Kukudziridza Kufarira Kwakakonzerwa neMashoko oUmambo Nha. 36
1 Wakapedza here kuparadzira mugove wako weMashoko oUmambo Nha. 36? Rinobvunza mubvunzo unofambirana nenguva wokuti tose tifungisise unoti: “Mireniyumu Itsva—Nguva Yemberi Yakakuchengeterei?” Sezvo gore ra2000 rakanga rava kusvika, zvaitarisirwa kuti mireniyumu itsva yaizounza zvakanga zvakasiyana-siyana kwazvo. Mashoko oUmambo Nha. 36 rinotaura nezvezvimwe zvaitarisirwa izvozvo uye rinotiyeuchidza kuti mamiriro ezvinhu zvenyika haapi chikonzero chetariro. Mireniyumu bedzi ichaunza rugare nokuchengeteka zviri kutsvakwa navanhu vakawanda ndiko Kutonga kweMakore Ane Chiuru kwaKristu Jesu. Kuvimba kwatinoita nechokwadi choUmambo hwake kwave kuchitiita kuti tiparadzire Mashoko oUmambo Nha. 36 kumunhu wose watinogona.
2 Kudavidza Kwakaita Vanhu kuMashoko oUmambo: Kuparadzirwa kweMashoko oUmambo kwakaitwa munguva yakapfuura kwakaratidza kuva kunotikurudzira zvakaisvonaka mubasa redu. NezveMashoko oUmambo Nha. 35, bazi reCanada rakanyora kuti: “Iri basa chairo rakatsigirwa zvinofadza zvikuru navaparidzi namapiyona mumunda, uye pakava nezviitiko zvakawanda zvinokurudzira.” Pasina mubvunzo wakafarira zvakafanana kuparadzirwa kweMashoko oUmambo Nha. 36.
3 Basa rokuparadzira Mashoko oUmambo riri kuitwa iye zvino rakarongwa kuti ripere musi waNovember 17, 2000. Ndima yose yakapiwa ungano yenyu yapera here? Kana isina, vakuru vangakukumbirai kupfuurira nebasa racho kusvikira panopera November.
4 Vanhu vave vachidavidza sei kukuparadzirwa kweMashoko oUmambo Nha. 36 munharaunda yenyu? Vanhu vashomanana vachazadza kopani ndokukumbira bhurocha rinonzi Anodei uye/kana kuti chidzidzo cheBhaibheri chapamusha. Zvisinei, ruzhinji rwevaya vakatanga kufarira nyaya yemireniyumu zvimwe harwuiti chiito kusvikira mumwe weZvapupu zvaJehovha adzokerazve. Vose vakaratidza kufarira vanofanira kushanyirwazve. Ndirini pazvakanaka kuita izvi? Kudzokerazve kunofanira kuitwa nokukurumidza sezvinobvira.
5 Cherechedza zviitiko zvakavapo nemhaka yokudzokera kwakagoverwa Mashoko oUmambo Nha. 35. Mumwe piyona muIreland akasiyira muridzi weresitorendi Mashoko oUmambo. Mukadzi wacho akafadzwa neshoko racho uye akakumbira hanzvadzi yacho kuti idzoke. Hanzvadzi yacho yakadzokera kwapera mazuva maviri, uye chidzidzo cheBhaibheri chakatangwa. MuDenmark, turakiti reMashoko oUmambo rakasiyiwa pane imwe imba yakanga isina munhu. Zuva iroro chairo mukadzi aigara ipapo akatumira kopani kuhofisi yebazi, iyo yakazoripfuudza kuungano yomunharaunda make. Vhiki yacho isati yapera, hanzvadzi mbiri dzakashanya, vakaronga kudzidza, uye mukadzi wacho akapinda musangano wake wokutanga paHoro yoUmambo!
6 Zvokutaura Paunodzoka: Kudzokerazve kwakagoverwa Mashoko oUmambo kuri nyore zvikuru uye ndohumwe hwoushumiri hwedu hunonakidza. Paunoita izvi, zvingava zvakanaka kuti utakure turakiti reMashoko oUmambo Nha. 36, sezvo saimba angasava nerake. Ungaedza mazano aya.
7 Wayeuchidza saimba kuti ndiwe ani, ungati:
◼ “Ndakasiya turakiti rakanzi ‘Mireniyumu Itsva—Nguva Yemberi Yakakuchengeterei?’ Zvakanga zvisingakurudziri here kuverenga kuti munguva pfupi iri kutevera Kutonga kweMakore Ane Chiuru kwaKristu Jesu kuchatanga, kuchiunza mamiriro ezvinhu eParadhiso pasi pano? [Ratidza mifananidzo yeParadhiso iri muMashoko oUmambo Nha. 36.] Papeji yokupedzisira, munokumbirwa kuodha bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri?” Ratidza bhurocha racho, vhura chidzidzo 5, verenga mubvunzo wokutanga uye ndima yokutanga neyechipiri, uye kumbira saimba kuti atsanangure. Verenga uye tsanangura rugwaro rumwe kana kuti maviri. Kana zvichibvira, verenga mumwe mubvunzo nendima, zvadaro ronga kudzoka ndokupfuudzira kukurukurirana kwacho.
8 Sezvo bhurocha rinonzi “Anodei” kana bhuku rinonzi “Zivo” riri iro richazogoverwa pashure muna November ungati:
◼ “Pandakakushanyirai munguva pfupi yapfuura, ndakasiya turakiti re‘Mireniyumu Itsva—Nguva Yemberi Yakakuchengeterei?’ Rinotaura nezvechidzidzo cheBhaibheri chapamusha chapachena. Ndadzoka kuti ndizokuratidzai chatinoshandisa pakudzidza. [Ratidza bhurocha rinonzi Anodei, uye enda pabutiro rokupedzisira; kana kuti ratidza bhuku rinonzi Zivo, uye vhura mapeji 188-9.] Mireniyumu inotaurwa muBhaibheri ichaunza mamiriro ezvinhu akaita seamunoona pamufananidzo uyu. Kuti tikwanise kurarama muParadhiso, tinofanira kupinza zivo yakarurama yaMwari. Ndapota ndibvumirei kuenzanisira zvishoma madzidzire atinoita Bhaibheri.”
9 Kuparadzirwa kweMashoko oUmambo Nha. 36 kwatiita kuti tiwedzere basa redu muushumiri, tichiita uchapupu hwakaisvonaka. Zvichida izvi zvaita kuti vanhu vakawanda vari mundima vafarire. Tichibatsirwa naJehovha, kushingaira kwatinoita takabatana kukudziridza kufarira uku kuchaguma nokuwana kwedu vamwe vakafanana namakwai nomufaro.—Mat. 10:11; Mab. 13:48, 49, 52.