RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/00 p. 3
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Musakanganwa Vaya Vasingachaiti Basa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Bhokisi Remubvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • “Dzokai Kwandiri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Vabatsirei Vasaverengera Kudzoka!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 11/00 p. 3

Bhokisi Remibvunzo

◼ Munhu anga asingachaiti basa kwenguva yakareba angabatsirwa sei kuti akwanisezve kuva muparidzi wamashoko akanaka?

Munhu asingachaiti basa paanoratidza kuti anoda nomwoyo wose kushumira Jehovha, ichi chikonzero chokufara. (Ruka 15:4-6) Zvimwe, munhu wacho akabvumira kushorwa kana kuti zvinodzvinyirira upenyu kuvhiringidza kudzidza kwaaiita oga, kupinda misangano, uye kushanda mubasa romumunda. Munhu angabatsirwa zvakanakisisa sei kuitira kuti agofambira mberi mumudzimu?

Tose zvedu tinofanira kutanga kumuvimbisa nezvorudo rwedu rwechiKristu rwechokwadi. Vakuru vachakurumidza kuyera zvaanoda mumudzimu chaizvo. (Jak. 5:14, 15) Kana kusaita basa kwacho kukangoita nguva pfupi, rubatsiro rwunopiwa nomuparidzi ane unyanzvi rwungava ndirwo bedzi runodiwa kuita kuti munhu wacho aitezve basa romumunda. Zvisinei, kana uya asingachaiti basa asina kusonganirana neungano kwenguva yakareba, zvichida achada kubatsirwa zvikuru. Kuti avake kutenda nokuonga, zvingava zvakanaka kuti adzidziswe Bhaibheri mubhuku rakakodzera. Kana zvakadaro, mutariri webasa acharonga kuti muparidzi ane unyanzvi aitise chidzidzo chacho. (VaH. 5:12-14; ona Bhokisi Remibvunzo riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 1998.) Kana uchiziva nezvomumwe munhu anoda kubatsira kwakadaro, taurira mutariri webasa womuungano menyu.

Usati wakoka mumwe munhu anga asingachaiti basa kwenguva refu kuti ashandezve muushumiri, zvakanaka kuti vakuru vaviri vasangane naye kuti vaone kana achikwanisa kuva muparidzi woUmambo. Vachatevera muitiro wakafanana nouya unoshandiswa pakuonana navatsva vari kutsvaka kuva vaparidzi vemashoko akanaka. (Ona Nharireyomurindi yaNovember 15, 1988, peji 17.) Asingachaiti basa wacho anofanira kuda nomwoyo wose kuudza vamwe mashoko akanaka. Anofanirawo kusvitsa zvinodikanwa zvinokosha zvakarongwa papeji 98-9 mubhuku rinonzi Hushumiri Hwedu uye kupinda misangano yeungano nguva dzose.

Kuva nomuitiro wakanaka wokunamata kuchaita zvakawanda kubatsira uya adzoka kuti asimbise uye arambe aine ukama hunokosha naJehovha uye kuti arambe achifamba munzira inoenda kuupenyu husingaperi. (Mat. 7:14; VaH. 10:23-25) “Kushingaira nemwoyo wose” kwaanoita uye kukudziridza unhu hwechiKristu hunogara narini kuchamudzivirira pakuvazve ‘asingaiti basa kana kuti asina zvibereko’ somudzidzi wechiKristu.—2 Pet. 1:5-8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe