Wagadzirira Kudzokera Kuchikoro Muna September Here?
1. Mikana ipi iri mberi kwenyu sezvamunodzokera kuchikoro muna September?
1 Imi vaKristu vechiduku munosangana nematambudziko uye munomanikidzwa kuita zvimwe zvinhu kuchikoro. Asi zvino zvamava kudzokera kuchikoro, munewo mikana mitsva yokuti mu“pupurire chokwadi.” (Joh. 18:37) Manyatsogadzirira here kupupurira?
2. Magadzirira sei kudzokera kuchikoro?
2 Kuti mubatsirwe kubudirira pane zvose muupenyu, makadzidziswa chaizvo naJehovha, nevabereki venyu, uye nemuranda akatendeka, akangwara. (Zvir. 1:8; 6:20; 23:23-25; VaEf. 6:1-4; 2 Tim. 3:16, 17) Kusvika iye zvino, hapana mubvunzo kuti makasangana nematambudziko kuchikoro. Nokudzidziswa kwamakaitwa naMwari uye sezvamunoziva mamiriro ezvinhu amuchasangana nawo, gadzirirai kunopupurira. (Zvir. 22:3) Nyatsofungai nezvemirayiridzo uye mazano anobatsira ari muMagwaro anowanika mumabhuku maviri anonzi Vechiduku Vanobvunza Kuti uyewo mune dzimwe nyaya dzakafanana dzinogara dzichibudiswa muMukai!
3. Muchakwanisa kupupurira sei?
3 Ndima yenyu yakasiyana nedzimwe inoita kuti mupe uchapupu nenzira dzakawanda. Vamwe pavanoona mapfekero enyu akanaka, kushambidzika, maitiro uye matauriro, kuremekedza kwamunoita vamunodzidza navo uye vadzidzisi, uye kunyange mamakisi amunowana, vobva vaziva kuti mune nheyo yakasimba youpenyu, vamwe vangabvunza kuti, “Nei wakasiyana chaizvo nevamwe?” (Mar. 3:18; Joh. 15:19; 1 Tim. 2:9, 10) Mukana wokuti mupupurire uye mutsanangure zvamunotenda ungamuka. Mutemu yacho yose, mungangosangana nezvinhu zvakaoma zvakadai senyaya yemitambo inotsigira nyika. Kana mukabvunzwa nei musingaitewo zvinoita vamwe, muchangoti here, “Hazvipindirani nechitendero changu; ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha,” kana kuti, muchashandisa here mukana wacho kupupurira nezvaBaba venyu vane rudo, Jehovha? Kugadzirira zvakanaka muchitungamirirwa naJehovha kuchaita kuti mugadzirire kupupurira zvakanaka kuvadzidzisi, vamunodzidza navo, nevamwe.—1 Pet. 3:15.
4. Nei mune chivimbo chokuti muchabudirira mutemu yechikoro yamuri kunotanga?
4 Kunyange zvazvo mungave muchiti zezei kudzokera kuchikoro, zivai kuti mune vakawanda vari kukutsigirai vanoda kuti mubudirire kuchikoro. Uyezve, tinofara nemi netarisiro yamunayo yokupupurira kune vamwe vari mundima yenyu yakasiyana nedzimwe. Saka, shingai, mugadzirire kudzokera kuchikoro muna September!