Rongai Purogiramu Yemhuri Inobatsira
1 MuMharidzo yepaGomo, Jesu akakurudzira vateereri vake kuti: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake.” (Mat. 6:33) Imwe nzira inobatsira yokuronga nayo zvinoitwa nemhuri kuti zvinhu zvine chokuita nokunamata zviiswe pakutanga, kuva nepurogiramu yakanyorwa. Ivai nemaminitsi mashomanana okugadzira purogiramu yemhuri yenyu yevhiki nevhiki, muchishandisa purogiramu isina kunyorwa chinhu iri papeji 6 yewedzero ino. Muchiita sechirongwa chemhuri, vamwe vangada kucheka mapepa voanamatidza papurogiramu yacho. Vamwe vangasarudza kuita zvokunyorera imomo zvavanoronga kuzoita.
2 Purogiramu yokuenzanisira iri pasi apa ingabatsira sezvamunogadzira purogiramu yenyu. Muchaona kuti ine zvinhu zvina bedzi zvinokosha: (1) kupinda misangano yeungano, (2) kuparidza semhuri, (3) kudzidza semhuri, uye (4) kuita rugwaro rwezuva. Kuva neizvi papurogiramu yenyu kungakubatsirai kuva “nechokwadi chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.” (VaF. 1:10) Mamwe mazano nezvezvinhu izvi zvina anowanikwa pamapeji 4-5.
3 Purogiramu yenyu yemhuri haifaniri hayo kungova nezvinhu zvina izvozvo bedzi. Kana muchigadzirira mimwe misangano semhuri, zvimakei papurogiramu yenyu. Kana muchiverenga chikamu cheBhaibheri pamwe chete mapedza rugwaro rwezuva kana kuti pane imwe nguva, zviratidzei papurogiramu yenyu. Kana muchiwanzotandara semhuri, mungada kuzviisawo papurogiramu yenyu.
4 Chinjai purogiramu yenyu yemhuri kuti ienderane nezvinodiwa uye mamiriro ezvinhu evose vari mhuri yenyu. Nguva nenguva ongororai kuti iri kushanda sei, uye gadziridzai zvinenge zvichidiwa.
[Chati iri papeji 3]
Purogiramu Yokuenzanisira Yemhuri
(Kana uchida mashoko azere, ona Ushumiri hwacho)
Mangwanani Masikati Manheru Sun. Rugwaro Rwezuva
Hurukuro Yavose ne
Chidzidzo cheNharire-
yomurindi
Mon. Rugwaro Rwezuva Kudzidza Semhuri
Tues. Rugwaro Rwezuva Chidzidzo Chebhuku Cheungano
Wed. Rugwaro Rwezuva
Thurs. Rugwaro Rwezuva
Chikoro chaMwari Choushumiri uye Musangano Webasa
Fri. Rugwaro Rwezuva
Sat. Rugwaro Rwezuva
Kuparidza Semhuri
(Zuva Remagazini)
[Chati iri papeji 6]
(Kana uchida mashoko azere, ona Ushumiri hwacho)
Purogiramu Yemhuri
Mangwanani Masikati Manheru
Sun.
Mon.
Tues.
Wed.
Thurs.
Fri.
Sat.
.................................................................
Rugwaro Rugwaro Rugwaro Rugwaro Rugwaro Rugwaro Rugwaro Rwezuva Rwezuva Rwezuva Rwezuva Rwezuva Rwezuva Rwezuva
Huruku- Chikoro Chidzidzo Kudzidza Kuparidza Kuverenga Kutandara
ro Yavose chaMwari Chebhuku Semhuri Semhuri Bhaibheri Semhuri neChidzidzo Choushumiri Cheungano Semhuri
cheNharire- noMusangano
yomurindi Webasa