Bhokisi Remibvunzo
◼ Matanhoi anofanira kutorwa apo mudzidzi weBhaibheri anoshuva kuva muparidzi asina kubhapatidzwa uye gare gare anoda kubhapatidzwa?
Pashure pokunge mudzidzi weBhaibheri apinza zivo uye apinda misangano kwenguva yakati, angada kuva muparidzi woUmambo. Papfundo rino, Chapupu chiri kuitisa fundo yeBhaibheri yacho chinofanira kuona mutariri anotungamirira uyo ipapo anoronga kuti mukuru ari muDare Rebasa nomumwe mukuru uyo akarovedzana nomutsva wacho vasangane nomudzidzi weBhaibheri nomudzidzisi wake.
Kurukurirano yacho ichava yakavakirwa pamapeji 98 ne99 ebhuku raTakarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu. Kana vakuru vaviri vakacherekedza kuti mudzidzi anodavira dzidziso huru dzeBhaibheri uye akawiriranisa upenyu hwake nenheyo dzoumwari, vachamuzivisa kuti zvino anokwanirisa kugoverana muushumiri hwapachena. Pashure pokunge mudzidzi wacho apinza mushumo wake wokutanga webasa romumunda, ungano ichaziviswa kuti uyu munhu zvino ava muparidzi asina kubhapatidzwa.
Chii chinofanira kuitwa apo mudzidzi zvino anofambira mberi kusvikira kupfundo rokushuva rubhapatidzo? Mudzidzi wacho anofanira kuzivisa chishuvo chake kumutariri anotungamirira uyo acharonga kuti vakuru vatatu vakasiyana-siyana vahwirudzure naye mibvunzo iri pamapeji 175 kusvikira ku218 ebhuku raTakarongwa. Mativi mana ayo mibvunzo yacho yakakamurwa kuva angafukidzwa mumarusando matatu, Rutivi III neIV achiva anobatanidzwa murusando rumwe. Kana vakuru vakabvumirana kuti muparidzi asina kubhapatidzwa ane nzwisiso ine mufungo yedzidziso dzeBhaibheri uye anokwanirisa mudzimwe nzira, vachamuzivisa kuti angabhapatidzwa pamukana uri pedyosa. Somugumisiro wetsauriro yake norubhapatidzo, anova “akaiswa chiratidzo” nokuda kworuponeso.—Ezek. 9:4-6, NW. (Onawo w96-CA 1/15 mapeji 16, 17.)