Tsvaka Avo Vane Ndangariro Yakarurama
1 Chimwe chinangwa chebasa rokuparidza ndechokuwana avo “vane ndangariro yakarurama nokuda kwoupenyu husingaperi.” (Mabasa 13:48, NW) Kuparadzirwa kwemagazini eNharireyomurindi neMukai! kwakabvumikisa kuva nzira yakaisvonaka yokuita nayo ikoku. Tichave tichigovera kuzvinyoresa mukati maApril. Tinovimba kuti, uko fariro inowanwa, tinogona kutanga fundo dzeBhaibheri itsva mubhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Hezvino zvimwe zvikarakadzo zvingashanda nokuda kwako:
2 Apo unenge uchishandisa “Nharireyomurindi” yaApril 1, ungasimbisa “Rumbidzai Mambo Asingagumi!,” iyo inonangidzira ngwariro pahurukuro yavose yekokorodzano yeruwa yegore rakapfuura, ndokuti:
◼ “Vanhu vakawanda vatinotaura kwavari vanotenda Mwari. Vamwe vanokuwana kwakaoma kumudavira. Munorangarira sei? [Bvumira mhinduro.] [Rava Pisarema 104:24.] Apo tinoona kamera kana kuti kombiyuta, tinobvuma nenzira iri nyore kuti inofanira kuve yakaitwa nomugadziri akangwara. Kwaizova kune mufungo here kutaura kuti zvinhu zvakaoma zvikuru kunzwisisa, zvakadai sepasi nesu vanhu, zvakavamba netsaona?” Shandisa ndima iri munyaya yacho kuratidza chikonzero chakanaka chokudavira Mwari, ipapo govera kuzvinyoresa.
3 “Nharireyomurindi” yaApril 15 ine nyaya inoti “Chikonzero Nei Kunamata Kwechokwadi Kuchiwana Chikomborero chaMwari.” Usati wairatidza, ungagona kubvunza, kuti:
◼ “Nemazana emarudzidziso ariko munyika, munofunga kuti ose angagona kuva achigamuchirika kuna Mwari here? [Bvumira tsinhiro.] Jesu akafanotaura kuti pasinei zvapo nokutaura kwevanhu vakawanda vorudzidziso, avo vasiri kuita kuda kwaMwari vaizorambwa. [Rava Mateo 7:21-23.] Kunokosha kuti tizivise rudzidziso rwechokwadi rwakadzidziswa naJesu.” Tendeukira kumusoro unoti “Rudzidziso Rwechokwadi Runofanira Kubereka Zviberekoi?,” uri papeji 16, uye kurukura muenzaniso mumwe kuti ujekese pfundo racho.
4 Pakusimbisa musoro mukuru uri mu“Mukai!” yaMay 8, “Apo Hondo Dzinenge Dzisisipozve,” ungarangarira kuti:
◼ “Muzana rino ramakore kwave kune mazana ehondo, kubatanidza hondo mbiri dzenyika. Bva vatungamiriri venyika vanodokuva vose vanotaura kuti vanoda rugare. Munhu ari wose wandinoziva anotaura chinhu chimwe chetecho. Kana munhu ari wose achida rugare, neiko vasingagoni kuruwana? [Bvumira mhinduro.] Munorangarira kuti chii chinodikanwa kuti tione rugare chairwoirwo pasi pano?” Pashure pemhinduro yasaimba, tendeukira kupeji 8 ne9 ndokurava magwaro akadai sePisarema 46:8, 9. Uchishandisa mifananidzo nemagwaro zvakanokorwa mashoko, ratidza kuti Umambo hwaMwari huchaunza sei rugare rwomunyika yose urwo ruchagara nokusingaperi. Govera kuzvinyoresa uye ronga kudzokera.
5 Kana uchiwana vakawanda vanotaura kuti vakabatikana, ungaedza izvi:
◼ “Tinofarira kubetsera vanhu vanorarama upenyu hwokubatikana uye vanowana nguva shomanene yokurangarira rutivi rwomudzimu rwoupenyu. Magazini edu, Nharireyomurindi neMukai!, akagadzirirwa kugovera mashoko akananga pamusoro penhau dzinokosha dzinotapura imi nemhuri yenyu. Ndingada kusiya aya makopi kuti murave.”
6 Zvirokwazvo vanhu vachabetserwa nokurava Nharireyomurindi neMukai!, ayo anounza “mashoko akanaka echimwe chinhu chiri nani.”—Isa. 52:7, NW.