Vavakidzani Vedu Vanofanira Kunzwa Mashoko Akanaka
1 Kuda kwaMwari “kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi.” (1 Tim. 2:4) “Vanhu vose” vangabatanidza vavakidzani vedu vose. Kuvasvika namashoko akanaka kunoda kuti tive vanochinjika mumharidzo dzedu uye vanoitira hanya chingafarira munhu mumwe nomumwe watinosangana naye. (1 VaK. 9:19-23) Sangano raJehovha rakagovera zvishandiso zvinogona kutibetsera kusvika mwoyo yaavo “vakatarirwa upenyu husingaperi.” (Mabasa 13:48) Ngationei kuti tinogona sei kushandisa mhatsa yamabhurocha mukati maJuly naAugust kuti tibate nezvinodikanwa zvomudzimu zvavavakidzani vedu.
2 Mabhurocha Anoshandiswa: Pasi apa uchawana pakarongwa zvikarakadzo zvingabetsera pakugovera mabhurocha akati. Chikarakadzo chimwe nechimwe chinobatanidza (1) mubvunzo unonyandura kufunga wokutanga nawo kurukurirano, (2) nongedzero kunogona kuwanwa mapfundo okutaura mubhurocha racho, uye (3) rugwaro rwakakodzera rungagona kuraviwa mukati mekurukurirano. Unogona kupedzisa yasara yemharidzo yacho mumashoko ako pachako, maererano nokudavidza kwomunhu wacho. Nokuda kwaakawanda zvikurusa amabhurocha acho, chinyorwa chakapfuura choUshumiri Hwedu hwoUmambo chinodudzwa kwauchawana mharidzo yakakwana yebhurocha racho.
Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?
Munofunga kuti itariroi iripo yokubetsera vanhu vakabatwa zvisina kufanira?—Mapeji 27-8, ndima 23-7; Isa. 65:17, 18; km-CA 7/97 p. 4.
Chii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana?
Nei kuri kuti vanhu vakawanda zvikuru kwazvo nhasi vanoratidzika sokuti havasi kugutsikana noupenyu hwavo?—Mapeji 29-30, ndima 2, 25-6; Pis. 145:16; km-CA 7/97 p. 8.
“Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva.”
Munofunga kuti kungadei kuti pasi rose ritarisike separadhiso?—Mufananidzo wepabutiro; Isa. 9:6, 7; km-CA 8/96 p. 8.
Hurumende Ichaunza Paradhiso.
Mungada kuziva pamusoro poUmambo uhwo Jesu akatidzidzisa kunyengeterera here?—Peji 3; Mat. 6:9, 10; km-CA 8/96 p. 8.
Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa.
Makambofunga here kuti munganyaradza sei mumwe munhu akarasikirwa nomudiwa murufu?—Peji 26, ndima 2-5; Joh. 5:28, 29; km-CA 7/97 p. 8.
Unofanira Kudavira Utatu Here?
Ko kunzwisisa kwedu rudzi rwechokwadi rwaMwari kunokosha nokuda kwenguva yedu yemberi here?—Peji 3, ndima 3, 7-8; Joh. 17:3.
3 Mamwe Mabhurocha: Wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary 1998 ine zvimwe zvinyorwa, kubatanidza mabhurocha, zvakagadzirirwa zvikuru kushandisa kupupurira kuvaBuddha, vaHindu, vaJudha, uye vaMuslim. Kwose kwazvakakodzera, aya mabhurocha angagoverwa kuvanhu vatinosangana navo. Unogona kuhwirudzura zvikarakadzo zviri pamapeji 4-6 ewedzero iyoyo pamwe chete nemapeji 21-4 mubhuku raKurangarira ndokukudziridza mharidzo pfupi dzinganyandura fariro yavanhu ava.
4 Rimwe bhurocha rakagadzirwa kubetsera vanhu vangave vakadzidza zvikuru asi vanoziva zvishomanene pamusoro peBhaibheri. Rakagadzirirwa kuvasunda kuti vade kunzvera Shoko raMwari. Pazvinenge zvakafanira, ungasarudza kugovera zvinotevera:
A Book For All People.
Mungabvuma kuti kuwana dzidzo yakakwana kunobatanidza kuwana zivo yakati yezviri muBhaibheri here?—Peji 3, ndima 1-3 uye peji 30, ndima 2; Mup. 12:9, 10.
5 Bhurocha Refundo yeBhaibheri: Chinangwa chedu muushumiri nguva dzose chinofanira kuva chokutanga fundo yeBhaibheri, zvimwe pashanyo yokutanga kana kuti pashanyo yedzokerero inotevera. Nechinangwa ichocho, tine bhurocha rinotevera riri nyore kushandisa kutanga ndokuitisa fundo dzeBhaibheri:
Mwari Anodei Kwatiri?
Maiziva here kuti mumaminiti 30 kana kuti mashoma vhiki imwe neimwe kwamavhiki 16, munogona kuwana nzwisiso inokosha yeBhaibheri?—Chidzidzo 2, ndima 6; 2 Tim. 3:16, 17; km-CA 3/97 p. 4.
6 Mumufananidzo waJesu womuSamaria ane mutsa, Jesu akajekesa kuti muvakidzani chaiyeiye ndouyo anoshandisa rudo nomutsa kuti abetsere mumwe ari munhamo. (Ruka 10:27-37) Vavakidzani vedu vari munhamo yomudzimu. Vanofanira kunzwa mashoko akanaka. Ngatitakure mutoro wokuagoverana navo, nokudaro tichizvibvumikisa kuva vadzidzi vechokwadi vaJesu Kristu.—Mat. 24:14; VaG. 5:14.