RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/98 pp. 3-4
  • Vakira Upenyu Hwako Pabasa raJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakira Upenyu Hwako Pabasa raJehovha
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Rongai Purogiramu Yemhuri Inobatsira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Basa Rokupayona—Unogona Kuriita Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mhuri, Rumbidzai Mwari Senhengo Dzeungano Yake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Kushandira Pamwe Kunoita Mitezo Yemhuri Kuti Iite Nomazvo—Mukufunda Bhaibheri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 12/98 pp. 3-4

Vakira Upenyu Hwako Pabasa raJehovha

1 Jesu akafananidza vanzwi vake nemarudzi maviri evavaki. Mumwe akavakira mararamire ake paruware rwokuteerera Kristu uye akakwanisa kushivirira madutu okushorwa nokutambudzwa. Mumwe akavakira pajecha rokusateerera kwoudyire uye haana kukwanisa kushivirira apo kudzvinyirira kwakauya. (Mat. 7:24-27) Zvatinorarama mumhedziso yegadziriro ino yezvinhu, tinosangana nemadutu akawanda enhamo. Pajengachenga makore matema edambudziko guru ari kuungana nokukurumidza. Tichatsungirira kusvika kumugumo tine kutenda kwedu here? (Mat. 24:3, 13, 21) Zvakawanda zvinoenderana nemavakire atiri kuita upenyu hwedu zvino. Saka, inhau yokukurumidzira kuti tizvibvunze kuti, ‘Ndiri kuvakira upenyu hwangu hwechiKristu zvakasimba pabasa rokuteerera Mwari here?’

2 Kuvakira upenyu hwedu pabasa raJehovha kunorevei? Zvinoreva kuita Jehovha chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu hwedu. Zvinobatanidza kuisa pfungwa dzedu paUmambo sechinhu chatine basa nacho zvikuru. Zvinobatanidza kuteerera Mwari mumabasa ose oupenyu hwedu hwezuva nezuva. Zvinoda kuti tifunde Bhaibheri somunhu oga, semhuri, uye seungano nokuita ushumiri hwedu hwemumunda nomwoyo wedu wose, tichizviita zvinhu zvokutanga mupenyu hwedu. (Mup. 12:13; Mat. 6:33) Muitiro wakadaro wokuteerera unoguma nekutenda kwakasimba sedombo kusingazoputsiki nyange kukauya chero dutu ripi zvaro roruvengo.

3 Zvinofadza kuona mamiriyoni evanhu achivakira upenyu hwawo netariro yawo yeramangwana pabasa raMwari aine chivimbo, sezvakaita Jesu chaizvo. (Joh. 4:34) Vanoomerera papurogiramu inoramba ichiitwa yemabasa oubati ushe hwaMwari uye vanowana zvikomborero zvakawanda semugumisiro. Vamwe mai vakatsanangura kuti ivo nemurume wavo vakabudirira sei kurera vanakomana vavo vaviri kuti vanamate Jehovha: “Takazadza upenyu hwedu nechokwadi—tichienda kukokorodzano dzose, tichigadzirira nokuenda kumisangano, nokuita kuti basa redu romumunda rive chinhu chenguva dzose muupenyu hwedu.” Murume wavo akawedzera kuti: “Chokwadi hachisi rutivi rwoupenyu hwedu, icho upenyu hwedu. Zvimwe zvinhu zvose zvinovakirwa pachiri.” Wakaitawo basa raJehovha chinhu chokutanga mumhuri yako here?

4 Gadzirai Purogiramu Inoshandika Yevhiki Nevhiki: Sangano raJehovha rinotibatsira kutevera muitiro wakanaka womudzimu nokuronga misangano mishanu pavhiki. VaKristu vari kuvakira upenyu hwavo pakunamata Jehovha vanoronga zvinhu zvavo zvokunyika nezvemhuri munzira yokuti vanopinda misangano iyi yose inokosha. Havabvumiri nhau dzisinganyanyokoshi kuti dzivhiringidzane nokupinda kwavo kwenguva dzose.—VaF. 1:10; VaH. 10:25.

5 VaKristu vakakura mumudzimu vanoziva kuti sezvazvakakosha kudya nguva dzose panguva dzakati zuva roga roga, zvakakoshawo kuronga purogiramu chaiyo yefundo yemunhu oga neyemhuri, kubatanidza kugadzirira misangano. (Mat. 4:4) Ungagona kuronga nguva yefundo yomunhu oga yeanenge maminiti 15 kana 20 zuva roga roga here? Chinokosha kusarega zvimwe zvinhu zvichipindira munguva yakarongerwa fundo. Zviite tsika inoshanda. Izvi zvingada kuti ukurumidze kumuka mangwanani oga oga kupfuura zvauri kuita zvino. Mitezo 17 000 yemhuri yeBheteri yenyika yose inokurumidza kumuka mangwanani kuti ikurukurirane rugwaro rwezuva. Ichokwadi kuti kukurumidza kumuka kunoda kuti ukurumidze kurara manheru kuitira kuti utange zuva rinotevera racho wakagwinya uye wazorora.

6 Kana uri musoro wemhuri, tanga kuronga nokugadzira purogiramu yemhuri yako yebasa roubati ushe hwaMwari. Dzimwe mhuri dzinorava Bhaibheri, Yearbook, kana chimwe chinyorwa pamwe chete sezvavanozorora vapedza kudya manheru. Vabereki vakawanda vakaona vana vavo vachikura kuva vaKristu vakasimba mumudzimu vanotaura kuti chimwe chinhu chakabatsira kuti vabudirire yakanga iri tsika yemhuri yavo yokuronga mamwe manheru vhiki yoga yoga pavaiva nenguva yakanaka yomudzimu pamwe chete. Vamwe baba vakadaro vakati: “Ndinofunga kuti kukura mumudzimu kwevana vedu kwaiva kunyanyanyanya nemhaka yefundo yedu yemhuri yenguva dzose yeChitatu manheru, yakatanga makore 30 apfuura.” Vana vavo vose vatatu vakabhabhatidzwa vari vaduku, uye vose vari vatatu vakazopinda muushumiri hwenguva yakazara. Kuwedzera kufundo yemhuri, mharidzo dzebasa romumunda kana zvikamu zviri pamisangano zvinogona kudzokororwa, uye mamwe mabasa akanaka anogona kuitwa muri pamwe chete.

7 Mupurogiramu yako yevhiki nevhiki, waka‘tenga nguva’ yokuparidza Umambo here? (VaK. 4:5) Vakawanda vedu tine upenyu hwakabatikana, zvatine mabasa emhuri neeungano okuita. Kana tikasanyatsoronga kuitawo basa rokuparidza nokudzidzisa vhiki roga roga, zvichava nyore zvikuru kuti zvimwe zvinhu zvisambosiyire kana nekamukana kose zvako basa iri rinokosha. Mumwe muridzi wenzvimbo huru inochengeterwa mombe akati: “Kuma1944 ndakaona kuti nzira chete yandaizoita nayo basa yakanga iri yokurirongera zuva. Nanhasi ndichiri kutora zuva rimwe mukati mevhiki rokuita basa.” Mumwe mukuru wechiKristu anoona kuti kuva nepurogiramu chaiyo yokupupura kunomuita kuti akwanise kuva neavhareji yemaawa 15 pamwedzi mubasa rokuparidzira. Kana ane rimwe basa rokunyika musi weMugovera, anoronga kuriita apedza basa rake romumunda remangwanani. Iwe nemhuri yako mungaronga here rinenge zuva rimwe haro vhiki roga roga rokuita basa romumunda, muchizviita mararamire enyu omudzimu?—VaF. 3:16.

8 Ongorora Mararamire Ako: Kune zvinhu zvinorwisana nokuvakira upenyu hwedu pabasa raJehovha. Zvinhu zvatisingafanoona zvingadzongonyedza purogiramu yedu yakanyatsorongwa yefundo, misangano, uye basa. Uye Muvengi wedu, Satani, achaita zvose zvaanogona kuti“dzivisa” ndokuvhiringidza zvatakaronga. (1 VaT. 2:18; VaEf. 6:12, 13) Usabvumire zvibingamupinyi izvi kukuodza mwoyo, kuti urege. Gadziridza zvose zvinodiwa kuti uite basa rako rakarongwa roubati ushe hwaMwari. Kutsunga nokushingirira zvinodiwa kuti uite zvinonyatsokosha.

9 Hatifaniri kubvumira kuti pesvedzero dzenyika nepesvedzero dzenyama yedu isina kukwana zvipinze mabasa asiri omudzimu angatanga kutora nguva yedu yakawanda nengwariro. Kuzviongorora kunodiwa, uchishandisa mibvunzo yakadai seiyi: ‘Mararamire angu azova asina kudzikama zvishoma nezvishoma kana kuti akada kuti dzikatidzwei here? Ndakatanga kuvakira upenyu hwangu pazvinhu zviri munyika ino zviri kupfuura here? (1 Joh. 2:15-17) Ndinopedza nguva yakawanda zvakadini pazvinhu zvomunhu oga, kubvakacha kwokunakidzwa, mitambo, kana dzimwe varaidzo—kutarira terevhizheni nokutarira zviri muInternet—zvichienzaniswa nenguva inopedzerwa pazvinhu zvomudzimu?’

10 Kana ukaona kuti upenyu hwako hwazadzwa nezvinhu zvisingakoshi, chii chinofanira kuitwa? Sezvakaita Pauro akanyengeterera kuti hama dzake dzi“ruramisw[e],” kana kuti “kunyatsowiriraniswa,” tinoregererei kuteterera Jehovha kuti atibatsire kuvakirwazve pabasa rake? (2 VaK. 13:9, 11, NW, mashoko omuzasi.) Ipapo tsunga kurarama maererano nezvawasarudza uye ita gadziridzo dzinodiwa. (1 VaK. 9:26, 27) Jehovha achakubatsira kuti usatsaukire kurudyi kana kuruboshwe kwebasa rokumuteerera.—Enzanisa naIsaya 30:20, 21.

11 Ramba Wakabatikana Mubasa raMwari Rinofadza: Mamiriyoni anotamburira kutsvaka mufaro vachizongoona chete kuti mugumo woupenyu zvaunoswedera pedyo, zvinhu zvokunyama zvavakatsvaka hazvina kuvaunzira mufaro usingagumi. Kwaiva “kudzingana nemhepo bedzi.” (Mup. 2:11) Asi, patinochengeta upenyu hwedu hwakavakirwa pana Jehovha, ‘tichimuisa pamberi pedu nguva dzose,’ tinogutsikana zvikuru. (Pis. 16:8, 11) Iyi imhaka yokuti Jehovha ndiye akaita kuti tivepo. (Zvak. 4:11) Pasina iye, Muiti Wechinangwa Mukuru, upenyu hahuna zvahunoreva. Kunamata Jehovha kunozadza upenyu hwedu nebasa rinokosha, rine chinangwa rinobatsira isu pamwe nevamwe munzira inogarisa, hungu, munzira isingagumi.

12 Zvinokosha kuti tisagutsikane nezvatiri ndokurasikirwa nepfungwa yedu yekukurumidza pamusoro pemugumo unokurumidza kusvika wenyika yaSatani. Kurarama kwedu kwezuva nezuva kunopesvedzerwa nemaonere atinoita nguva yemberi. Vanhu vomuzuva raNoa, vasina kudavira kuti kwaizova neboporodzi renyika yose, ‘havana kuziva,’ vachivakira upenyu hwavo hwezuva nezuva pazvinhu zvomunhu oga—kudya, kunwa, uye kuroora nokuroorwa—kusvikira mafashamo a“vabvisa vose.” (Mat. 24:37-39) Nhasi, vanovakira upenyu hwavo panyika ino vachaona zvavanotarisira zvenguva yemberi zvichiparara pamberi pavo mukuparadza kukurusa kusati kwamboonwa navanhu, “zuva raShe.”—2 Pet. 3:10-12.

13 Saka ramba uchivakira upenyu hwako pana Mwari mupenyu, Jehovha, uye pakuitwa kwezvaanoda. Hapana basa raungaita muupenyu huno rine Mutsigiri akavimbika zvakadaro saJehovha. Haangarevi nhema—achava wechokwadi kune zvaanovimbisa. (Tito 1:2) Haafi—hapana chakachengetwa naJehovha chinorasika. (VaH. 1:12; 2 Tim. 1:12) Upenyu hwokuteerera nokutenda hwatiri kuvaka zvino hunongova mavambo oupenyu huchagara nokusingaperi mubasa rinofadza raMwari wedu anofara!—1 Tim. 1:11; 6:19.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]

“Chokwadi hachisi rutivi rwoupenyu hwedu, icho upenyu hwedu. Zvimwe zvinhu zvose zvinovakirwa pachiri.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe