RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/95 p. 7
  • Inharidzanoi Dzamakagadzira Vana Venyu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Inharidzanoi Dzamakagadzira Vana Venyu?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Mufaro Webasa Renguva Yakazara
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Dzidzisa Vana Vako Kuti Vave Vashumiri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Kuvaka Mhuri Yakasimba Mumudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Pwere—Ndedzipi Dziri Vavariro Dzenyu Dzomudzimu?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 9/95 p. 7

Inharidzanoi Dzamakagadzira Vana Venyu?

1 Kubudirira muupenyu kunotsamira pakugadza uye kusvitsa nharidzano dzakakodzera. Avo vanoronda nharidzano dzisingakoshi kana kuti idzo dzisiri dzechokwadi vanoguma vaodzwa mwoyo uye vasina kugutsikana. Kunoda uchenjeri kuziva kuti ndedzipi vavariro dzokuronda kuitira kuti “[ti]batisise upenyu chaihwo.” (1 Tim. 6:19) Tinoonga sei kuti Jehovha, kupfurikidza neShoko rake uye sangano, anotiratidza nzira chaiyoiyo yokufamba nayo!—Isa. 30:21.

2 Mukugovera nhungamiro yorudo yakadaro, Jehovha anogadza muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwavabereki. Panzvimbo pokusiyira vana vavo vasina ruzivo rwokuzviwanira kuti vasarudze iri nzira yakanakisisa, vabereki vakachenjera vanovarovedza munzira yavanofanira kufamba nayo, uye apo ivo vanokura, hava“ngatsauki pairi.” (Zvir. 22:6) Vabereki vechiKristu vanoziva kubva muruzivo rwokuzviwanira kuti havagoni kuvimba nechisarudzo chavo vamene; vanofanira kuvimba naJehovha. (Zvir. 3:5, 6) Ichi chinodikanwa chinotova chikuru zvikuru nokuda kwavana, avo vakaganhurirwa muzivo nomuruzivo rwokuzviwanira.

3 Vabereki vanogona kuisa pamberi pavana vavo nharidzano dzakakodzera idzo dzichavabetsera kunangidzira ngwariro pa“zvinhu zvakanaka.” (VaF. 1:10) Ivo vanogona kutanga nefundo yemhuri, vachikurudzira vana kunzwisisa ukoshi hwayo uye kudzidza mairi. Kwakanaka kuti vana vawane muitiro wokufunda pachine nguva mberi nokuda kwemisangano yeungano uye kugadzirira kupa tsinhiro mumashoko avo vamene. Goverano yenguva dzose mubasa rokuparidza inokosha. Vana vaduku vanogona kugoverana kupfurikidza nokugovera maturakiti, kurava magwaro, kana kuti kugovera magazini. Apo vanenge vachikwanisa kurava, kunyoresa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari kunogona kukurumidzisa fambiro mberi yavo yomudzimu. Kukwanirisa somuparidzi asina kubhapatidzwa kana kuti kubvumwa nokuda kworubhapatidzo inhano huru yokufambira mberi.

4 Sezvo vana vavo vanosvika makore echiduku, kana kuti kunyange pamberi pezvi zvikuru, vabereki vanofanira kutaura chaizvoizvo kwavari pamusoro penharidzano dzebasa. Vapi vezano vezvikoro uye vomukirasi biyavo vanogona nyore nyore kuvapesvedzera kuda zvinorondwa zvenyika, zvokudisa zvenyika. Vabereki vanofanira kubatsira vana vavo kusarudza kosi dzokuchikoro idzo dzinogovera rovedzo inoshanda, vachivashongedzera kutarisira zvinodikanwa zvavo zvokunyama pasina kurega fariro dzoUmambo. (1 Tim. 6:6-10) Ivo vanogona kukurudzirwa kuronda “chipo” chokusaroora, uye ipapo gare gare, kana vakasarudza kuroora, ivo vachakwanisa kuita mitoro inorema yeroorano. (Mat. 19:10, 11; 1 VaK. 7:36-38) Kupfurikidza nokutaura nenzira yakanaka pamusoro pokupayona, kubatira uko kune kushayiwa kukuru, basa rapaBheteri, kana kuti mubato woufundisi, vabereki vanogona kuroverera muvana kunyange pazera duku chishuvo chokushandisa upenyu hwavo munzira inofadza Jehovha, inobetsera vamwe, uye inounza zvikomborero kwavari vamene.

5 Hakusati kuri netsaona kuti tine vaduku vakawanda kwazvo musangano nhasi avo vanoomerera kuzvinokosha zvikuru zvechiKristu uye kuronda nharidzano dzoumwari. Ukuru hwebudiriro yavo hunogona kuparirwa navabereki vane rudo. Kana uri mubereki, ndokupi uko vana vako vanoratidzika kuva vakananga? Ivo vari kufambira mberi nenzira inofambira mberi kuupenyu hwakanangidzirwa pafariro dzoUmambo here? Yeukai, chimwe chezvinhu zvinokosha zvikurusa chamunogona kuita ndechokuroverera zvokwadi muvana venyu, uye kutaura nezvayo zuva riri rose. Mungakomborerwa nemhuri yakatendeka mukubatira Jehovha.—Dheut. 6:6, 7; Josh. 24:15.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe