RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/98 p. 7
  • Bhokisi Remubvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remubvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Musakanganwa Vaya Vasingachaiti Basa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • “Dzokai Kwandiri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Vabatsirei Vasaverengera Kudzoka!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 11/98 p. 7

Bhokisi Remubvunzo

◼ Zvichakafanira here kuitisa fundo yeBhaibheri hama kana hanzvadzi isingachaiti basa kana ukakumbirwa nemitezo yeDare Rebasa Reungano?

Vakuru vane mutoro wokufudza ungano, kubatanidza mitezo chero ipi zvayo isingachaiti basa. Vanoshanyira vanhu vakadaro ndokuona kuti vanoda kubatsirwa papi. Kana zvichidiwa, izvi zvingabatanidza kuita kuti munhu wacho asingachaiti basa abatsirwe nefundo yeBhaibheri. Takarongwa Kupedza Ushumiri Hwedu, peji 103, rinorondedzera kuti Dare Rebasa Reungano ringasarudza kuti ndiani angabatsirwa nayo.

Mutariri webasa anoona kuti ndiani anogona kunyatsobatsira, inhau dzipi dzinofanira kufundwa, uye ibhuku ripi ringanyanyobatsira. Zvichida akatanga kufunda nemunhu wacho kana kuti mumwe munhu waanoziva nokuremekedza angava anogona kubatsira zviri nani. Hanzvadzi inokwanisa yakakura mumudzimu ingakumbirwa kubatsira imwe hanzvadzi isingachaiti basa. Kazhinji pangasadiwa kuti mumwe muparidzi aperekedze muitisi apiwa basa racho. Kana apiwa basa racho, muparidzi ari kuitisa fundo angaverenga nguva, dzokerero, nefundo.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo, hwaNovember 1997 mapeji 1-2.

Mudzidzi wacho zvaari munhu akabhabhatidzwa, kazhinji fundo yacho haifaniri kupfuurira kwenguva refu. Chinangwa chacho ndechokubatsira munhu asisaiti basa kuti atangezve kupinda misangano yose yeungano nokuva muparidzi wenguva dzose wemashoko akanaka. Mutariri webasa achacherechedza kufambira mberi kwefundo dzakadaro. Kubatsira uku kwerudo kunofanira kupedzisira kwaita kuti hama idzi nehanzvadzi dzikwanise kutakura mutoro wadzo dzoga pamberi paJehovha kuti dzi“dzike midzi uye [dzi]simbiswe” muchokwadi.—VaEf. 3:17; VaG. 6:5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe