Chikamu 8—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
Kutungamirira Vadzidzi Kusangano
1. Nei zvichibatsira kukurukura pfungwa imwe nezvesangano raJehovha vhiki yoga yoga pachidzidzo cheBhaibheri?
1 Chinangwa chedu patinoitisa zvidzidzo zveBhaibheri hachisi chokungodzidzisa mashoko asiwo kubatsira vadzidzi kuti vave nhengo dzeungano yechiKristu. (Zek. 8:23) Bhurocha raZvapupu zvaJehovha—Ndivanaani? Zvinodavirei? rinogona kutibatsira kuita izvi. Siyira vadzidzi vatsva bhurocha racho, uye vakurudzire kuti variverenge. Uyezve, iva nemaminitsi mashomanana vhiki yoga yoga pamunodzidza okukurukura pfungwa imwe nezvesangano raJehovha.
2. Ungakurudzira sei vadzidzi veBhaibheri kuti vapinde misangano yeungano?
2 Misangano Yeungano: Nzira huru inoita kuti vadzidzi veBhaibheri vaonge sangano raMwari ndeyokupindawo nesu misangano yeungano. (1 VaK. 14:24, 25) Naizvozvo, ungatanga kuita kuti vazive nokutsanangura misangano mishanu yevhiki nevhiki, musangano mumwe panguva. Taura musoro wehurukuro yavose inotevera. Varatidze zvichadzidzwa paChidzidzo cheNharireyomurindi uye paChidzidzo Chebhuku Cheungano. Tsanangura nezveChikoro chaMwari Choushumiri noMusangano Webasa. Kana uine hurukuro pachikoro, zvimwe ungagona kudzidzira navo. Vaudze zvakakunakidza pamisangano yacho. Shandisa mifananidzo iri mumabhuku edu kuti uvabatsire kuona kuti zvinofamba sei. Vakoke kuti vapinde kubvira pachidzidzo chokutanga chaicho.
3. Zvinhu zvipi zvatingakurukura maererano nesangano?
3 Nguva yeChirangaridzo, magungano, kana kuti kushanya kwomutariri wedunhu zvainoswedera pedyo, shandisa maminitsi mashomanana kuti utsanangure ndokukurudzira chido chokuti avepo paurongwa uhwu. Zvishoma nezvishoma pindura mibvunzo yakadai seiyi: Nei tichinzi Zvapupu zvaJehovha? Nei tichidana nzvimbo dzedu dzokunamatira kuti Dzimba dzoUmambo? Vakuru nevashumiri vanoshumira vanoita mabasa api? Basa rokuparidza uye ndima zvinorongwa sei? Mabhuku edu anogadzirwa sei? Sangano redu rinowana sei mari? Ibasa rei rinoitwa nehofisi yebazi uye Dare Rinodzora pakutarisira basa?
4, 5. Mavhidhiyo edu anogona sei kuwedzera kunzwisisa kunoita vanhu sangano?
4 Mavhidhiyo Anodzidzisa: Vadzidzi veBhaibheri vanogona kuona sangano raJehovha rakaisvonaka nokuona mavhidhiyo edu. Vhidhiyo inonzi To the Ends of the Earth, inoratidza basa redu rokuparidza munyika yose; Our Whole Association of Brothers, inoratidza ukama hwatiinahwo pasi pose; uye United by Divine Teaching, inoratidza kubatana kwakaita Zvapupu zvaJehovha. Mumwe mukadzi akange achigamuchira magazini edu nemamwe mabhuku kwemakore mashanu akasvimha misodzi paakaona vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name. Akanga ava kuvimba neZvapupu zvaimushanyira, asi aona vhidhiyo yacho, akaona kuti aigonawo kuvimba nesangano racho. Akatanga kudzidziswa zvakarongeka, uye vhiki yakatevera, akapinda misangano paImba yoUmambo.
5 Tinogona kubudirira kutungamirira vadzidzi veBhaibheri kusangano rimwe bedzi riri kushandiswa naJehovha nhasi, kana tikapedza maminitsi mashomanana vhiki nevhiki tiine vatinodzidza navo uye tichishandisa zvokushandisa zviripo.