RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/96 p. 1
  • Vabetsere Kubatira Zvakare

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vabetsere Kubatira Zvakare
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Musakanganwa Vaya Vasingachaiti Basa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Vabatsirei Vasaverengera Kudzoka!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • “Dzokai Kwandiri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Bhokisi Remubvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 6/96 p. 1

Vabetsere Kubatira Zvakare

1 Achiziva ngozi yomudzimu inobvira nokuda kwavaKristu biyake, muapostora Pauro akanyora, kuti: “Zvino yatova nguva yokumuka kwenyu pahope; nokuti zvino kuponeswa kwedu kwava pedyo kupfuura zuva ratakatanga kutenda naro.” (VaR. 13:11) Pauro akanga achiitira hanya hama dzake idzo dzakanga dzava kutsimwaira mumudzimu; akanga achidisa kudzimutsidzira kumubato wakamutsidzirwa.

2 Kunogona kutaurwa zvirokwazvo kuti usiku hwenyika ino yekare hwapfuura uye kutanga kwenyika itsva kwava pamberi chaipo apa. (VaR. 13:12) Tine chikonzero chakanaka chokuitira hanya hama dzedu idzo dzakarega kusonganirana nesu savaparidzi vamashoko akanaka. Gore rebasa rapfuura, muZimbabwe moga, vaparidzi 534 vakamutsidzirwa. Tinogona sei kubetsera vamwe vasingachaiti basa kubatira Jehovha zvakare?

3 Izvo Vakuru Vanogona Kuita: Vakawanda zvikurusa vasingachaiti basa havana kusiya zvokwadi; vakangorega kuparidza nemhaka yokuora mwoyo, zvinetso zvomunhu oga, kudisa zvenyika, kana kuti dzimwe funganyo dzoupenyu. (Ruka 21:34-36) Kana zvichibvira, kuri nani zvikuru kwazvo kuvabetsera vasati vava vasingachaiti basa. Munyori weungano anofanira kuzivisa muitisi weFundo Yebhuku Yeungano apo muparidzi anova asiri wenguva dzose mukushuma mubato webasa. Gadziriro dzinogona kuitwa nokuda kweshanyo yokufudza. Vanofanira kuedza kuwana chisakiso chikuru chechinetso chacho uye kuti rubatsiro runogona sei kupiwa.—Ona Nharireyomurindi yaSeptember 15, 1993, mapeji 20-3.

4 Nzira Iyo Vamwe Vanogona Kubetsera Nayo: Vakawanda zvikurusa vedu tinoziva mumwe munhu akava asingachaiti basa. Angava munhu akanga ari pedyo zvikuru nesu munguva yakapfuura. Chii chatinogona kuita kuti tibetsere? Kuregererei kumbotsauka nokuda kweshanyo pfupi. Muudze kuti uri kushuva kuva naye. Iva anofara neane chivimbo. Ratidzira kuitira hanya kwako pasina kutaura kuti ari kurwara mumudzimu. Rondedzera zvakaitika zvinofadza kana kuti zvimwe zvinhu zvakanaka zviri kuitwa neungano. Muudze nenzira ine mbavarira pamusoro peKokorodzano Yoruwa ye“Nhume Dzorugare rwaMwari,” uye mukurudzire kupinda. Kusonganira zvakare neungano kungamubetsera zvikuru kupfuura chinhu chipi nechipiwo zvacho. Karakadza kuenda pamwe chete naye kumisangano. Zivisa vakuru nezvedavidzo yawakagamuchira.

5 Apo munhu akava asingachaiti basa anodzoka kumisangano, sezvinobvira achanzwa achinetseka apo anosangana naavo vaakaziva munguva yakapfuura. Usabvunza kuti, “Mave muripi?” Panzvimbo pezvo, ita kuti anzwe achigamuchirwa. Mubatanidze mukurukurirano. Musume kuavo vaasingazivi. Gara naye mukati momusangano, uchiva nechokwadi chokuti ane bhuku renziyo nezvinhu zviri kudzidzwa. Mukurudzire kudzoka, uye govera rubatsiro rwako kana pane dikanwo.

6 Vachiva nechidakadaka chikuru nokuda kwaavo vakatsauka, Jehovha naJesu vanofara apo vakadaro vanonaya mumudzimu. (Mar. 3:7; Mat. 18:12-14) Tinogona kuwana mufaro mumwe chetewo kana tikabudirira mukubetsera vamwe kubatira Jehovha zvakare.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe