Shandisai Mabhuku Ekare Zvakanaka
1 Vanhu vave vachichengeta mamiriyoni emabhuku ekare mumaraibhurari munyika yose. Asi, akabatsira vanhu zvechigarire here? (Mup. 12:12) Anotokosha zvikuru mabhuku anoisa pfungwa paUmambo hwaMwari uye zvahuchaitira vanhu. Ungano zhinji dzine mabhuku akasiyana-siyana akadaro. Muna January tichagovera vanhu mabhuku iwaya ekare.
2 Akakosha Zvechokwadi: Nepo vamwe vedu tingafunga kuti mabhuku aya ndeekare kana zvichienzaniswa nemabhuku edu matsva, tinofanira kuyeuka kuti ane chokwadi chemuMagwaro. Shoko roUmambo raanotsanangura richiri kukosha nanhasi uye, kana rikateererwa, rinogona kuponesa vanhu. (Joh. 17:3) Naizvozvo, tinofanira kuedza nepose patinogona napo kushandisa mabhuku aya ekare zvakanaka.
3 Zvinoratidza kukosha kwawo ndizvo zvakaitika kune mumwe mukadzi uyo akawana mabhuku akawanda ekare eWatch Tower kuna mbuya vake. Chimwe chapupu chakabvunza mukadzi wacho kana pane chaaizivawo nezvekukosha chaikoiko kwemabhuku acho. Mukadzi wacho akapindura kuti: “Handizivi kukosha kwawo, asi ndingaziva sei?” Mukadzi wacho akabvuma kufunda Bhaibheri, akauya muchokwadi, uye pashure pacho akakoshesa raibhurari yambuya vake. Mabhuku iwayo ekare akazova nhaka inokosha zvakadini!
4 Ita Kuti Vanhu Vaawane: Kuwedzera pakugovera mabhuku ekare paimba neimba, iva nechokwadi chokuagovera paunoshanyirazve vanhu vaunoziva kuti vanofarira kuverenga mabhuku edu, kubatanidza vakazvinyoresa kuNharireyomurindi neMukai! uye vanhu vaunoendesera magazini. Kuavo vari kufunda Bhaibheri newe, mabhuku ekare akasarudzwa anogona kupa imwe zivo ichakurisa kunzwisisa kwavo chokwadi. Usakanganwa kuwana mabhuku ekare asipo pane aunawo. Kana ukadaro, uchava neraibhurari youbati ushe hwaMwari inokosha, inogona kushandiswa kupfumisa nguva yako yokufunda uri woga.
5 Pane kuramba takachengeta mabhuku edu ekare, ngatiashandisei zvakanaka kunyandura vanhu vatinosangana navo kuti va‘tye Mwari, vachengete mirayiro yake.’—Mup. 12:13.