Ungachinjira Purogiramu Yako Kune Zvinodiwa Here?
1. Nei tichifanira kuchinjira purogiramu yedu kune zvinodiwa pakuparidza?
1 SevaKristu vechokwadi, takabvuma basa rokuva “vabati vevanhu.” (Mat. 4:19) Kungofanana nevabati vehove chaivo, tingangova nemigumisiro yakanaka mubasa rokubata vanhu kana tikaronga kuparidza, vanhu pavanenge vachiwanika. Zuva rava kunovira uye panguva yorubvunzavaeni, vanhu vakawanda vanenge vava pamba. Kazhinji vanenge vakadekara zvavo uye vangangoda kugamuchira vaeni. Unogona here kuchinja purogiramu yako kuti uparidzire panguva iyoyo?—1 VaK. 9:23.
2. Ndedzipi dzimwe nzira dzatingaudza nadzo vanhu vakawanda mashoko akanaka?
2 Kuparidzira Manheru: Kufanoronga kuti tiparidzire manheru kungaita kuti tigone kuudza vanhu vakawanda mashoko akanaka. (Zvir. 21:5) Vechiduku vangakwanisa kuparidza vabva kuchikoro. Vamwe vangakwanisa kudaro pavanenge vabva kubasa. Mamwe mapoka ezvidzidzo zvebhuku angaronga kuparidza kweawa asati atanga chidzidzo chevhiki nevhiki.
3. Inzira dzipi dzaunogona kuparidzira nadzo zuva rava kunovira uye panguva yorubvunzavaeni mundima yenyu?
3 Kuparidzira paimba neimba zuva rava kunovira uye panguva yorubvunzavaeni kungaguma nokukurukura nevaya vanowanzova vasiri pamba. Mundima zhinji, basa romumugwagwa nedzimwe nzira dzokuparidzira nadzo munzvimbo dzinowanika vanhu zvinogona kuitwawo manheru. Uye vazhinji vanoona manheru senguva yakanaka chaizvo yokudzokerazve uye kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu.
4. Nei zvichikosha kuti tiratidze kuti tinonzwisisa uye kuti tine hanya patinenge tichiparidzira manheru?
4 Kunzwisisa Kunodiwa: Kusarudza zvakanaka kunodiwa patinenge tichiparidzira manheru. Kazhinji, zvakanaka kungoita uchapupu panguva yorubvunzavaeni chete, pane kushanyira vanasaimba zvimwe vava kugadzirira kurara. (VaF. 4:5) Paunogogodza pasuo, mira paunogona kuonekwa, uye nyatsovaudza kuti ndiwe ani. Kurumidza kutaura kuti wavingei. Kana ukashanya panguva isina kukodzera, zvakadai sokuti mhuri yacho iri kudya, kumbira kuzoshanya pane imwe nguva. Nguva dzose iva nehanya nevamwe.—Mat. 7:12.
5. Tinogona sei kunzvenga ngozi dzingangovapo patinenge tichiparidzira?
5 Tinofanirawo kungwaririra nezvengozi dzingavapo. Kana muri kuparidzira panguva yorubvunzavaeni kana kuti kwasviba, kuchenjera kufamba muri vaviri vaviri kana kuti mumapoka. Fambai mumigwagwa ine chiedza kwamunenge musiri moga. Paridzirai munzvimbo dzamunonzwa makachengeteka. Musaenda munzvimbo dzingava nengozi kana kwasviba.—Zvir. 22:3.
6. Kuparidzira zuva rava kunovira uye panguva yorubvunzavaeni kunobatsirei zvakare?
6 Kuparidzira zuva rava kunovira uye panguva yorubvunzavaeni kungaita kuti tishande nemapiyona ebetsero kana kuti enguva dzose. (VaR. 1:12) Ungachinjira purogiramu yako kune rudzi urwu rwebasa here?