimu wake, ari kuita basa rinoshamisa pasi pano navanhu vake vanodisa! Papi kana papi apo Jehovha, kupfurikidza nesangano rake, anopa kokero yokugoverana mumubato woUmambo wakawedzerwa, tinoita zvakanaka kuzvibvunza timene kuti, ‘Ndichiri kuzvipa ndimene nokudisa here?’ Ipapo tinofanira kunzvera mwoyo wedu nemamirire ezvinhu nokunyengetera. Kuzvipira kwedu kwoumwari kuchatisunda kuita zvose zvatinogona mubasa dzvene, nokudaro tichiita kuti mwoyo waJehovha ufare zvikuru!—Zef. 3:17.