Ndedzipi Dziri Rongedzero Dzako Dzemwedzi Iri Mberi?
1 Hakusi kwechokwadi zvikuru here kuti tingangosvika zvinangwa zvedu zvakakodzera apo tinoronga kuti tinoshandisa zvakanakisisa sei nguva inowanika kwatiri? Mwedzi iri mberi inotipa mhatsa yemikana yokufambisira mberi fariro dzoUmambo. (Zvir. 21:5) Ndedzipi dzimwe dzaidzodzi?
2 Kokorodzano ye“Nzira yaMwari Youpenyu” ndechimwe chinoitika icho tose zvedu tinofanira kubatanidza murongedzero dzedu. Ronga nguva yokusava kubasa kana kuti kuchikoro kuitira kuti uvepo zuva rimwe nerimwe rekokorodzano yacho.
3 Kuregererei kuronga kuwedzera mubato wako webasa romumunda mukati memwedzi iri mberi? Nomwaka wemvura wapera, izvi zvingakubvumira kupedzera nguva yakawanda mubasa rokuparidza. Mazororo echikoro anopa vanhu vaduku mukana wokuita upiyona hwebetsero mukati momwedzi mumwe kana inopfuura iri kuuya. Vamwewo vanogona kuronga pachine nguva mberi kuita upiyona hwebetsero muna August, apo kuchava kune kupera kwamavhiki kushanu kwakazara namazororo enyika maviri. August uno, sezvo tinogumisa gore rebasa, nhamburiko yakarongwa ichaitwa kuti munhu wose agoverane zvizere sezvinobvira muushumiri.
4 Unoronga kuyamura ungano iri pedyo iyo inoda betsero mukufukidza ndima yayo here? Mutariri wedunhu anogona kuzivisa vakuru nezvezvinodikanwa zvomunharaunda yenyu. Kana kuti, kana uchikwanirisa uye ungada kukumbira kuSosaiti kufukidza ndima isingawanzoshandwa kana kuti isina kugoverwa, wana kumbiriso kuvakuru venyu. Kana uchizoenda kuzororo kure nomusha, ronga kupinda misangano nokugoverana mubasa romumunda neungano iri munzvimbo iyoyo. Kana ukashanyira hama dzokunyama dzisati dziri Zvapupu zvaJehovha, gadzirira pachine nguva mberi nzira dzaungagoverana chokwadi nadzo.
5 Ndedzipi dziri rongedzero dzako dzemwedzi iri mberi? Pasina mubvunzo unoda kuzvizorodza mumuviri. Asi usafuratira mikana inokosha zvikuru iripo kuti uzvisimbise mumudzimu kupfurikidza nokupfuurira kuisa Umambo pakutanga muupenyu hwako.—Mat. 6:33; VaEf. 5:15, 16.