RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/99 p. 4
  • Nzira Dzokukudza Nadzo Ushumiri Hwako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzira Dzokukudza Nadzo Ushumiri Hwako
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Nzira Dzekuwedzera Nadzo Ushumiri Hwako
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Kudza Pfuma Yako Yebasa roUmambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Unoda Kuita Zvakawanda Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Uri Kuita Ushumiri Hwako Zvizere Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 5/99 p. 4

Nzira Dzokukudza Nadzo Ushumiri Hwako

1 Makore anopfuura 40 akapfuura, nyaya yaiva nomusoro unoti “Kuita Kwako Kwose Kwakakwana Here?” yakabuda muNharireyomurindi yaOctober 1955. Yakataura zvakanaka kuti zvingaita sei kuti vanhu vaJehovha vavandudze zvavanogona kuita somunhu oga muushumiri kuitira kuti vawedzere basa ravo roUmambo. Zano iroro rakanaka rinoshandawo nhasi, zvatinopfuurira kuita kuti zvakanakisisa zvedu zvitove nani.

2 Basa redu rose rinofanira kuitwa nemhaka yomurayiro mukurusa unoti: “Ida Ishe Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose.” (Marko 12:30) Tinoratidza kuda kwedu Jehovha zvakakwana nokushandisa zvakazara mikana yatinowana kuti tiite kuti basa roUmambo rienderere mberi. Funga nezvenzira dzinotevera dzaungakudza nadzo ushumiri hwako.

3 Takura Mutoro Wako: Hama dzakazvitsaurira dzingavavarira kuti dzikwanise kuva vabatiri vanoshumira dzobva dzapfuurira mberi kuti dzibatire sevakuru. Nyaya dzinoti “Uri Kusvasvavirira Here?” uye “Wakakwaniriswa Kubatira Here?” dziri mumagazini yeNharireyomurindi yaSeptember 1, 1990, dzakaita kuti hama dzakawanda dzide kuita mabasa eungano. Bvunza vakuru vomuungano yako kuti vakupe mazano chaiwo okuti ungasvasvavirira sei ndokukwanisa.

4 Vakuru nevabatiri vanoshumira vasina kuroora vanokurudzirwa kuti vafungisise nezvekunyorera Chikoro Chokurovedza Vashumiri. Unogona kuzviita kuti urovedzane nechikoro ichi nokurava mabhuku ari pasi pomusoro unoti “Chikoro Chokurovedza Vashumiri” uri muWatch Tower Publications Index dza1986-95, 1996, na1997. Unoona ‘musuo mukuru webasa’ iwowo uchikuzarukira here? (1 VaK. 16:9a) Hama dzakawanda dzakapinda nepauri hadzina kumbofungidzira maropafadzo ose ebasa adzaizowana. Nhasi dziri kufara kushanda paBheteri kana kuti mumunda semapiyona chaiwo, vafundisi, kana kuti vatariri vanofambira.

5 Svasvavirira Basa Renguva Yakazara: Pwere dziri kupedza kudzidza muzvikoro zvepamusoro, vadzimai vemba, uye chero vapi zvavo vasvika pazera rokurega basa vanofanira kufungisisa nezvekupayona. Dzokororai wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaAugust 1998, mozokurukura nemapiyona ane migariro yakanga yakafanana neiri muupenyu hwenyu. Zvingaita kuti uchasundwa kukudza ushumiri hwako nokupayona, sezvavari kuita. (1 VaK. 11:1) Zvingaita here kuti uwedzere basa rako kusvikira kumaawa 70 pamwedzi nokudaro ndokushanda sapiyona wenguva dzose?

6 Hama nehanzvadzi dzinopfuura 17 000 zvino dziri kushanda mumahofisi ebazu nemisha yeBheteri munyika yose. Wadii wanyorera kuti uwane ropafadzo iyi yakasiyana nedzimwe yebasa repaBheteri kana mamiriro ako ezvinhu achikubvumira kushanda pano?

7 Shanda Kunodiwa Vaparidzi: Unogara kune ndima inogara ichishandwa kana kuti kune hama dzakawanda dzinoshanda pamwe chete mundima yacho here? Wati wambofunga nezvekukudza ushumiri hwako nokutamira kunodiwa vaparidzi chaizvo here? Zvimwe ungatamira kunharaunda yemaruwa iri pedyo kunodiwa vashandi vakawanda. (Mat. 9:37, 38) Izvi hazvifaniri kuitwa zvokumhanya-mhanya. Zvinotoda kunyengetererwa. (Ruka 14:28-30) Kurukura zvauri nevakuru nomutariri wedunhu. Vachataura newe kana kuri kuchenjera kuti utame iko zvino kana kuti ugadzirire kuti uite kudaro munguva iri mberi. Kana uchida kunyorera Sosaiti nokuda kwenzvimbo yavangati uende, tsamba yakasayinwa neDare Rebasa Reungano yako inofanira kuuya netsamba yako.

8 Vandudza Kunaka Kwebasa Rako: Zvingadaro kuti tingaita zvakatowanda muushumiri kuburikidza nokuvandudza kunaka kwebasa redu romumunda. Uri kubatanidzwa mumativi ebasa, kubatanidza ushumiri hwepaimba neimba nehusina kurongwa pamwe nebasa reshanyo dzedzokerero nefundo dzeBhaibheri here? Kana uri kuitisa fundo, ungavandudza unyanzvi hwako hwokudzidzisa here? Zvingava zvakanaka kuti udzokorore wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1996 kuti uwane mazano aungashandisa kuti ukurudzire vadzidzi vako kuti vazvitsaurire nokubhabhatidzwa.

9 Kukurukurwa kwakanyanya kwenzira yokukudza nokuvandudza nayo ushumiri hwako kunowanwa muchitsauko 9 chebhuku rinonzi Takarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu. Chokwadi tose zvedu tinofanira kuda kuita zvakawanda zvatinogona mubasa raMwari. Wadii kufungisisa nezvevavariro dzako dzomudzimu? Ita sezvinorumbidzwa na1 Timotio 4:15 kuti: “[Fungisisa, NW] zvinhu izvi, uzviite nomwoyo wose, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe navanhu vose.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe