Nzira Dzokuvandudza Nadzo Kuparidza Kwedu Umambo
1 Basa redu rokuparidza nderokukurumidza zvikuru zvino kupfuura nakare kose. Kana vanhu vachirarama kana kuti kufa kuchatsamira pakuita kwavo kumashoko akanaka. (1 Pet. 4:5, 6, 17; Zvak. 14:6, 7) Nokuda kwechikonzero ichochi tinofanira kutsvaka nguva dzose nzira dzokuvandudza nadzo kuparidza kwedu Umambo. Ndedzipi dziri dzimwe nzira dzokuita nadzo vandudziko?
2 Sanogadzirira: Uchishandisa chinyorwa chazvino choUshumiri Hwedu hwoUmambo, sarudza mharidzo yaunonzwa kuti ingafadza vanhu vakawanda zvikurusa vari mundima yako. Kunokosha kuchinjira tsinhiro dzako kumamirire ezvinhu omunzvimbomo. Kana kuti ungada hako kugadzirira mharidzo yako umene, uchishandisa mifungo naMagwaro ayo wakawana pachako kuva anobudirira. Uchada sumo inonyandura fariro. (Ona bhuku raKurangarira, mapeji 9-15.) Zvichida unoronga kubvunza mubvunzo unonyandura mufungo kana kuti kukumbira tsinhiro yasaimba pamusoro pechinhu chiri munhau chefariro yomunzvimbomo. Apo unenge wava nemharidzo yako mundangariro, irovedze nomutezo wemhuri kana kuti mumwe muparidzi uyo anogona kupa zvikarakadzo nokuda kwokuvandudzika kwako.
3 Kurukura Navanhu: Chinangwa chedu ndechokusvitsa shoko rinokosha. Ikoku kunogona kuitwa kupfurikidza nokupinza muteereri wedu mukurukurirano ine revo. Kana saimba akamutsa chirambidzo kana kuti akapa mumwe mufungo, sanoteerera zvaanotaura. Tsinhiro dzake dzichakubetsera kupa mhinduro yapaMagwaro yetariro iri mukati mako. (1 Pet. 3:15) Kana murangariro wake usingawirirani neBhaibheri, nenzira yokungwarira pakutaura ungati: “Vanhu vakawanda vanorangarira sezvamunoita. Bva, heino imwe nzira yokurangarira nayo nhau yacho.” Ipapo rava rugwaro rwakakodzera, uye wana tsinhiro yake.
4 Iva Norudungwe Runochinjika: Kuva akasanogadzirira kuchava kwebetsero shomanene kana usingakwanisi kutaura kuvanhu. Nhasi kunozivikanwa navose kuwana vanasaimba vashomanene bedzi pamusha apo tinoshanya. Kana zvirizvo zvazvakaita mundima yako, edza kugadziridza rudungwe rwako kuti ugone kushanda paimba neimba apo vanhu vakawanda vanenge vari pamusha. Ungawana kuti nguva yakanakisisa yokushanya ndipo pakupera kwevhiki; vamwe vangava vanowanikwa zvikuru mukati mevhiki asi mumaawa apakuvamba amanheru. Mune dzimwe nharaunda vaparidzi vanokuwana kuchibetsera kupupura pamazororo enyika nemhaka yokuti vanowana vanhu vakawanda zvikuru pamusha. Vanhu vanowanzova vari muchimiro chokufaranuka uye vangava vanodisa zvikuru kukurukura panguva dzakadaro. Kwaizova kwakanaka kuchinjira sumo yako kunhambo yacho uye ipapo kubatanidza tsinhiro dzako nomusoro wapaMagwaro.
5 Nzvera Kubudirira Kwemharidzo Yako: Pashure pokubva pasuo rimwe nerimwe, zvibvunze umene, kuti: ‘Ndasvika mwoyo wasaimba here? Ndaita kuti ataure ndokupa ngwariro kune zvaaitaura here? Ndapindura nenzira yokungwarira pakutaura here? Mukurangarira mamirire ezvinhu, ndashandisa kusvika kwakanakisisa here?’ Kungava kunobetsera kushanda nomuparidzi ane ruzivo rwokuzviwanira kana kuti piyona nguva nenguva uye kusanoteerera mharidzo dzake uchirangarira kuvandudza kubudirira kwako umene muushumiri.
6 Kana une unyanzvi mubasa rako, uchakwanisa kugoverana zvokwadi dzoUmambo idzo dzicha“ponesa iwe navanokunzwa.”—1 Tim. 4:16; Zvir. 22:29.