RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/97 p. 4
  • Tevera Fariro yeMashoko oUmambo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tevera Fariro yeMashoko oUmambo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Kukudziridza Kufarira Kwakakonzerwa neMashoko oUmambo Nha. 36
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Ratidza Kuitira Hanya Kwechokwadi Fariro Yose Yakawanwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • “Zvizhinji Zvokuita Mubasa raShe”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashandisiro Atingaita Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 11/97 p. 4

Tevera Fariro yeMashoko oUmambo

1 Mukati memavhiki mashomanene apfuura, tave tichifarikanya ropafadzo yekuparadzira Mashoko oUmambo turakiti Nha. 35 rine musoro unoti “Vanhu Vose Vachazombodanana Here?” Vaparidzi kwose kwose vari kuvavarira kusvika vakafanirwa vakawanda sevanobvira nechinyorwa ichi cheMashoko oUmambo. (Mat. 10:11) Kunyange zvazvo nhimbe yacho yakarongwa kuti igume nemusi weSvondo, November 16, kana kuchine imwe ndima inofanira kufukidzwa, vakuru vangakukumbirai kupfuurira kuparadzira Mashoko oUmambo turakiti Nha. 35 chero bedzi mugove weungano uchiripo.

2 Chinyorwa ichi cheMashoko oUmambo chakanyandura kufarira kwevanhu vakawanda. Vanoona kuti vanhu vose zvavo vakarasikirwa nechidakadaka chavo chemuzvarirwo uye nokudaro vanoshamisika kuti nguva yemberi ichave yakaita sei. (2 Tim. 3:⁠3) Tinoda kutevera kufarira kwose kwakawanwa.

3 Mashoko oUmambo Anowana Migumisiro: Munhimbe ya1995 yeMashoko oUmambo, mumwe mukadzi akagamuchira kopi imwe akauya kumusangano paHoro yoUmambo nemhaka yokuti aida kudzidza zvakawanda pamusoro pezvinodavirwa neZvapupu zvaJehovha. Pamusangano iwoyo akabvuma nokudisa fundo yeBhaibheri uye pashure pezvo aisambowanzopotsa misangano. Pasina nguva refu, akanga anyorera kuyaichimbova chechi yake, achigura songaniro yake!

4 Pari zvino, mazana evanhu vari mundima yacho vakarava shoko riri muMashoko oUmambo turakiti Nha. 35. Asi vakaita sei kushoko racho? Kunyange zvazvo vakaororwa nezvavakarava, vazhinjisa havaiti chiito kutozosvikira mumwe weZvapupu zvaJehovha avashanyira zvekare. Uri kuita gadziriro dzekudzokera here? Kuitira hanya kworudo vanhu biyedu kunofanira kutisunda kuita saizvozvo. Vose vakaratidza kufarira Mashoko oUmambo vanofanira kushanyirwazve.

5 Uchataurei Paunodzokera? Ungataura tsinhiro shomanene pamusoro pokukodzera nguva kweshoko riri muMashoko oUmambo uye ipapo ndokubvunza mubvunzo unonyandura kufunga. Teerera nokungwarira sezvo saimba anotaura kuitira kuti ugone kuziva zvaanofunga. Ipapo kwevera ngwariro kumufungo wakafanira uri mubhurocha raAnodei, rakadudzwa muMashoko oUmambo. Kana ukawana mhinduro yakanaka, edza kutanga fundo yeBhaibheri nokukurumidza.

6 Hedzino dzimwe mharidzo dzinokarakadzwa dzaungaedza paunodzokera kuavo vakaratidza kufarira “Mashoko oUmambo” turakiti Nha. 35.

◼ “Mungayeuka mashoko akadhindwa andakakusiyirai munguva pfupi yapfuura. Shoko raro rinobata nenhau inokosha inoparadzanisa rudzi rwomunhu nhasi—kusada vamwe.” Isa ngwariro paufakazi hunopiwa papeji 2 yeMashoko oUmambo pasi pomusoro unoti “Kuda Muvakidzani Kwakatonhora.” Ipapo bvunza kuti, “Munofunga kuti chinangwa chaMwari here kuti rudzi rwomunhu rurarame nenzira iyi?” Bvumira mhinduro. Enda kuchidzidzo 5 mubhurocha raAnodei, uye edza kutanga fundo yeBhaibheri.

◼ “Patakatanga kusangana, ndakakusiyirai mashoko pamusoro unoti ‘Vanhu Vose Vachazombodanana Here?’ Munofunga kuti nyika yakadaro inobvira here?” Bvumira mhinduro. Enda kuchidzidzo 6 mubhurocha raAnodei, uye rava ndima 6. Ipapo rava chipikirwa chaMwari chiri pana Mika 4:3, 4. Kana saimba wacho akaratidza kufarira, govera bhurocha racho uye karakadza fundo.

◼ “Pandakapedzisira kukushanyirai, ndakakusiyirai rimwe pepa rine musoro unoti ‘Vanhu Vose Vachazombodanana Here?’ Rakanga rine chikarakadzo chefundo yeBhaibheri yepachena yepamusha. Ndadzoka kuti ndizokuratidzai yamuro yefundo yatinoshandisa. [Ratidza bhuku raZivo.] Bhuku rino rinotsanangura zvakajeka nguva iyo vanhu vose vachadanana, uye rinopindura mimwe mibvunzo yamungashamisika nezvayo: Nei tichikwegura ndokufa? Nei Mwari achibvumidza kutambura? Chii chinoitika kuvadiwa vedu vanofa?” Ipapo bvunza kuti, “Ndingaenzanisira here kosi yacho yefundo kwamuri?” Kana saimba akaramba chikarakadzo chako, mubvunze kana angada kuzviravira bhuku racho. Kana achida, govera bhuku racho nomupiro wenguva dzose. Ronga kudzoka zvekare.

7 Kana ndima yangofukidzwa zvakakwana neMashoko oUmambo turakiti Nha. 35, tingagona kugovera bhuku raZivo mukati merutivi rwasara rwemwedzi. Mharidzo dzakaisvonaka dzakakarakadzwa dzakasarudzwa dzebhuku rino dzinogona kuwanwa papeji yeshure yeUshumiri Hwedu hwoUmambo muzvinyorwa zvaDecember 1995; March, June, uye November 1996; naJune 1997.

8 Uku kuparadzirwa chaiko kweMashoko oUmambo kunofanira kutisunda tose zvedu kuwedzera nhamburiko dzedu dzebasa rekuparidza. Nebetsero yaJehovha tinogona kuvimba kuti iyi nhimbe chaiyo ichabudirira zvirokwazvo, ichibetsera vanhu kuona chinangwa chaMwari chokuti vanhu vose vadanane. Jehovha ngaapfuurire kukomborera nhamburiko dzedu dzokushingaira sezvatinotevera fariro yose yeMashoko oUmambo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe