Tingagovera Bhuku Rinonzi Creator Here?
Gore rapera tose takafara kugamuchira bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You? Ibhuku rakanyanyogadzirirwa vaya avo, nyange zvazvo vakadzidza, vangasadavira Mwari. Bhuku iri rinopedza chinodiwa chiri kuramba chichishayikwa.
Nokuda kwezvikonzero zvinoshanda kugoverwa kwemabhuku kwapamwedzi nomwedzi kunowanzosimbisa mabhuku anonyanyofarirwa. Izvi zvinoreva here kuti tinofanira kurega kugovera bhuku rinonzi Creator? Nyangwe! Bhuku iri ringagoverwa kune vanhu vasingadaviri Mwari uye vangabatsirwa naro chero nguva ipi zvayo gore rose. Ringagoverwawo kune vanhu vanodavira Mwari asi vasinganyatsozivi kuti ndiani kana kuti hunhu hwake nezvinangwa zvake ndezvipi. Saka unokurudzirwa kutakura kopi mubhegi rako rouchapupu ndokugadzirira kurigovera chero ani zvake waunofunga kuti achada kurirava.