RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/99 p. 1
  • Shoko raMwari Rouprofita Richaitika!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shoko raMwari Rouprofita Richaitika!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Shoko raMwari Rouprofita Rinopa Tariro Yenguva Yemberi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Vanhu Vanoshingairira Mabasa Akaisvonaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Iva Nokutenda Mushoko raMwari Rouprofita!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • “Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa Yaswedera Pedyo
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 10/99 p. 1

Shoko raMwari Rouprofita Richaitika!

1 Zvapupu zvaJehovha nguva dzose zvave zvichifarira uprofita hweBhaibheri. Saka takafara kuziva kuti musoro wekokorodzano yeruwa yegore rino waizova “Shoko raMwari Rouprofita.” Taida zvikuru kuziva izvo Jehovha akanga akatichengetera se“zvokudya nenguva yakafanira.” (Mat. 24:45) Haana kutiodza mwoyo.

2 Mashoko Makuru Ekokorodzano: Hurukuro chaiyo yemusi weChishanu yaiti, “Teerera Shoko raMwari Rouprofita,” yaisanganisira kukurukurwa kwakajeka kwenhau yokushanduka chitarisiko. (Mat. 17:1-9) Yakasimbisa kuti iye zvino tiri pamusiwo chaipo penguva yakanakisisa nokuti, tatonyura zvikuru munguva yomugumo, gadziriro itsva iri pamberi apa! Imwe nzira inokosha yatinoda kuteerera nayo Shoko raMwari ndeyokurirava nguva dzose. Hurukuro yokusiyirana yaiti “Farira Kurava Shoko raMwari” yakapa mazano anoshanda ekuita kuti kurava Bhaibheri kwedu kuve kunobetsera zvikuru uye kunofadza.

3 Musi weMugovera masikati takadzokorora zvikonzero nei tichifanira kutendiswa kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira. Ungayeuka zvose izvozvi here? Musi weSvondo mangwanani, uprofita hwaHabhakuki hwakava hwakajeka sezvatakadzidza kuti zuva redu rakafanana zvikuru nezuva rake uye kuti zviitiko zvinokosha zvichauya nokukurumidza Jehovha paachaparadza vakaipa ndokuponesa vakarurama. Wakanzwisisa here mutambo weBhaibheri pamusoro paJakobho naEsau? Tinoda kutsvaka zvikomborero zvinobva kuna Jehovha nokushingaira, tichidzivisa kusakendenga nekusava nehanya.

4 Bhuku Idzva Rinofadza: Takafara sei kugamuchira bhuku idzva, rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri! Pasina mubvunzo uri kutorava iri bhuku rinofadza zvikuru. Mukurukuri akaribudisa akati: “Kunze kwehushomanana, uprofita hwose huri mubhuku raDhanieri hwakazadzika.” Izvi hazvisimbisi kukosha kwenguva yedu here?

5 Purogiramu yekokorodzano yakasimbisa zvikuru kutenda kwedu kuti zvose zvakapikirwa naMwari zvisati zvazadzika zvichaitika. Tinokurudzirwa kuramba tichizivisa vamwe shoko raMwari rouprofita!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe