RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/96 p. 4
  • Taura Zvokwadi Nomuvakidzani Wako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Taura Zvokwadi Nomuvakidzani Wako
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Tsvaka Avo Vane Ndangariro Yakarurama
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Nharireyomurindi naMukai!—Magazini Akakodzera Nguva Ezvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 5/96 p. 4

Taura Zvokwadi Nomuvakidzani Wako

1 Mumwe wemirayiro mikurusa miviri ndewokuti: “Unofanira kuda muvakidzani wako sewe umene.” (Mat. 22:39, NW) Rudo rwakadaro ruchatisunda kugoverana nomuvakidzani wedu chinhu chakanakisisa chatinacho—zvokwadi yatakawana muShoko raMwari. Sezvo magazini eNharireyomurindi neMukai! achiwedzera shoko reBhaibheri rezvokwadi, kuparadzira aya magazini mukati momwedzi waMay ndeimwe nzira yokuti ti‘taure zvokwadi nevavakidzani vedu.’—VaEf. 4:25.

2 “Mukai!” yaMay 8 inofanira kusimbiswa kusvikira dzaunadzo dzapera. Ungatanga mharidzo yako kupfurikidza nokubvunza, kuti:

◼ “Ndokupi kuri kuita kwenyu kunyika isina hondo? [Bvumira mhinduro.] Maiziva here kuti marudzidziso enyika anosimudzira chaizvoizvo hondo nokuuraya? [Bvumira mhinduro.] Mukupesana kukuru, cherekedzai izvo Bhaibheri rinotaura kuti vanamati vechokwadi vaMwari vachaita.” Rava Isaya 2:2-4 iri pamusoro pepeji 4 yemagazini yacho, uye ipapo papeji 10 rava ndima yokutanga iri pasi pomusoro muduku unoti “Kudana Kuvadi Vorugare.” Tevere, bvunza, kuti: “Munoziva here kuti Mwari achaita sei ikoko? Mhinduro inowanwa mumagazini ino, uye iyi ikopi yenyu yokuti murave.”

3 Pakugovera “Nharireyomurindi” yaMay 15, edza kunongedzera kuchiitiko chenhau chomunguva pfupi yapfuura icho chakaparira kuti vanhu vanzwe vasina kuchengeteka, uye ipapo bvunza, kuti:

◼ “Munofunga kuti kungadei kuita kuti tinzwe takachengeteka zvirokwazvo muupenyu huno? [Bvumira mhinduro.] Kutaura chokwadi, kunangana nemaidi here kuvimba navanhu kuti vapedze zvinetso zvakatarisana nerudzi rwomunhu? [Bvumira mhinduro; ipapo rava Pisarema 146:3.] Wezvemapisarema anotevera kutipa chikonzero chokuva vane tariro pamusoro penguva yemberi. [Rava Pisarema 146:5, 6.] Nyaya ino, ‘Chengeteko Yechokwadi, Zvino uye Nokusingaperi,’ inotsanangura chikonzero nei tichigona kuvimba naJehovha Mwari kuti aunze mamirire ezvinhu ari nani kupasi.” Karakadza kusiya magazini uye kudzokera kuzokurukura kuti kunobvira sei kufarikanya upenyu hwakachengeteka iye zvino.

4 “Mukai!” yaJune 8 inofanira kubata fariro yavanhu mose muri muviri mundima yepaimba neimba neyebhizimisi. Ungagona kuisuma kupfurikidza nokuti:

◼“Vakadzi vakawanda vakatambura kutyisa kwokunetswa mune zvevatano munzvimbo yebasa. Mamirire acho ezvinhu azova akakomba kwazvo zvokuti matare akavamba kuranga vatadzi ndokuripa vanyajambwa. Sebasa kunzanga, takabudisa uyu mushumo, uyo unobvisa ngano dzinozivikanwa navose pamusoro penhau yacho. Unogoverawo mifungo inoshanda nokuda kwavakadzi uye nokuda kwavarume pamusoro penzira yokuzvidzivirira vamene nayo pakuva nyajambwa kana kuti zvimwe munhu anopomerwa nokuda kwokunetsa mune zvevatano. Mungada kurava ichi chinyorwa chemagazini yeMukai! here? [Bvumira mhinduro.] Ndingafara kusiya iyi kopi nokuda kwomupiro muduku we$1,30.

5 Kana uchida hako mharidzo pfupi, ungaedza izvi:

◼ “Vakawanda vanorangarira kuti akawanda zvikurusa amagazini akakurumbira anhasi anosimbisa zvakanyanya zvokutengeserana, vatano, kana kuti masimba masimba. [Ratidza Nharireyomurindi neMukai!] Tiri kugovera aya magazini akaisvonaka ayo akavakirwa paBhaibheri. Anorayiridza zvikuru uye anotidzidzisa kunamata Mwari, kuda muvakidzani wedu, uye kuchengeta mufambiro wakarurama. Kana muchida henyu rudzi urwu rwezvokurava, ndinoziva kuti muchafarikanya zvamunowana muizvi zvinyorwa.”

6 Kana tichishingaira mukutaura zvokwadi nevavakidzani vedu, tingakwanisa kuunza mufaro mukuru kwazvo kuvakawanda.—Mabasa 8:4, 8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe