Vabereki—Gadzirai Vana Venyu Muenzaniso Wakanaka
1 Shoko raMwari rinotitaurira kuti “baba [namai] vowakarurama vachafara kwazvo.” (Zvir. 23:24, 25) Chikomborero chakadini nokuda kwevabereki vakagadzira vana vavo muenzaniso wakanaka! Nhengo yerimwe Dare reBazu yakati nezvevabereki vayo: “Upenyu hwavo hwose hwaiva hwakavakirwa pachokwadi, uye ndaidawo kuvakira upenyu hwangu hwose pachiri.” Vana vanofanira kuonei muvabereki vavo?
2 Tsika Dzakanaka uye Ruremekedzo Rukuru: Mutoro wevabereki kudzidzisa vana vavo unhu hwakanaka. Tsika dzakanaka dzinodzidzwa, kwete nokungotaura mirayiridzo, asi nokucherechedza nokutevedzera. Naizvozvo, itsika dzakadini dzamunoratidzira? Vana venyu vanokunzwai muchiti “ndiregerereiwo,” “ndapota,” uye “mazviita” here? Mumhuri, munoremekedzana zvikuru here? Munoteerera panotaura vamwe here? Munoteerera vana venyu pavanotaura kwamuri here? Unhu uhwu hwakanaka hunoratidzwa kuHoro yoUmambo uye muri moga mumba here?
3 Kuva Vanhu Vemudzimu uye Basa Rokushingaira: Imwe hama yapedzera anopfuura makore 50 mubasa renguva yakazara inoyeuka kuti: “Mai nababa vangu vaiva mienzaniso yakanaka kwazvo mukukoshesa kwavo misangano nemukushingairira kwavo ushumiri.” Munoratidza sei kuvana venyu kuti mune hanya nokuchengeta avo vari mumhuri menyu vari vanhu vomudzimu? Munoita rugwaro rwezuva nezuva pamwe chete here? Mune fundo yemhuri yenguva dzose here? Vana venyu vanokuonai muchirava Bhaibheri nemabhuku eSosaiti here? Vanonzwei pamunonyengeterera mhuri? Munokurukura zvinovaka mumudzimu nevana venyu, muchikurukura zvinhu zvakanaka pamusoro pechokwadi neungano here? Munoda zvikuru kupinda misangano yose uye kuita ushumiri hwomumunda semhuri here?
4 Vabereki, fungai nezvemuenzaniso wamuri kugadzira vana venyu. Uitei wakaisvonaka, uye vanozouonga muupenyu hwavo hwose. Mumwe mudzimai wemutariri anofambira, zvino ane makore ekuma70, akati: “Ndichiri kubetserwa nemuenzaniso wakanaka wevabereki vangu vanodiwa vechiKristu. Uye uyu munyengetero wangu wemwoyo wose kuti ndicharatidza kuonga kwangu nhaka iyi zvakazara nokuishandisa zvakanaka munguva yemberi yose.”