RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/07 p. 8
  • Musakanganwa Vaya Vasingachaiti Basa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Musakanganwa Vaya Vasingachaiti Basa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • “Dzokai Kwandiri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Bhokisi Remubvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Vabatsirei Vasaverengera Kudzoka!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 2/07 p. 8

Musakanganwa Vaya Vasingachaiti Basa

1. Nei tichifanira kukurudzira vaya vasingachaiti basa?

1 Unoziva mumwe munhu asingachaiti basa here? Zvimwe akarega kuwadzana neungano uye akatorwa nenyika. Ungave wakasangana nomunhu akadaro pawaiita ushumiri hwepaimba neimba. Tinofanira kuyeuka kuti munhu wacho achiri hama yedu mune zvokunamata. Tinoda kumuratidza kuti tinomuda tomubatsira kuti adzoke kuungano uye ‘kumufudzi nomutariri wemweya yedu.’—1 Pet. 2:25.

2. Tingakurudzira sei munhu asingachaiti basa?

2 Ratidza Kuti Une Hanya: Kumboridza runhare kana kuti kushanya kwekanguva kungavimbisa asingachaiti basa wacho kuti hatina kumukanganwa. Chii chatingataura? Tingave tichikurudzira kana tikangomuudza kuti tange tichimufunga. Ita kuti kukurukurirana kwacho kurambe kwakanaka uye kuchivaka. (VaF. 4:8) Tingataura imwe pfungwa yakatinakidza pane mumwe musangano uchangopfuura. Tinogona kumukokawo kumusangano kana kuti kugungano rinotevera tomuudza kuti tichamuchengetera pokugara kana kuti tichamupa chokufambisa.

3. Imwe hanzvadzi yakatangazve sei kuita basa?

3 Imwe hanzvadzi yaive yava nemakore 20 isingachaiti basa yakawanikwa mundima. Kunyange zvazvo yakanga isingadi kudzidza Bhaibheri, hanzvadzi yakaiona yakadzokazve ichiisiyira magazini matsva. Gungano reruwa rapera, muparidzi wacho akakurukura dzimwe pfungwa dzegungano nehanzvadzi iya yakanga isingachaiti basa, uye pakupedzisira yakatangazve kuita basa.

4. Tinofanira kuita sei nomumwe munhu anotangazve kuwadzana nevamwe achipinda misangano?

4 Mumwe Munhu Paanodzoka: Kana hama isingachaiti basa ikatanga kuuya kumisangano, tinofanira kuita sei? Chokwadika, Jesu akaita sei nevadzidzi vake pashure pokunge vambomusiya? Akataura noushamwari nezvavo achivati “hama” dzake uye akaratidza kuti aiva nechivimbo navo. Akatovapa basa rinokosha. (Mat. 28:10, 18, 19) Nokukurumidza pashure pacho, vakanga vatobatikana vachizivisa mashoko akanaka “vasingaregi.”—Mab. 5:42.

5. Taura mamiriro ezvinhu atinofanira kutaura nevakuru nezvomunhu asingachaiti basa.

5 Tisati tatanga kudzidza Bhaibheri nomunhu anga asingachaiti basa kana kuti tisati takoka hama yave nenguva isingachaiti basa kuti iende nesu muushumiri, tinofanira kutanga tabvunza vakuru. Kana tikasangana nomuparidzi asingachaiti basa mundima yedu, tinofanira kuzivisa vakuru kuitira kuti vabatsire sezvingadiwa.

6. Tingawana mufaro wechii nokubatsira vaya vasingachaiti basa?

6 Sezvinonyatsoratidzwa neBhaibheri, vaya vanomhanya nhangemutange kusvika kumagumo ndivo vachaponeswa. (Mat. 24:13) Saka cherechedza vaya vangave vagumburwa kana kuti kutorwa nenyika. Kana tikaratidza nokushivirira rudo rwaJehovha nokunyatsofarira vanhu vakadaro, tingafara kuvaona vachitangazve kuita basa ravo dzvene pamwe nesu.—Ruka 15:4-10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe