April—Nguva Yokushingairira Mabasa Akanaka Kwazvo!
1 Sezvo dutu rinoswedera pedyo nenharaunda inogara vanhu, kudiwa kwokunyevera vanhu nezvenjodzi iri kuswedera kunova kwokukurumidzira. Kuva pedyo kuri kuita dutu racho, ndiko kusimba kunofanira kuita nyevero yacho. Nei? Nokuti upenyu huri panjodzi! Vamwe vanhu vangave vasina kunzwa nyevero yakapfuura. Vamwe vangave vakanzwa asi vakarega kuita chiito. Zvakafanana ndezvechokwadi nezvenyevero yaMwari yatave tichirayirwa kuti tizivise “chamupupuri” chehasha dzakarurama dzaMwari chisati chapeperetsa zvisaririra zvose zvenyika yakaipa. (Zvir. 10:25) Upenyu husingagumi hwemabhiriyoni evanhu huri panjodzi! Nyevero inofanira kuziviswa. Tinofanira ku“shingairira mabasa akanaka kwazvo.”—Tito 2:11-14.
2 Kwemakumi emakore, vanhu vaJehovha vakakurudzirwa kuti vaite kuti mwaka weChirangaridzo uve nguva yokushingaira chaiko muushumiri. Muna 1939, Informant, yakatangira Ushumiri Hwedu hwoUmambo, yakagovera kurudziro iyi: “Nemamiriro okunze akanaka, tinofanira kutarisira maawa omumunda kuva akapetwa kaviri nevaparidzi [veungano], uye nguva yemapiyona yakawedzera kwazvo. April mwedzi une misi yeSvondo mishanu. Unewo Migovera mishanu. Ita kuti misi yeMigovera yose neyeSvondo muna April . . . zvive nguva yokupupurira chaiko.” Iyoyo yaiva vavariro inofadza yakaitirwa hama makore 60 akapfuura! Gore rino, kungofanana nomuna 1939, mwedzi waApril une kupera kwevhiki kushanu kwakazara. Uri kuronga chii mwedzi uno? Wakaisa chiratidzo chechii pakarenda rako nokuda kwaApril 2000? Ronga kuti ushande zvine chinangwa mumabasa akanaka navanhu vaJehovha vose mumwedzi chaiwo uyu wokuwedzera basa romudzimu.
3 Zvatinotarisira Kuita: Zuva rinokosha zvikuru regore ra2000 riri mumwedzi uno. NdiApril 19, kuchengetwa kwegore negore kworufu rwaJesu. Ngatiedzei nepatinogona kukoka vanhu vakawanda sevanobvira kuChirangaridzo. Sezvakataurwa mwedzi wapera, nyora vose vangangopinda Chirangaridzo uye ona kuti hapana vasiyiwa. Vaya vanokokwa vanofanira kusanganisira vaparidzi vapi nevapi vasingachaiti basa, vanodzidza Bhaibheri, shanyo dzedzokerero, vaya vakambodzidza, shamwari dzokubasa, vaunodzidza navo, vavakidzani, hama, uye vamwe vaunozivana navo. Vaya vanoda kupinda vane zvokufambisa here? Kana vasina, norudo ungada here kuvabatsira? Pausiku hweChirangaridzo, tose zvedu tichava neropafadzo yokuita kuti vaya vanopinda vanzwe vachigamuchirwa. Chirangaridzo chapera, tinogona kutevera nezvimwe zvinobatsira mumudzimu zvokuwedzera zvevanofarira vakadaro.
4 Kuva “vanoshingairira mabasa akanaka kwazvo” mumazuva anotangira Chirangaridzo neanotevera inzira yakanaka kwazvo yokuratidza Jehovha kuti tinonyatsoonga zvose zvaakatiitira. Mamiriro okunze ari nani munzvimbo zhinji achaita kuti vakawanda vedu tikwanise kuwedzera kushingaira kwatinoita mubasa rokuparidzira. Kana uri kuita upiyona hwebetsero, uchada kuita zvakanakisisa kupedzera maawa 50 kana kupfuura muushumiri. (Mat. 5:37) Nyatsoomerera kupurogiramu yawakaronga pakatanga mwedzi wacho. (Mup. 3:1; 1 VaK. 14:40) Vamwe vose ngatiitei zvatingagona kurebesa ruoko rwokutsigira mapiyona ose, nokuakurudzira uye nokushanda nawo mumunda. (Enzanisa na2 Madzimambo 10:15, 16.) Kana tikadyara nokushingaira muna April, tingatarisira mufaro mukuru uye chikomborero chinobva kuna Jehovha. (Mar. 3:10) Zvichida izvi zvichashanda senzira inobudirira kupfuurira kuita upiyona hwebetsero kana kuti upiyona hwenguva dzose. Simba romudzimu ratinowana muna April ngarikudziridzwe mune mimwe mwedzi inobudirira sezvatinoramba tiri vaparidzi voUmambo venguva dzose.
5 Pasina mubvunzo, zviuru zvevanhu vaJehovha mwedzi uno zvichatanga dzimwe fundo dzeBhaibheri dzepamusha. Ungada kuitanga here? Nyengeterera fundo zvakananga, uye shanda maererano neminyengetero yako. Unogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achaonga kukumbira kwako kwokuzvininipisa kuti ubetserwe kuwana munhu ane mwoyo wakatendeseka wokuti udzidzise.—1 Joh. 3:22.
6 Heuno mumwe mutoo wakaedzwa mumunda wave uchishandiswa zvinobudirira kutanga kukurukurirana. Unotanga nokubvunza kuti: “Munofunga kuti chisimba chose chiri muzvikoro zvavose, mugumisiro wemabasa emadhimoni here kana kuti chinobva mukusadzidziswa nevabereki?” Bvumira mhinduro. Kana munhu wacho akati “mabasa emadhimoni,” rava Zvakazarurwa 12:9, 12, uye simbisa basa raDhiyabhorosi mukutsigira kusagadzikana munyika. Zvadaro wovhura bhurocha rinonzi Anodei pachidzidzo 4, wobvunza kana munhu wacho achimboshamisika kuti Dhiyabhorosi akabva kupi. Pfuurira kurava mokurukura ndima mbiri dzokutanga. Kana munhu wacho akasarudza “kusadzidziswa nevabereki” sechikonzero chechisimba muzvikoro, rava 2 Timoti 3:1-3 uye dudza tsika dziri pachena kuti ndidzo dzinokonzera chinetso ichi. Zvadaro wovhura bhurocha rinonzi Anodei pachidzidzo 8, rava ndima 5, uye moramba muchikurukurirana. Kana ukaronga kuti uchadzoka, uchakura nzira yokuva nefundo yeBhaibheri yenguva dzose nomunhu wacho. Pakushanya kunotevera, mubvunze kana achiziva chero upi zvake angafarira kunzwa zvaari kudzidza.
7 Imwe nzira yoku“shingairira mabasa akanaka kwazvo” muna April ndeyokuparidza nenzira dzakasiyana-siyana. Wave uchifunga nezvokupupurira mupaka kana kuti munopakwa motokari here? Panomirirwa bhazi kana kuti pachiteshi chezvitima here? Kana kuti ungada here kuedza kupupurira norunhare, pamugwagwa, kana kuti mundima yebhizimisi? Wadii washandisa pfungwa idzodzo mwedzi uno? Jehovha achakubatsira kuwana ushingi hunodiwa. (Mabasa 4:31; 1 VaT. 2:2b) Zvichida ungaronga kushanda napiyona kana kuti muparidzi ane unyanzvi muushumiri uhwu.
8 Ani naani anoda kuwedzera kushanda kwaanoita mubasa rokuparidza achadawo kupupurira zvisina kurongwa. Zvinowanzoda kuti utange kukurukura nomunhu nenzira youshamwari. Ingotaura nhau yamungafarira mose, zvichida uchishandisa mutoo wataurwa mundima 6. Edza kushandisa zvakanaka kunyange zvikamu zviduku zvenguva ingazongopambadzwa. Hatirasi mari yakaita sema10¢, 20¢, kana kuti ma50¢ nemhaka yokungoti haisi madhora akazara. Saka huregererei kushandisa kunyange maminiti mashanu, gumi kana kuti gumi nemashanu tichiparidzira zvisina kurongwa?
9 Nguva Yokufungisisa: Yeuka mashoko akasimba akataurwa mumutambo weKokorodzano Yoruwa ye“Shoko raMwari Rouprofita” yegore rapera. Mutambo wacho, waiva nomusoro unoti Kukoshesa Nhaka Yedu Yomudzimu, wakatiita kuti tinyatsofunga nezvokusiyana kwaJakobho naEsau. Esau akati aifarira zvinhu zvomudzimu sezvaiita Jakobho, asi mabasa aEsau akanga asingaratidzi kudaro. (Gen. 25:29-34) Inyevero ine simba zvakadini kwatiri! SaJakobho, ngativei vakagadzirira kutamburira, kunyange kurwisa, nokuda kwechikomborero chaJehovha. (Gen. 32:24-29) Tadii kushandisa April nemwedzi yose inotevera kuti timutsidzire kushingaira kwedu, tisingamborerutsi nhaka yedu yomudzimu inoshamisa?
10 “Zuva guru raJehovha rava pedyo, rava pedyo, rinokurumidza kwazvo.” (Zef. 1:14) Mashoko akanaka oUmambo anofanira kuziviswa. Upenyu huri panjodzi! Mwedzi uno ngauve wakakomborerwa kwazvo nokuda kwevanhu vaJehovha vose sezvatinoratidza takabatana kuti tiri ku“shingairira mabasa akanaka kwazvo.”
[Bhokisi riri papeji 4]
Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
Kuchengetwa kweChirangaridzo gore rino kuchaitwa musi weChitatu, April 19. Vakuru vanofanira kufungisisa nezvezvinhu zvinotevera:
◼ Pakuronga nguva yomusangano wacho, ivai nechokwadi chokuti zviratidzo hazvizopfuudzwi kusvikira zuva ravira.
◼ Munhu wose, kusanganisira mukurukuri, anofanira kuziviswa nezvenguva chaiyo nenzvimbo zvokuchengeta kwacho.
◼ Rudzi chairwo rwechingwa newaini zvinofanira kuwanwa ndokugadzirirwa.—Onai Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1985, peji 17.
◼ Ndiro, magirazi, uye tafura yakakodzera nejira repatafura zvinofanira kuunzwa kuhoro ndokufanoiswa panzvimbo yacho.
◼ Horo yoUmambo kana kuti imwe nzvimbo yokusonganira inofanira kucheneswa zvakakwana nguva isati yakwana.
◼ Varindiri nevafambisi vezviratidzo vanofanira kusarudzwa ndokufanorayiridzwa nezvemabasa avo nenzira yakafanira yokuaita nayo.
◼ Panofanira kuitwa gadziriro dzokugovera chero upi zvake wevakazodzwa anorwara uye asingakwanisi kuvapo.
◼ Kana ungano dzinopfuura imwe dzakarongwa kuti dzishandise Horo yoUmambo imwe chete, panofanira kuva nokushandira pamwe kwakanaka paungano dzacho kuitira kuti kuwandisa kusina kufanira pokusvikira kana munzira dzokupinda nadzo, mokufamba namo, uye mokupaka motokari kudziviswe.