Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
Kuchengetwa kweChirangaridzo kuchava paSvondo, March 23. Vakuru vanofanira kupa ngwariro kuzvinhu zvinotevera:
◼ Mukugadza nguva yemusangano wacho, ivai nechokwadi chokuti zviratidzo hazvizofambiswi kutozosvikira pashure pekudoka kwezuva.
◼ Munhu ari wose, kubatanidza mukurukuri, anofanira kuziviswa nguva chaiyoiyo nenzvimbo nokuda kwekuchengeta kwacho.
◼ Rudzi rwakafanira rwechingwa newaini zvinofanira kuwanwa ndokugadzirirwa.—Onai Nharireyomurindi, yaFebruary 15, 1985, peji 17.
◼ Ndiro, magirazi, uye tafura yakafanira nejira repatafura zvinofanira kuunzwa kuhoro ndokuiswa munzvimbo pachine nguva mberi.
◼ Horo yoUmambo kana kuti imwe nzvimbo yemisangano inofanira kusanocheneswa pachine nguva mberi.
◼ Varindiri nevagoveri vanofanira kusarudzwa uye kurayiridzwa pachine nguva mberi pamusoro pemuitiro wakafanira uye mabasa avo.
◼ Gadziriro dzinofanira kuitwa dzokugovera vapi nevapi vevakazodzwa avo vari ndonda uye vasingakwanisi kuvapo.
◼ Apo kuchengeta kunopfuura kumwe kunorongwa muHoro yoUmambo imwe cheteyo, panofanira kuva netsinhirano yakanaka pakati peungano kuitira kudzivisa kuwandisa kusiri madikanwa mukamuri rekumirira, suo, panofambwa navose, uye munzvimbo yekupaka.