Purogiramu Yemhuri—Rugwaro Rwezuva
1 Vabereki vane rudo vanopedza nguva yakawanda zuva nezuva vachigadzirira vana vavo zvokudya zvakanaka. Kuvagovera zvokudya zvine chokuita nokunamata kubva muShoko raMwari kunotokosha zvikuru. (Mat. 4:4) Imwe nzira yamunogona kubatsira nayo vana venyu kuti vafarire zvinhu zvine chokuita nokunamata uye kuti ‘vakure vozoponeswa’ ndeyokuwana nguva zuva nezuva yokukurukura semhuri rugwaro rwezuva netsanangudzo dzarwo. (1 Pet. 2:2) Mungazviisa papi mupurogiramu yemhuri yenyu?
2 Panguva Yokudya: Kutanga zuva renyu nokukurukurirana rugwaro kungabatsira mhuri yenyu kuti irambe ichiyeuka Jehovha muswere wose wezuva. (Pis. 16:8) Vamwe amai vakasarudza kuverenga uye kukurukura rugwaro rwezuva netsanangudzo dzarwo nomwanakomana wavo paaidya mangwanani uye vainyengetera naye asati aenda kuchikoro. Izvi zvakaita kuti atsige mukutarisana nezvematongerwe enyika uye kuti asaite zvounzenza, uye kuti apupurire noushingi kuvadzidzi nevadzidzisi. Kunyange zvazvo aingova oga Chapupu pachikoro chacho, haana kumbonzwa kusurukirwa.
3 Kana kukurukura rugwaro mangwanani kusingaiti, mungaruita semhuri gare gare, zvimwe pakudya kwemanheru. Vamwe vanokurukurawo zvinoitika zvomubasa romumunda uye zvavanenge vanakidzwa nazvo pavanenge vachiverenga Bhaibheri vari voga panguva iyi. Vakawanda vanoyeuka nomufaro nguva dzakadaro pavainge vachidya seimwe yenguva dzinofadza zvikuru dzokuva pamwe chete semhuri.
4 Manheru: Kune dzimwe mhuri, nguva yakanakisisa yokuita rugwaro rwezuva ndeiya vasati vaenda kunorara. Iyi inogonawo kuva nguva yakanaka yokunyengetera pamwe chete. Vana venyu pavanokunzwai muchitaura nezvaJehovha zuva nezuva uye muchinyengetera kwaari, anova munhu chaiyeiye kwavari.
5 Jehovha ngaakomborere kuedza kwamunoita kupinza zvishoma nezvishoma chokwadi muvana venyu, sezvamunoshandisa zvakanaka kabhuku koKunzvera Magwaro Zuva Nezuva.