Kumbira Kubetserwa
1 Mashoko akafuridzirwa okuti “dzakaoma kubata nadzo” anorondedzera nenzira yakakodzera nguva yedu inonetsa. (2 Tim. 3:1) Saka, ungaita sei paunosangana nezvinetso zvomudzimu zvakaoma zvaunganzwa kuti hauna kunyatsogadzirira kuti utarisane nazvo?
2 Ungada here kutaurira imwe nhengo yeungano yakakura mumudzimu? Vamwe vangatya kuita izvozvo nemhaka yokunyara, vasingadi kuremedza, kana kuti vasina chokwadi chokuti pane angabetsera chaizvoizvo. Ichokwadi kuti tinofanira kuedza kutarisira mitoro yedu pachedu nepatinogona napo, asi tinofanira kunzwa takasununguka nguva dzose kutsvaka kubetserwa munhau dzine chokuita noutano hwedu hwomudzimu.—VaG. 6:2, 5.
3 Pokutangira: Ungada kutaura nomuitisi wako wefundo yebhuku ndokukumbira kana ungashanda naye mubasa romumunda. Izvi zvichakupa mukana wokumuudza nezvokuda kwako kukura mumudzimu. Kana ari mushumiri anoshumira, ita kuti azive nezvokuda kwako kubetserwa mumudzimu uye achakumbira vakuru kuti vakubetsere. Kana kuti ungataura noupi noupi wevakuru nezvezvinhu zviri kukunetsa.
4 Unoda kubetserwa kworudzii? Chimwe chinhu chakaderedza kushingaira kwako here? Uri mubereki ari oga ari kuedza kuita kuti vana vake vagare vari pedyo neungano here? Uri munhu achembera here anoda kubetserwa? Kana kuti chinetso chakati chiri kukuodza mwoyo here? Kubata nenguva yedu inonetsa kungava kwakaoma—asi kwete kuti hakubviri. Tinogona kubetserwa.
5 Kubetsera Kunoita Varume Vakuru: Vakuru vane hanya zvechokwadi. Vachateerera zvauri kunetseka nazvo. Kana vamwe vaparidzi vakatarisana nezvibingamupinyi zvakafanana, vakuru vachafunga nezvazvo sezvavanofudza uye kudzidzisa ungano. Se“mienzaniso kuboka,” vanoramba vakagadzirira kuti vashande newe nomufaro. (1 Pet. 5:3) Kuteerera hama idzi dzine unyanzvi sezvadzinokurukura nheyo dzeBhaibheri kungavandudza ushumiri hwako uye kungakubetsera muupenyu hwako pachako.—2 Tim. 3:16, 17.
6 Jesu akatipa “zvipo zviri varume” zvakawanda. (VaEf. 4:8, mashoko omuzasi.) Izvi zvinoreva kuti vakuru varipo kuti vakushumire. Varipo kuti vakubetsere. Chaizvoizvo, ‘ndevako.’ (1 VaK. 3:21-23) Saka pane kurega, taura. Kumbira rubatsiro rwaunoda.