Unotii Kumuchina Wokudavira?
Runhare inzira inobudirira yokupupurira vanhu vasingawanikwi pamusha kana kuti vanogara mundima dzinonetsa kusvika. Zvisinei, vanhu vakawanda havadaviri runhare—muchina wokudavira unovadavirira. Izvi pazvinoitika, ungaita sei? Usaisa runhare rwacho pasi. Asi iva nemhinduro yakanyatsogadzirirwa yakanyorwa yaungaverenga parunhare rwacho. Dzidzira kuita izvozvo neinzwi rakanaka, rokukurukurirana. Ungatii?
Ungakoka saimba noushamwari kuti azopinda Musangano Wavose unotevera paHoro yoUmambo. Ungati: “Ndine urombo kuti handina kukuonai pamusha. Kana mungada kunzwa hurukuro inobva muBhaibheri nezve[musoro wehurukuro yavose], ndapota uyai kuHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha. Voruzhinji vanokokwa. Hapana mari inombokumbirwa.” Ipapo taura zvakajeka zuva nenguva zvomusangano wacho, uye taura kero yomugwagwa kana kuti rondedzera nzvimbo yacho ine Horo yoUmambo.
Svinurira vatsva vapi nevapi vangapinda misangano, vaudze kuti ndiwe ani, uye ita kuti vanzwe kuti vanogamuchirwa. Usakanganwa kutaura nezvechidzidzo cheBhaibheri chapamusha chapachena!