‘Pfeka Unhu Hutsva’
1 VaKristu vanoonga kuti vanoziva chokwadi! Takadzidza mararamire atingaite kuti tidzivise zvinoitwa nevari munyika. Vari “vatorwa paupenyu hwaMwari,” ivo “vakasvibirwa pakunzwisisa.” (VaEf. 4:18) Takadzidziswa kuchinja mafungire edu kubva pane enyika nokupfekenura unhu hwekare uye kupfeka hutsva.—VaEf. 4:22-24.
2 Unhu hwekare hunosakisa kuramba uchiderera mutsika, zvichiguma nokuipiswa norufu. Naizvozvo, tinokumbira nomwoyo wose avo vachateerera shoko roUmambo kubvisa hasha dzose, kutsamwa, uipi, kutaura zvakaipa, nokutaura zvinonyadzisa. Avo vanoda kutenderwa naMwari vanofanira kubvisa unhu hwekare zvachose—semapfekenurire avaizoita mbatya ine tsvina.—VaK. 3:8, 9.
3 Simba Idzva Rinosunda Ndangariro: Kupfeka unhu hutsva kunobatanidza kuitwa mutsva musimba rinosunda pfungwa dzedu. (VaEf. 4:23) Munhu anoita sei kuti simba iroro, kana kuti mafungire ave matsva, kuti zvinange kwakarurama? Izvi zvinoitwa nokufunda nguva dzose nokushingaira Shoko raMwari uye kufungisisa zvarinoreva. Ipapo, mutoo mutsva wokufunga nawo unotanga, uye munhu anoona zvinhu nemaonere aMwari naKristu. Upenyu hwemunhu hunochinja sezvaanozvipfekedza mavara akawanda akafanana naaKristu, kubatanidza tsitsi, mutsa, kuzvininipisa, unyoro, mwoyo murefu, uye rudo.—VaK. 3:10, 12-14.
4 Nokupfeka unhu hutsva, tinozvisiyanisa nenyika. Mararamire edu anotiita vakasiyana. Tinotaura chokwadi nokutaura zvinhu zvakanaka kuti tivake vamwe. Tinodzora hasha dzedu, kugumbuka, kupopota nezwi riri pamusoro, kutuka, uye uipi hwose ndokuzvitsiva neunhu hwakarurama, hwaMwari. Tinoita zvinopfuura zvatinofanira kuita panhau yokukanganwira. Zvose izvi zvinoitwa nyore zvichibva pamwoyo.—VaEf. 4:25-32.
5 Usambobvisa unhu hutsva. Hatigoni kubatira Jehovha zvinogamuchirika kana tisinahwo. Hubvumire kukubatsira kukwezva vanhu kuchokwadi, uye hubvumire kurumbidza Jehovha, Musiki weunhu hwedu hutsva hwakaisvonaka.—VaEf. 4:24.