RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/96 p. 1
  • Wakaedza Kupupura Kwemanheru Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wakaedza Kupupura Kwemanheru Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Ungachinjira Purogiramu Yako Kune Zvinodiwa Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Ungaita Ushumiri Hwemanheru Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Kutsvaka Vakafanira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Paridza Mashoko Akanaka Kwose Kwose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 7/96 p. 1

Wakaedza Kupupura Kwemanheru Here?

1 Tose zvedu tinowana mufarwa mukuva vanobudirira mubasa redu. Kune rumwe rutivi, apo tinenge tisingakwanisi kuona migumisiro yakanaka, basa rinogona kuva rinofinha nerisingagutsi. Basa rine revo rinotusa munhu amene, uye chikomborero. (Enzanisa naMuparidzi 3:10-13.) Tinogona kushandisa iyi nheyo kubasa redu rokuparidza. Tinoziva kubva muruzivo rwokuzviwanira kuti apo tinoenda pasuo nesuo uye tichikwanisa kukurukura navanhu pamusoro peBhaibheri, tinodzokera kumba tazorodzwa mumudzimu. Tinonzwa kuti taita chaizvoizvo chimwe chinhu.

2 Munharaunda dzakati kwazova kwakaoma zvikuru kuwana vanhu pamusha mukati memaawa akati ezuva. Mishumo inoratidzira kuti munzvimbo dzakawanda inopfuura 50 muzana yavanhu havasi pamusha apo tinoshanya pakuvamba mukati mezuva. Ungano dzakawanda dzakabata neichi chinetso kupfurikidza nokuita gadziriro dzokupupura kwamanheru, uye dzakava nebudiriro yakanaka. Vaparidzi vanoshuma kuti apo vanoshanya mukupera kwezuva, vanhu vakawanda vanenge vari pamusha, uye kazhinji kazhinji, vanhu vanowanzova vakasununguka zvikuru uye vanoda zvikuru kuteerera shoko roUmambo. Wakaedza kupupura kwamanheru mundima yenyu here?—Enzanisa naMarko 1:32-34.

3 Vakuru Vanoronga Kupupura Kwamanheru: Mune dzimwe nharaunda misangano yebasa romumunda mumasikati makuru kana kuti pakuvamba mumanheru yakasanotsigirwa. Kurangarira kunogona kupiwa vaparidzi vaduku avo vanobuda muchikoro mumasikati uye kuvanhu vakuru avo vapedza basa ravo rokunyika mukunopera kwezuva. Vamwe vaparidzi avo vasingakwanisi kubuda mubasa romumunda pakupera kwevhiki vanowana kuti kupupura kwamanheru mukati mevhiki inzira inoshanda yokuti vave negoverano yenguva dzose mubasa rokuparidza.

4 Kune mibato yakasiyana-siyana yaunogona kupinda mairi mukati mokupupura kwamanheru. Unogona kupupura paimba neimba nemagazini kana kuti kushandisa bhuku rinogoverwa nokuda kwemwedzi wacho. Manheru inguva yakaisvonaka yokushanyira vanhu vave vasiri pamusha apo vaparidzi vashanya pakuvamba zvikuru mukati mezuva kana kuti pakupera kwevhiki. Kungavawo nendima yakanaka nokuda kwokupupura kwomumugwagwa, kuchikubvumira kuti uonane navanhu vari kuuya kumba vachibva kubasa. Vakawanda vanowana kuti manheru ndiyo nguva yakanakisisa yokuita shanyo dzedzokerero paavo varatidza fariro.

5 Iva Akangwara uye Akachenjera: Kubuda kwava kusvipa kana kuti pashure pokunge kwasvipa kungagona kuva kune ngozi munharaunda dzakati. Kwaizova kuchenjera kufamba muri vaviri vaviri kana kuti mapoka mumigwagwa yakasanovhenekerwa ndokushanyira misha kana kuti mafurati bedzi uko kune vimbiso yokuti uchave wakakotsekana. Apo unogogodza pasuo, mira apo unogona kuonekwa, uye zvizivise umene nenzira yakajeka. Iva anonzwisisa. Apo unocherekedza kuti washanya panguva isina kufanira, seapo mhuri inenge ichidya, karakadza kushanya pane imwe nguva. Kazhinji kazhinji kwakanakisisa kuganhurira kupupura kwako kumaawa apakuvamba emanheru, panzvimbo pokushanya nguva yapera, apo vanasaimba vangave vave kugadzirira kurara.

6 Tinokurudzira vose zvepachokwadi kuti vatsigire mibato yokupupura kwamanheru panguva ipi kana ipi apo kunobvira. Sezvatinoitira Mwari “basa rinoyera masikati nousiku,” Jehovha achakomborera zvirokwazvo nhamburiko dzedu.—Zvak. 7:15, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe