Unoda Kuita Zvakawanda Here?
1 Jesu akafananidza Umambo nepfuma inokosha. (Mat. 13:44-46) Basa rokuparadzira mashoko oUmambo ipfuma inokoshawo zvikuru. Ushumiri uhwu hwakakodzera kuiswa pakutanga muupenyu hwedu, kunyange kana kuhuita zvakazara kuchisanganisira kuzviramba kwakati. (Mat. 6:19-21) Unoda kuita zvakawanda mubasa roUmambo here?
2 Funga Zvinhu Izvi Zvinokosha: Zvinhu zvinoverengeka zvinodiwa kuti tiwedzere kushanda kwatinoita muushumiri: (1) kuva vakatsunga kuisa zvinhu zvoUmambo pakutanga muupenyu (Mat. 6:33); (2) kutenda uye kuvimba naJehovha (2 VaK. 4:1, 7); (3) kutsvaka kubatsirwa naMwari nokuramba tichinyengetera nomwoyo wose (Ruka 11:8-10); (4) kuita maererano neminyengetero yedu.—Jak. 2:14, 17.
3 Nzira Dzokuwedzera Ushumiri Hwedu: Tose zvedu tingavavarira kugara tichipedzera nguva yakati muushumiri mwedzi woga woga. Asi wakambofungawo here kushandisa mukana uri wose wokupupura zvisina kurongwa, kuedza kuita kuti mharidzo dzako dziwedzere kuva nezvadzinoreva, kuwedzera kubudirira kwokudzokerazve kwaunoita, uye kuedza kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha zvinofambira mberi? Ungakwanisa kuita upiyona hwebetsero kana hwenguva dzose kana kuti kushanda kunodiwa vaparidzi zvikuru here? Kana uri hama yakabhabhatidzwa, ungasvasvavirira kuva mushumiri anoshumira kana kuti mukuru here? (1 Tim. 3:1, 10) Ungawedzera ushumiri hwako nokunyorera kunoshanda paBheteri, kupinda Chikoro Chokurovedza Vashumiri, kana kuti kurovedzwa kuva mumishinari kuChikoro cheGiriyedhi here?—Ruka 10:2.
4 Imwe hama yaishanda nguva dzose kunyika uye yaipedzera nguva yakawanda mumitambo yakakurudzirwa kuti ive piyona wenguva dzose. Yakatanga kuita upiyona hwebetsero uye zvadaro yakagadziridza mamiriro ayo ezvinhu kuti ipinde muushumiri hwenguva yakazara. Gare gare yakapinda Chikoro Chokurovedza Vashumiri, icho chakaibatsira kugadzirira basa rayo rairi kuita iye zvino somutariri wedunhu. Inofara zvikuru kuti yakabvuma kukurudzirwa kwayakaitwa, uye ine chivimbo chokufara zvakanyanya nemhaka yechisarudzo chayo chokuita zvakawanda mubasa roUmambo.
5 Jehovha anokomborera vaya vanoda kubatsira. (Isa. 6:8) Usarega chinhu chipi nechipi chichiita kuti urege kuwedzera ushumiri hwako uye kunyange kugutsikana nokuzorodzwa zvikuru nahwo.