RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/97 p. 3
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Tingabatsirwa Sei neRaibhurari yepaImba yeUmambo?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Nzira Yokuronga Nayo Raibhurari Youbati Ushe hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Ashandise Pane Kuachengeta
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Urongwa Hutsva hweMaraibhurari eImba yoUmambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 4/97 p. 3

Bhokisi Remibvunzo

◼ Zvinyorwai zvinofanira kuiswa muraibhurari yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari?

Zvinyorwa zvakawanda zvomudzimu zvakagoverwa nokuda kwekubetserwa kwevanhu vaMwari. Sezvo vaparidzi vakawanda vasina zvose zvaizvozvi semunhu oga, raibhurari yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari iri paHoro yeUmambo inogovera mutoo wokunzvera nawo muzvinyorwa izvo nezvisizvo zvingasawanikwa. Nokudaro, inofanira kushongedzwa zvakanaka nemhatsa yeshanduro dzeBhaibheri, zvinyorwa zvazvino uno zveSosaiti, makopi oUshumiri Hwedu hwoUmambo, mabhaundi vhoriyamu eNharireyomurindi neMukai!, uye Watch Tower Publications Indexes. Mukuwedzera, duramanzwi razvino rakanaka rinofanira kuwedzerwa. Kana achiwanika, mainisaikoropedhiya, maatirasi, kana kuti mabhuku enongedzero pamusoro pegirama nenhau angava anobetsera. Zvisinei, itiro hanya yedu yekutanga inofanira kuva pazvinyorwa zvinogoverwa ne“muranda wakatendeka, wakangwara.”—Mat. 24:45.

Muzvimwe zviitiko kunoshumwa kuti mabhuku anomutsa mibvunzo akaiswa muraibhurari yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Kwaizova kusina kufanira kubatanidza mabhuku efungidziro, mabhuku anotsinhira Bhaibheri anosimbisa kutsoropodza Bhaibheri, kana kuti mabhuku pamusoro peuzivi kana kuti kushandisa midzimu. Raibhurari yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari inofanira kubatanidza bedzi mabhuku achakwanisa avo vanoishandisa kuita fambiro mberi yemudzimu inopfuuridzirwa.—1 Tim. 4:15.

Mutariri wechikoro ane mutoro weraibhurari yacho, kunyange zvazvo imwe hama ichigona kugoverwa kumubetsera mukuitarisira. Anofanira kuona kuti raibhurari yacho inochengetwa ichiwirirana nenguva, zvinyorwa zvitsva zvichiwedzera nokukurumidza sezvazvinowanika. Bhuku rimwe nerimwe rinofanira kunyorwa zvakajeka pabutiro remukati zita reungano yaro. Gore negore, mabhuku anofanira kunzverwa kuona kana api neapi achida kugadzirwa kana kuti kutsiviwa.

Munhu ari wose anogona kubatira pamwe mukutarisira raibhurari yacho. Ngwariro inofanira kushandiswa mukubata nokushandisa mabhuku acho. Vana havafaniri kubvumirwa kutamba nawo, uyewo munhu upi noupi haafaniri kuanyora. Chiratidzo chakatsvinda chingaratidzirwa sechiyeuchidzo chokuti mabhuku acho haafaniri kubudiswa muHoro yeUmambo.

Ungano itsva dzichiumbwa nguva nenguva, kungabvira kuti maraibhurari akawanda akaganhurirwa muukuru. Vamwe vaparidzi vane mabhuku edu akare vangarangarira kuapa kuungano. Vakuru vangada kuodha mabhaundi vhoriyamu eSosaiti eNharireyomurindi akadhindwazve. Muidzi nzira, raibhurari yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari ichabvumikisa kuva inobetsera zvikuru mukubetsera vose kuwana pfuma yakavanzwa yeShoko raMwari, iyo inopa zivo, uchenjeri, uye nzwisiso.—Zvir. 2:4-6.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe