Paridzira “Vanhu Vemarudzi Ose”
1. Vaevhangeri vanobudirira vakafanana sei nenyanzvi dzinogadzira zvinhu?
1 Nyanzvi inogadzira zvinhu ine maturusi akawanda, uye inoziva nguva yokushandisa rimwe nerimwe uye mashandisirwo aro. Kufanana nayo, isu tine maturusi akasiyana-siyana anotibatsira kuita basa redu sevaevhangeri. Somuenzaniso, mabhurocha ane nyaya dzakasiyana-siyana akagadzirwa kuti atibatsire pakuparidzira “vanhu vemarudzi ose.” (1 VaK. 9:22) Wedzero iri muUshumiri huno ine mamwe emabhurocha aya, inotsanangura kuti akagadzirirwa vanaani, uye inoratidza kuti mabhurocha acho angagoverwa sei.
2. Ndirini patingashandisa mabhurocha muushumiri?
2 Ndirini Pangashandiswa Mabhurocha?: Nyanzvi inogadzira zvinhu inoshandisa turusi rakati pose parinenge richibatsira. Saizvozvowo, isu tingagovera bhurocha rakati pose patinoona kuti ringabatsira munhu, kwete bedzi mumwedzi yarinenge richigoverwa. Somuenzaniso, kana bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? riri iro riri kugoverwa uye tichiparidzira munzvimbo isingaitwi zvechiKristu ine vanhu vanofarira Bhaibheri zvishoma, zvingabatsira kugovera bhurocha rakakodzera tobva tasuma bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? pashure pokunge taita kuti munhu wacho afarire.
3. Nei tichifanira kuva nounyanzvi pakushandisa maturusi edu atinoshandisa pakuparidza?
3 Magwaro anotaura zvakanaka nezvevaya vane unyanzvi pabasa ravo. (Zvir. 22:29) Kutaura chokwadi, mazuva ano hapana basa rinokosha kupfuura “basa dzvene remashoko akanaka.” (VaR. 15:16) Kuti tive ‘vashandi vasina chokunyara nacho,’ tichaedza kuva nounyanzvi pakushandisa maturusi edu.—2 Tim. 2:15.