Fungisisa Shoko raJehovha Mazuva Ose!
1 Zuva roga roga rine zvinetso zvitsva zvokutenda kwako. Zvichida waunozivana naye wokunyika anoramba achikumanikidza kuenda kunovhakacha newaunodanana naye. Mudzidzisi wako anoda kuti utsvake basa rokunyika, kana kuti waunoshandira anoda kuti ushande maawa akawanda. Utano hwako hwomuviri hungave huri kuderera. Kunyange zvazvo ungasangana nemiedzo yakadaro chero nguva, hausi woga. Jehovha akagadzirira kukupa uchenjeri hunodiwa kuti ubate nayo. Kunzvera rugwaro rweBhaibheri uye tsinhiro dziri mubuku rinonzi Kunzvera Magwaro ndeimwe nzira yaungadya nayo paShoko raJehovha nguva dzose. Unoshandisa zvakanaka gadziriro iyi here?
2 Zvokubetsera Zviripo: Isaya 30:20 inorondedzera Jehovha so‘Mudzidzisi Mukuru’ vanhu vaMwari kwavanogona kubetserwa. Anokugovera zvaunoda chaizvo kuti utarisane nezvinetso zvokutenda kwako. Sei? Ndima inotevera inotsanangura ichiti: “Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti: Heyi nzira, fambai nayo!” Nhasi, Jehovha anotumira “shoko” rake nomuMagwaro nomumabhuku o‘muranda akatendeka.’ (Mat. 24:45) Mune uchenjeri hwakawanda munyaya dzeNharireyomurindi dzakare chete, dzine chokuita nezvinenge zvinhu zvose zvokurarama kwechiKristu. Kudzokorora dziya dzakatorwa mashoko muna Kunzvera Magwaro kunokubetsera kuvaka dura rezivo inokosha mukubata nemiedzo yamarudzi ose.—Isa. 48:17.
3 Kurongere Nguva: Kunyange zvazvo mangwanani yaiva nguva yokuita zvinhu nechimbi-chimbi, vamwe amai vakaronga kurava nokukurukura rugwaro netsinhiro nemwanakomana wavo paaidya kudya kwamangwanani. Mashoko aya pamwe chete nomunyengetero ndiwo aiva okupedzisira aainzwa mangwanani oga oga asati aenda kuchikoro. Akamusimbisa kudzivisa unzenza, kuita chiito chokusabvumirana pane zvisina kufanira mune zvourudzi, uye kupupurira noushingi kune vose vari vaviri vadzidzi nevadzidzisi. Kunyange zvazvo aiva iye bedzi Chapupu pachikoro chacho, haana kumbonzwa ari oga.
4 Tarira kuna Jehovha neShoko rake kuti akuratidze gwara nenhungamiro. Kana ukadaro, achava chaiyeiye kwauri, seshamwari inovimbwa. Nyengetera kwaari mazuva ose! Pamwe chete nemamiriyoni evamwe munyika yose vanonzvera Shoko raMwari zuva nezuva, ngazvive kuti maziso ako ave ‘maziso anoona Mudzidzisi wako Mukuru.’